Chii Chichakubatsira Kuti Ujaire Ungano Itsva?
WAKAMBOTAMIRA kune imwe ungano here? Kana zvakadaro, unogona kunge uchibvumirana naJean-Charles uyo akati: “Zvakaoma kujaira ungano itsva, panguva imwe chete uchiva nechokwadi chekuti munhu wese wemumhuri ari kuita kuti ushamwari hwake naJehovha hurambe hwakasimba.” Kuwedzera pakutsvaga basa, pekugara, uye pamwe pacho zvikoro zvitsva, vaya vanotama vanogona kusangana nezvinhu zvavasina kujaira zvakadai semamiriro ekunze, tsika, uye ndima itsva yekuparidza.
Nicolas naCéline vakatarisana nerimwe dambudziko. Pavakabva pabazi reFrance, vakatamira mune imwe ungano. Vanoti: “Pakutanga takafara chaizvo asi takazotanga kusuwa shamwari dzedu. Tainge tisati tava neushamwari hwepedyo nehama nehanzvadzi dzemuungano yedu itsva.”a Sezvo zvichigona kuoma, ungaitei kuti ufare uye urambe uchiita zvese zvaunofanira kunge uchiita pakunamata kana watamira kune imwe ungano? Vamwe vangaitei kuti vabatsire? Uye ungakurudzira sei vamwe uyewo vangakukurudzira sei muungano itsva?
ZVINHU 4 ZVICHAKUBATSIRA PAUNENGE WATAMA
Vimba naJehovha
1. Vimba naJehovha. (Pis. 37:5) Kazumi, anobva kuJapan, akasiya ungano yaakanga apinda nayo kwemakore 20 murume wake paakatamiswa nebasa. Kazumi ‘akaisa sei nzira yake pana Jehovha’? Anoti: “Ndakadurura mwoyo wangu kuna Jehovha ndichimuudza nezvekutya, kusuruvara, uye kuzvidya mwoyo kwandaiita. Pese pandaiita izvozvo, aindisimbisa.”
Ungaitei kuti uwedzere kuvimba naJehovha? Sezvo chirimwa chichida mvura nechikafu zvinobva muvhu kuti chikure, kutenda kwedu kunodawo zvekudya zvekunamata kuti kukure. Nicolas ambotaurwa nezvake akaona kuti kufungisisa nezvemienzaniso yakadai saAbrahamu, Jesu, naPauro, varume vane zvinhu zvakawanda zvavakarasikirwa nazvo kuti vaite kuda kwaMwari, kwakaita kuti awedzere kuva nechivimbo chekuti Jehovha aizomutsigira. Kugara uchidzidza Bhaibheri kunokubatsira kuti utsungirire chero chii zvacho chinenge chachinja muupenyu hwako uye kunoita kuti uve nezvinhu zvaungashandisa pakukurudzira vamwe muungano yako itsva.
Usaenzanisa ungano
2. Usaenzanisa ungano. (Mup. 7:10) Jules akaona musiyano mukuru wetsika paakatamira kuUnited States achibva kuBenin. Anoti: “Ndainzwa sekuti ndaifanira kuudza munhu mumwe nemumwe wandaisangana naye nezveupenyu hwangu.” Sezvo zvinhu zvainge zvakasiyana nezvaainge ajaira, akatanga kuzviparadzanisa nevamwe muungano. Asi pashure pekunge awedzera kuziva hama nehanzvadzi, akachinja mafungiro ake. Anoti: “Iye zvino ndava kuziva kuti kwese kwaunoenda panyika, vanhu vakafanana. Vanongoita zvinhu nenzira dzakasiyana. Kugamuchira vanhu sezvavari kunokosha.” Saka usaedza kuenzanisa ungano yawakabva neungano itsva. Imwe hanzvadzi inopayona inonzi Anne-Lise yakati: “Pandakatama handina kuisa pfungwa pane zvandainge ndasiya. Ndakafunga kuti zvii zvandaizodzidza.”
Vakuru havafaniri kuenzanisa ungano yavo itsva neyavaimbova. Kusiyana kwemaitirwo ezvinhu hakurevi hako kuti zvinhu zviri kuitwa nenzira isiri iyo. Zvakanaka kuti mutange madzidza nezvemamiriro ezvinhu emuungano yamava musati mapa mazano. (Mup. 3:1, 7b) Zviri nani kudzidzisa hama nemuenzaniso pane kudzimanikidza kuti dzifunge sezvaunoita.—2 VaK. 1:24.
Iva nezvekuita muungano
3. Ita zvakawanda muungano yako itsva. (VaF. 1:27) Kutama kunoda nguva nesimba rakawanda, asi zvinokosha kuti ubve wangotanga kupinda misangano paImba yeUmambo. Hama dziri muungano yako itsva dzinoda kugara dzichikuona kuti dzinzwe dziri pedyo newe kuitira kuti dzikwanise kukubatsira. Lucinda, uyo akatama achienda muguta rakati kurei nevanasikana vake vaviri kuSouth Africa anoti: “Shamwari dzangu dzakandiudza kuti ndiite zvese zvandinogona kuti ndive pedyo neungano yangu itsva, ndishande nevamwe muushumiri, uye ndipindure pamisangano. Takaudzawo hama kuti dzaigona kushandisa pamba pedu kuti paitirwe misangano yebasa remumunda.”
‘Kushanda nesimba pamwe chete’ nehama nehanzvadzi dzemuungano yako itsva kuchakubatsira kuti uwedzere kusimba uye usimbisewo vamwe. Anne-Lise, ambotaurwa nezvake akakurudzirwa nevakuru kuti aedze kuparidza nemunhu mumwe nemumwe. Zvakaguma nei? Anoti: “Ndakakurumidza kuona kuti iyi inzira inokosha yekuti munhu anzwe kuti iyi ndiyo ungano yake.” Uyewo kuzvipira kuita mabasa akadai sekuchenesa uye kugadzirisa zvinhu paImba yeUmambo kucharatidza kuti wava kuona kuti iyi ndiyo ungano yako. Ukaita zvakawanda, hama nehanzvadzi dzichakurumidza kunzwa dzakasununguka kwauri uye uchanzwa sekuti iyi imhuri yako.
Tsvaga shamwari
4. Tsvaga shamwari. (2 VaK. 6:11-13) Kana vanhu vakaona kuti une hanya navo zviri nyore kuti muve shamwari. Saka ronga kusvika paImba yeUmambo misangano isati yatanga uye kumboti garei kana yapera kuitira kuti uve nenguva yakawanda yekutaura nevanhu. Edza kubata mazita avo. Kuyeuka mazita evanhu, kuva neushamwari, uye kuva munhu anotaurika naye kuchaita kuti vamwe vade kukuziva uye kakawanda kacho munova shamwari.
Pane kunyepedzera kuva zvausiri kuitira kuti ufarirwe nevamwe, rega shamwari dzako itsva dzisvike pakuziva kuti uri munhu akanyatsoita sei. Dzidza pane zvakaitwa naLucinda uyo akati, “Tine ushamwari hwepedyo nevamwe nekuti takatanga isu kukoka vamwe kumba kwedu.”
“GAMUCHIRANAI”
Vamwe vanganetseka pavanopinda muImba yeUmambo yakazara vanhu vavasingazivi. Saka ungaitei kuti urerutsire vaya vachangotamira muungano menyu? Muapostora Pauro akatikurudzira kuti, “Gamuchiranai, sekugamuchirwawo kwamakaitwa naKristu.” (VaR. 15:7) Vachitevedzera Kristu, vakuru vanogona kubatsira vatsva kuti vanzwe kuti vari kugamuchirwa. (Ona bhokisi rakanzi “Zvaungaita Uye Zvingaitwa Nevakuru Paunotama.”) Asi vese vari muungano kusanganisira vana, vane zvavanoita pakuita kuti vatsva vanzwe kuti vari kugamuchirwa.
Kugamuchirana kunosanganisira kukoka vamwe kudzimba dzedu, asi kunosanganisirawo kuita zvinhu zvinobatsira vamwe. Semuenzaniso, imwe hanzvadzi yakazvipira kufamba nehanzvadzi itsva ichiiratidza zvakaita guta uye kuitsanangurira kuti mabhazi nezvitima zvaifamba sei. Zvakaitwa nehanzvadzi iyi zvakabaya mwoyo wehanzvadzi itsva, uye zvakaibatsira kuti ijaire nzvimbo itsva.
MUKANA WEKUKURA
Mhashu painokura, inovhunura ganda rayo kakawanda mapapiro ayo asati ava kukwanisa kubhururuka. Saizvozvowo, paunotamira kune imwe ungano, unofanira kuita seuri kubvisa mafungiro anokutadzisa kutambanudza mapapiro ako mubasa raJehovha. Nicolas naCéline vanoti: “Kutama kunokudzidzisa zvakawanda. Kujairana nevanhu vatsva uye nharaunda itsva kwakatikurudzira kuti tive neunhu hutsva.” Jean-Charles, ataurwa patangira nyaya ino anotaura nezvekubatsirwa kwakaitwa mhuri yake achiti: “Kuchinja kwacho kwakaita kuti vana vedu vawedzere kufunga sevanhu vakuru uye kuswedera pedyo naJehovha muungano itsva. Pashure pemwedzi mishomanana mwanasikana wedu akatanga kupa hurukuro pamusangano wepakati pevhiki uye mwanakomana wedu akava muparidzi asati abhabhatidzwa.”
Ko kana mamiriro ako ezvinhu achikutadzisa kutama uchienda kunodiwa vaparidzi vakawanda? Kana zvakadaro, unogona kuita kuti ungano yako iite seitsva nekushandisa mazano ataurwa pamusoro apa. Uchivimba naJehovha, ita zvakawanda muungano mako kuburikidza nekuronga kuti ushande nevamwe muushumiri uye kuumba ushamwari hutsva kana kuti kusimbisa hwagara huripo. Unogona kubatsira vatsva kana kuti vaya vanoshaya. Sezvo vaKristu vechokwadi vachizivikanwa nerudo, kuita izvozvo kuchaita kuti uwedzere kuswedera pedyo naJehovha. (Joh. 13:35) Unogona kuva nechokwadi chekuti “Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.”—VaH. 13:16.
Pasinei nematambudziko anovapo, vaKristu vakawanda vakakwanisa kufara uye kuita zvakawanda muungano dzavo itsva uye newewo unogona kudaro! Anne-Lise anoti: “Kuchinja ungano kwakandibatsira kuti ndishamwaridzane nevanhu vakawanda.” Kazumi ava nechokwadi chekuti kutama “kunoita kuti utsigirwe naJehovha nenzira dzaasati ambokutsigira nadzo.” Jules anotiwo kudii? Anoti: “Ushamwari hwandakaumba hwakandibatsira kuti ndinzwe kusununguka. Iye zvino ndava kunzwa kuti iyi ndiyo ungano yangu zvekuti zvichandiomera kuti ndiisiye.”
a Kuti uwane mamwe mazano, ona nyaya yakanzi “Kugonana Nokufunga Kumusha Mubasa raMwari,” iri muNharireyomurindi yaMay 15, 1994.