Uchati Kudii kumuMuslim?
1 Wakambopupurira muMuslim here? Kana wakadaro, zvimwe wakadzidza kuti vaMuslim vanodavira zvakasimba muna Mwari. Zvisinei, vanoziva zvishomanana nezveParadhiso iri kuuya pasi pano sezvakafanotaurwa nevaprofita vaJehovha, uye tingada kukurukura nezvetariro iyoyo navo. (1 Tim. 2:3, 4) Mashoko anotevera anofanira kukubetsera kupupura zvakanaka.
2 VaMuslim vanodavira muna Allah, kana kuti Mwari, uye vanodavira kuti Muhammad ndiye muprofita wake. Bhuku ravo dzvene iKoran, uye chitendero chavo chinonzi Islam, izvo zvinoreva kuti “kuzviisa pasi.” Koran inotaura kuti kureva nhema nekunamata zvidhori zvakaipa, kuti Mwari ndemumwe, uye kuti haasi muUtatu. Uyewo, inodzidzisa kusafa kwomweya, hero yemoto, uye paradhiso yokudenga. VaMuslim vanobvuma Bhaibheri seShoko raMwari asi vanodavira kuti rakachinjwa, nepo Koran, ichiri mumutauro wayo wapakutanga, yakaramba isina kushatiswa.
3 Iva ane Ushamwari, Unyanzvi, uye Anonzwisisa: Paunokurukura nemuMuslim, iva ane ushamwari neunyanzvi. (Zvir. 25:15) Ziva kuti zvinodavirwa nevaMuslim zvakanyatsodzika midzi uye kuti zvizhinji zvacho zvakadzidzwa nomusoro. Saka, kufunga nezvedzidziso dzechitendero uye kuti vazvizivire chinodiwa naMwari hazvisizvo zvavakakura vachiziva. (VaR. 12:2) Kuti ubetsere vaMuslim, kushivirira nekunzwisisa zvinokosha.—1 VaK. 9:19-23.
4 Dzivisa kushandisa mashoko ayo angaita kuti pfungwa dzomuMuslim dzikubatanidze nechiKristudhomu. Jekesa kuti hausi wechitendero cheKaturike kana kuti chePurotesitendi, uye kuti wakasiyana. Taura nezveBhaibheri seBhuku raMwari. Sezvo vaMuslim vasingadi kunzwa mashoko okuti “Mwanakomana waMwari,” nguva dzose zvakanaka zvikuru kusaashandisa kana kuti kusakurukura nhau iyi kusvikira kufambira mberi mumudzimu kwaitwa. Zvisinei, unogona kutaura nezvaJesu, uchitaura nezvake semuprofita kana kuti mutumwa. Dzivisa kuitirana nharo. Kana ukacherekedza kuti hasha dzava kutanga, nenzira yokuremekedza ibva pakarepo.
5 Zvakanaka zvikuru kungotaura nemunhu mumwe uye kwete neboka. Kazhinji, zvinokurudzirwa kuti vakadzi vapupurire vakadzi, uye varume vapupurire varume. Zviri pachena kuti, paripo pasingashandi izvi, asi kusarudza kwakanaka kunofanira kuitwa. Uyewo, vaMuslim vakawanda havatani kugumburwa nekupfeka nekutsvinda kunoitwa nevakadzi kwavanofunga kuti hakuna mwero. Hanzvadzi dzinofanira kuziva izvi.—1 VaK. 10:31-33.
6 Zvinhu Zvokutaura Nezvazvo: Taura zvakajeka nezveukuru hwaMwari nerudo rwake. Usazengurira kutaura kuti uri mutendi wechokwadi, kuti Mwari ndemumwe (kwete Utatu), uye kuti kunamata zvidhori kwakaipa. Taura nezvouipi huri munyika nhasi—hondo, nyongano yavagari vomunyika imomo, kuvengana kwemarudzi, uye unyengeri huri pachena pakati pevanhu vezvitendero zvakawanda.
7 Bhurocha rinonzi The Guidance of God—Our Way to Paradise richaita kuti unzwisise mimwe misoro ingashandiswa kutanga kukurukurirana nevaMuslim. Rakagadzirirwa kufadza vaMuslim vanogara mumhuri umo vanganzwa vakasununguka kudzidza Bhaibheri.
8 Semharidzo, ungati:
◼ “Ndiri kuedza kuita zvese zvandingagona kuti nditaure nevaMuslim. Ndave ndichirava nezvechitendero chenyu uye ndinodavira kuti ndakarurama kutaura kuti vaMuslim vanodavira muna Mwari mumwe wechokwadi uye muvaprofita vose. [Bvumira mhinduro.] Ndingada kutaura nemi nezvemumwe muprofita wekare uyo akafanotaura nezvekuchinja kwepasi kuva paradhiso. Ndingakuravirai zvakanyorwa nemuprofita wacho here? [Rava Isaya 11:6-9.] Uprofita uhwu hunondiita kuti ndifunge nezvemamwe mashoko ari muKoran anowanikwa mubhurocha rino.” Vhura peji 9 mubhurocha rinonzi Guidance of God, uye rava mashoko matema anotaura nezvevakarurama vanogara nhaka yenyika. Kana akaratidza kufarira, pfuuridzira kukurukurirana kwacho nokukurukura ndima 7 kusvika ku9 papeji iri pamhiri pacho. Siya bhurocha racho, uye ronga kushanya zvakare.—Nokuda kweimwe mharidzo, ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1998, peji 6, ndima 26.
9 Paunoudza mumwe munhu nezvekudzidza bhurocha rinonzi Guidance of God, zvakanaka zvikuru kutaura kuti kukurukurirana, kwete chidzidzo cheBhaibheri. Pamunopedza bhurocha racho, mudzidzi wacho anofanira kuva agadzirira kudzidza bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo. Zvimwe zvakagadzirirwa zvikurukuru vaMuslim iturakiti rinonzi How to Find the Road to Paradise uye kabhuku kanonzi The Time for True Submission to God.
10 Tichiziva izvi zvinodavirwa nekugumbura vechiIslam, tinogona kuva vanonzwisisa mukusarudza kwedu mabhuku atinogovera vaMuslim uye munzira yatinovapupurira. Jehovha ngapfuurire kukomborera kuedza kwedu kubetsera vanhu vamarudzi ose kudana zita rake ndokuponeswa.—Mabasa 2:21.