RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/99 p. 1
  • Tevedzera Kusasarura kwaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzera Kusasarura kwaJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kutevedzera Mwari Wedu Asingasaruri Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Nyatsokoshesa Unhu hwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kusvika Vakatowanda Zvikuru Namashoko Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokuparidza Usingasaruri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 12/99 p. 1

Tevedzera Kusasarura kwaJehovha

1 Jehovha ane hanya nevanhu. Anogamuchira asingasaruri upi noupi anoita zvaanoda. (Mabasa 10:34, 35) Jesu paakaparidzira vanhu, iye nenzira yakafanana akanga asingasaruri. (Ruka 20:21) Tinoda kutevedzera muenzaniso wavo, sezvakaita Pauro, uyo akanyora kuti: “Kuna Ishe mumwe pamusoro pavose, akapfuma kune avo vose vanodana paari.”—VaR. 10:12.

2 Kuzivisa vose vatinosangana navo mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kunounza mbiri kuna Mwari. Tinofanira kupfuurira kukurukura mashoko aya anoshamisa navamwe, pasinei zvapo nedzinza ravo, mamiriro ezvinhu, dzidzo, kana kuti mamiriro ezvemari. (VaR. 10:11-13) Izvi zvinoreva kuparidzira vaya vachateerera—varume, vakadzi, vaduku, uye vakwegura. Tinoda kusvika padzimba dzose kuti tipe saimba oga oga mukana wokunzwa chokwadi.

3 Farira Munhu Wose: Vavariro yedu ndeyokuona munhu wose watinogona kuona. Tichifunga nezveizvi, vamwe vaparidzi vave vachibudirira kupupurira vanhu muhofisi dzavanachiremba, muzvipatara, mumisha inochengeterwa vakwegura, hofisi dzokuyamura vanhu, uye nzvimbo dzinotarisirwa varwere. Uyezve, vaparidzi vakapupurira vatungamiriri vemariro, vatarisiri vezvikoro nevapi vemazano, uye vatongi. Pakukurukura nevakuru vakuru, zvakakodzera kuvaratidza kuonga nokuda kwemabasa anobetsera avanoita munzanga. Iva anoremekedza, uye sarudza nyaya dzinoenderana nenguva dzinonyanya kubata nerudzi rwebasa ravanoita uye zvinetso zvarinazvo.

4 Mune chimwe chiitiko imwe hanzvadzi yakakwanisa kutaura kumutongi muhofisi make. Pashure pokukurukurirana zvinonakidza, akataura mashoko aya: “Unoziva chandinoda pamusoro peZvapupu zvaJehovha here? Zvine nheyo dzakasimba dzazvisingatsauki kwadziri.” Kupupurira kwakaisvonaka kwakaitwa kumunhu uyu ane masimba.

5 Hatigoni kuziva zviri pamwoyo yavanhu. Zvisinei, nokutaura newose watinosangana naye, tinoratidza kuti tinotenda kukwanisa kwaMwari kutungamirira basa redu. Uyezve, izvi zvinopa vanhu ropafadzo yokunzwa ndokubvuma mashoko etariro. (1 Tim. 2:3, 4) Ngatishandisei nguva yedu nokuchenjera ndokuedza kutevedzera kusasarura kwaJehovha nokuudza vanhu vose vatingagona mashoko akanaka.—VaR. 2:11; VaEf. 5:1, 2.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe