RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 2/15 pp. 28-29
  • Kusvika Vakatowanda Zvikuru Namashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusvika Vakatowanda Zvikuru Namashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndaizotaurei?
  • Migumisiro Inoshamisa Uye Inopa Mubayiro
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Tevedzera Kusasarura kwaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Sarudza Nyaya Kuti Unange Fariro Chaidzo Dzavanhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 2/15 pp. 28-29

Kusvika Vakatowanda Zvikuru Namashoko Akanaka

SEZVANDAIFUNGA nezvevanhu vari munyika yangu, ndakaziva kuti vakawanda vanozivira Zvapupu zvaJehovha mumishumo yenhau bedzi. Vanhu ava vanofanira kuonekwa, ndakafunga kudaro, kuitira kuti vazive kuti Zvapupu zvaJehovha ndivanaani uye zvazvinodavira chaizvoizvo. Asi ndaigona sei kubetsera? Murume wangu mukuru wechiKristu, uye akandigovera nhungamiro nezvikarakadzo zvouchenjeri.

Takawana mufungo mukuru munyaya yaiti “Magazines That Give Practical Comfort,” yakabudiswa muchinyorwa chemagazini yeMukai! yaJanuary 8, 1995 yechiNgezi. Pamusoro pomubato wechimwe Chapupu, nyaya yacho inoti: “Ave achichiita chinangwa kuunganidza makopi ekare emagazini eMukai! akati ayo zvimwe Zvapupu zvakaunganidza mumusha. Ipapo anoshanyira masangano aanofunga kuti angaratidza fariro chaiyo mune mimwe yemisoro yacho.”

Ndichibetserwa nomurume wangu, ndakakurumidza kuunganidza mazana anoverengeka amakopi emagazini. Pana iwaya ndakakwanisa kusarudza mhatsa yenhau dzakafanira vanhu vandaizoedza kuona.

Ndichishandisa mabhuku erunhare nezvinyorwa zvavose, ndakaunganidza ndaza yaimirira zvipatara, nzvimbo dzinogara pwere, uye misha inochengeterwa vanorwara nevakwegura. Ndakarongawo vanoita zvemariro, vatarisiri vezvikoro navapi vemazano, vezvokurapa, uye vakuru-vakuru vemajeri nematare edzimhosva. Ndaza yangu yaibatanidza vakuru vakuru vemasangano ezvevakapindwa muropa nezvinodhaka, masangano ezvenhau dzemhoteredzo, ezvevakaremara uye vanyajambwa vehondo, uye okunzvera zvokudya. Handinawo kufuratira vakuru vemahofisi ewerufeya, mabasa enzanga, uye nhau dzemhuri.

Ndaizotaurei?

Chinhu chokutanga chandakaita pakuita shanyo chakanga chiri kuzivisa zvakajeka kuti ndakanga ndiri ani. Ipapo ndaidudza kuti kushanya kwangu kwaizotora maminiti mashoma chete.

Ndangotarisana nomunhu aitarisira, ndaiti: “Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, handina kuuya pano kuzokurukura zvorudzidziso, zvingava zvisina kufanira mukati memaawa ebasa.” Kazhinji kazhinji mamiriro ezvinhu aiva akasununguka zvikuru. Ipapo, ndichichinjira tsinhiro dzangu kumamiriro ezvinhu zvacho, ndaipfuurira kuti: “Zvikonzero zvokushanya kwangu zviviri. Kutanga, ndinoda kuonga basa riri kurongwa nehofisi yenyu. Pashure pezvose, hazvifaniri kurerutswa kuti mumwe munhu anoshandisa nguva yake nesimba achiitira vanhu vose zvavo. Izvi zvinofanira kurumbidzwa zvirokwazvo.” Muzviitiko zvakawanda munhu aisvikwa nenzira iyi aishamisika.

Panguva ino munhu wacho akanga oshamisika zvikurusa kuti chikonzero chechipiri chokushanya kwangu chakanga chiri chei. Ndaipfuurira kuti: “Chikonzero chechipiri chokushanya kwangu ndeichi: Mumagazini yedu yeMukai!, inobudiswa munyika dzakawanda, ndakasarudza dzimwe nyaya dzine chokuita zvikurukuru nerudzi rwebasa renyu nezvinetso zvine chokuita naro. Ndine chokwadi chokuti mungada kuziva nzira iyo magazini yomunyika dzakawanda inorangarira nayo zvinetso izvi. Ndichafara kukusiyirai makopi aya.” Kazhinji kazhinji ndaiudzwa kuti nhamburiko dzangu dzaiongwa.

Migumisiro Inoshamisa Uye Inopa Mubayiro

Pandakashandisa mutoo uyu, vakawanda zvikurusa vakandigamuchira noushamwari; mumwe bedzi muvane 17 akandirambira. Ndakava nezviitiko zvakawanda zvakanga zvichishamisa nokupa mubayiro.

Somuenzaniso, pashure pokuedza kana nokumirira nokushivirira, ndakabudirira kusangana nomutarisiri wechikoro woruwa. Akanga ari munhu akabatikana zvikuru. Asi, akanga ane ushamwari zvikurusa uye akataura neni kwechinguvana. Pandakanga ndava kuenda, akati: “Ndinoonga zvikuru nhamburiko yenyu, uye zvirokwazvo ndicharava mabhuku enyu nokungwarira.”

Pane imwe nhambo, ndakashanyira dare roruwa, ndichisangana nomutongi mukuru, munhu wezera rapakati. Pandakapinda muhofisi make, akarega kutarira mapepa ake akati shatirwei.

“Maawa okushanda Chipiri mangwanani bedzi, uye ipapo ndipo pandichawanikwa nokuda kwamashoko api naapi,” akadaro nehasha.

“Ndibvumirei kukumbira ruregerero nokuda kwokuuya panguva isina kufanira,” ndakakurumidza kupindura ndokuwedzera kuti, “Chokwadika, ndingafara kuuyazve pane imwe nguva. Asi kushanya kwangu chaizvoizvo inhau yomunhu oga.”

Zvino mutongi wacho akanga oda kuziva. Akabvunza, nenzwi riri nani, kuti ndaidei. Ndakadzokorora kuti ndaizoshanyazve neChipiri.

“Ndapota, garai pasi,” akaomerera, izvo zvakandishamisa zvikuru. “Munodei?”

Kurukurirano inofadza yakatevera, uye akakumbira ruregerero nokuda kwokuva asina ushamwari pakuvamba nemhaka yokuti akanga akabatikana chaizvoizvo.

“Munoziva zvandinoda pamusoro peZvapupu zvaJehovha here?” mutongi wacho akabvunza kudaro pashure pechinguvana. “Zvine nheyo dzakasimba dzazvisingabvi padziri. Hitler akaedza zvose zvaaigona, asi kunyange zvakadaro Zvapupu hazvina kuenda kuhondo.”

Apo vaviri vedu takapinda mune imwe hofisi, vanyori vacho vakatiziva. Ipapo munyori wacho mukuru akataura nenzwi guru asina ushamwari kuti, “Purezidhendi haambogamuchiri vanhu vapi navapi.”

“Asi achatigamuchira,” ndakapindura ndakadzikama, “nemhaka yokuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Hatisi vapemhi, uye kushanya kwedu hakuzopfuuri maminiti matatu.” Mumwoyo mangu ndakanyengetera zvakasimba kuti, “Haiwa Jehovha, ndapota itai kuti zviite zvakanaka!”

Munyori wacho akapindura asingafariri kuti, “Ipapoka, zvakanaka, ndichaedza.” Akafamba achienda. Pashure peanenge maminiti maviri, ayo akaratidzika seasingagumi kwandiri, akadzokazve achiteverwa napurezidhendi pachake. Asingatauri chinhu chipi nechipi, akatungamira achienda kuhofisi yake, achipfuura mamwe makamuri maviri.

Sezvatakavamba kukurukura, akava neushamwari zvikuru. Akagamuchira nokudisa zvinyorwa chaizvo zvemagazini edu eMukai! patakazvigovera. Takaonga Jehovha nokuda kwomukana uyu wokupa uchapupu hwakanaka pamusoro pechinangwa chebasa redu.

Ndichitarira shure pazviitiko zvakawanda zvakaisvonaka, ndakasvika pakunzwisisa zvizere zvakataura muapostora Petro kuti: “Zvirokwazvo ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rwupi norwupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Kuda kwaMwari kuti vanhu vemamiriro ose ezvinhu, mitauro, kana kuti nzvimbo munzanga vapiwe mukana wokuziva chinangwa chake nokuda kworudzi rwomunhu uye nokuda kwapasi.—Yakagoverwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe