RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/00 p. 4
  • Shandisa Maturakiti Kutanga Kukurukurirana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shandisa Maturakiti Kutanga Kukurukurirana
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Maturakiti Pakuparadzira Mashoko Akanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Shandisa Shoko raMwari Nokuti Ibenyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Maturakiti Matsva Akagadzirwa Zvakanaka Chaizvo!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Rishandise Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 1/00 p. 4

Shandisa Maturakiti Kutanga Kukurukurirana

1 Hawaizobvuma here kuti kupupurira kunobudirira kunotsamira zvakanyanya nokutanga kwako kukurukura? Chinetso chacho chiri pakutaura chimwe chinhu chinoita kuti munhu wacho afarire ndokuita kuti abatanidzwe. Asi izvi zvingaitwa sei zvinobudirira?

2 Vaparidzi vakawanda vakaona kuti nemashoko mashomanana akanyatsosarudzwa, kugovera rimwe rematurakiti edu akavakirwa muBhaibheri kungatanga kukurukurirana. Misoro yacho inofadza, uye mifananidzo yacho ine ruvara rwakanaka uye runokwezva. Turakiti haripfinhi munhu, kana kumupa pfungwa yokuti rine mashoko akawanda okurava. Zvisinei, mashoko mapfupi ari mumaturakiti anobata pfungwa dzemunhu uye anogona kushandiswa kutanga fundo yeBhaibheri.

3 Uku ndiko kutaura kwakaita chimwe Chapupu: “Munyika ino yakabatikana, vanhu havawanzoda kupedza nguva yakawanda vachirava, asi maturakiti akakura zvakafanira kupa shoko rinokosha asi kwete rakarebesa zvokuita kuti vanhu vasarida vasati vatoritarira. Ndakarava maturakiti akawanda, uye ndakazoguma ndadzidza chokwadi.” Usamborerutsa simba reShoko raMwari sezvarinotsanangurwa mumashoko mapfupi aya, akadhindwa.—VaH. 4:12.

4 Nhanho Ina Dziri Nyore: Vakawanda vakabudirira nokushandisa mitoo iri nyore. (1) Ratidza munhu wacho maturakiti mashomanana uye mubvunze kuti aizofarira ripi. (2) Kana munhu wacho asarudza rimwe chete, bvunza mubvunzo wakanyatsogadzirirwa unosimbisa pfungwa inokosha iri muturakiti racho. (3) Mukupindura mubvunzo wacho, rava ndima yakakodzera kana kuti rugwaro rwuri muturakiti racho. (4) Kana ukawana achida, pfuurira kukurukura zviri mukati meturakiti racho kana kuti taura nezvechidzidzo chiri mubhurocha rinonzi Anodei kana kuti chimwe chitsauko mubhuku rinonzi Zivo anopazve mamwe mashoko. Nokuita izvi ungakwanisa kutanga zvakananga fundo yeBhaibheri. Mazano anotevera achakubetsera kugadzirira zvauchataura uchishandisa maturakiti aya mana.

5 Musoro weturakiti rinonzi “Ndiani Zvomenemene Anobata Ushe Nyika?” ungabvunzwa somubvunzo:

◼ Kana munhu wacho waunenge uchitaura naye akapindura kuti “Mwari” kana kuti “Handizivi,” rava mitsetse miviri yokutanga iri papeji 2 uye ndima yokutanga iri papeji 3. Simbisa 1 Johani 5:19 naZvakazarurwa 12:9. Kunyange munhu wacho achipokana kuvapo kwaSatani Dhiyabhorosi kana kuti kwete kana kuti achibvuma kupesvedzera kwake panyika, unogona kushandisa pfungwa dziri pasi pomusoro muduku unoti “Chiratidzo Chinobva Mumigariro Yenyika” kupfuuridzira kukurukurirana kwacho. Kana akaratidza kufarira, mutsanangurire kwakabva Dhiyabhorosi, uchishandisa pfungwa dziri pamapeji 3 ne4 eturakiti racho.

6 Turakiti rinonzi “Ko Itariroi Iripo Nokuda Kwavadiwa Vedu Vakafa?” ringaita kuti kufarira kukurumidze kutanga. Ungatanga kukurukurirana nokubvunza kuti:

◼ “Munofunga kuti vadiwa vedu vakafa tichazombovaonazve here?” Kana munhu wacho apindura, muratidze ndima yechipiri papeji 4 yeturakiti racho uye rava Johani 5:28, 29. Zvadaro tsanangura kuti rinobatsira kunzwisisa mashoko ari pamusoro muduku wokutanga muturakiti racho. Ita kuti muukurukure mose.

7 Turakiti rinonzi “Farikanya Upenyu Hwemhuri” rinofadza mhuri dzakawanda. Uchirishandisa, ungati:

◼ “Zvimwe mungabvuma kuti nhasi mhuri iri kudzvinyirirwa. Chii chamunofunga kuti chingaitwa kusimbisa kubatana kwemhuri?” Kana munhu wacho apindura, muite kuti afunge nezvepfungwa dziri mundima yokutanga papeji 6. Rava rugwaro rumwe pane akatorwa mashoko ari pamapeji 4 ne5 eturakiti racho, uye tsanangura zvarunoreva. Ipapo itisa fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena.

8 Turakiti rinonzi “Chikonzero Nei Uchigona Kuvimba neBhaibheri” ringashandiswa nemharidzo iyi:

◼ “Vanhu vakawanda vakanzwa nyaya yaKaini naAbheri, inowanikwa mubhuku rokutanga reBhaibheri. Nhoroondo iri muna Genesi inotaurawo nezvomukadzi waKaini. Makamboshamisika here kuti akabva kupi?” Shandisa ndima yokupedzisira iri papeji 2 yeturakiti racho kupa mhinduro. Tsanangura kuti turakiti racho rinotaurawo mashoko anokosha eBhaibheri nezvenguva yedu yemberi. Uchitanga nendima yechitatu papeji 5, pfuuridzira kukurukurirana kwacho, uchishandisa magwaro okutsigira.

9 Kuparadzira maturakiti eBhaibheri mutoo unobudirira wakaedzwa kwenguva refu, wokupa mashoko akanaka. Nemhaka yokuti ari nyore kutakura kwose kwaunoenda, unogona kuashandisa zvinobudirira mubasa rapaimba neimba uye pakupupurira kusina kurongwa. Maturakiti anoita basa rinokosha mukuita ushumiri hwedu. Iva nechokwadi chokutakura akasiyana-siyana, ndokuashandisa nomutsa kutanga kukurukurirana.—VaK. 4:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe