RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/14 pp. 6-7
  • Maturakiti Matsva Akagadzirwa Zvakanaka Chaizvo!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maturakiti Matsva Akagadzirwa Zvakanaka Chaizvo!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Shandisa Maturakiti Pakuparadzira Mashoko Akanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Kutanga Kukurukura Nevanhu Tichishandisa Maturakiti
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Shandisa Shoko raMwari Nokuti Ibenyu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Shandisa Maturakiti Kutanga Kukurukurirana
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 4/14 pp. 6-7

Maturakiti Matsva Akagadzirwa Zvakanaka Chaizvo!

1. Zvii zvatichashandisa muushumiri zvakagadzirwa zvakanaka chaizvo?

1 PaMagungano Eruwa a2013 aiti: “Shoko raMwari Ichokwadi!” pakabudiswa maturakiti matsva mashanu. Pakazowedzerwawo turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38 rine musoro unoti “Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here?” Maturakiti matanhatu aya akagadzirwa zvakasiyana neatagara tiinawo. Nemhaka yei? Tingaashandisa sei zvakanaka pakuita ushumiri hwepaimba neimba?

2. Chii chakaita kuti maturakiti matsva agadzirwe zvakasiyana nemamwe?

2 Nei Akagadzirwa Zvakasiyana Nemamwe?: Sumo dzinobudirira paushumiri hwepaimba neimba dzinowanzosanganisira zvinhu zvina zvinotevera: (1) Tanga kukurukurirana uchishandisa mubvunzo unoita kuti munhu ataure maonero ake. (2) Verenga zvinotaurwa neMagwaro. (3) Ipa saimba chokuverenga. (4) Siya mubvunzo wokuzopindura nguva inotevera, uye ronga kuti uzodzokazve. Maturakiti matsva aya anotibatsira kuita zvinhu zvina izvi zvose nenzira iri nyore.

3. Tingagovera sei rimwe rematurakiti matsva muushumiri?

3 Mashandisiro Atichaaita: (1) Pashure pekukwazisa saimba, muratidze mubvunzo unoita kuti afunge, une zvikamu zvitatu zvemhinduro uri kumberi kweturakiti racho, womubvunza zvaanofunga. (2) Vhura turakiti racho mokurukura pakanzi “Bhaibheri Rinombotii?” Verenga rugwaro rwacho kubva muBhaibheri pazvinenge zvichiita. Kana saimba aine nguva, kurukurai pakanzi “Zvarinotaura Zvingakubatsira Sei?” (3) Mupe turakiti racho, womukurudzira kuti averenge zvimwe zvose zviri mariri ava oga. (4) Usati waenda, muratidze mubvunzo uri kuseri kweturakiti, pakanzi “Zvokufunga Nezvazvo” uye rongai kuti muzokurukura mhinduro yeBhaibheri munguva inotevera.

4. Tingashandisa sei maturakiti matsva patinoshanyazve?

4 Unogonawo kubudirira pakushanyazve. Ingoshandisa magwaro ari kuseri kweturakiti kupindura mubvunzo wawakasiya pawakapedzisira kushanya. Usati waenda, muratidze mufananidzo webhurocha raMashoko Akanaka, womuratidza bhurocha racho uye chidzidzo chakaratidzwa, chine mashoko akawanda enyaya yacho, uye mupe bhurocha racho. Kana akaribvuma, rongai kuzokurukura bhurocha racho pauchashanyazve. Watotanga chidzidzo cheBhaibheri! Dzimwe nguva ungasagovera saimba bhurocha, asi ungamugovera rimwe turakiti, woronga kuzodzoka kuti urikurukure naye.

5. Maturakiti anokosha zvakadii muushumiri hwedu?

5 Maturakiti ava nemakore anopfuura 130 achishandiswa muushumiri hwedu. Kunyange zvazvo ange achisiyana pakukura kwawo uye zviri maari, ange achibatsira chaizvo pakuparidza. Ngatishandisei maturakiti matsva aya kuti tipfuurire kuparadzira ruzivo rweBhaibheri munyika yose.—Zvir. 15:7a.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe