Chii Chingatibetsera Kumira Takasimba Mukutenda?
1 Kubvira patakatanga kusonganira nesangano raJehovha, kufambira mberi kwedu mumudzimu kwave kuchitipa mufaro! Asi, kuti tirambe taka‘dzika midzi, tichivakwa, uye tichidzikamiswa pakutenda,’ kupfuurira kukura mumudzimu kunodiwa. (VaK. 2:6, 7) Kunyange zvazvo vakawanda vakabudirira mumudzimu, vamwe vakakukurwa nemhaka yokukundikana ‘kumira vakasimba mukutenda.’ (1 VaK. 16:13) Tinogona kudzivisa izvozvi kuti zvisaitika kwatiri. Sei?
2 Basa Romudzimu Renguva Dzose: Tanga kuita zvinhu zvomudzimu nenzira yakanaka musangano raJehovha. Muno zvinodiwa zvedu zvomudzimu zvinotarisirwa zvikuru. Misangano yeungano, magungano, uye kokorodzano zvinotiita kuti tirambe tichikura nokusimba mumudzimu, kana tichipinda nguva dzose kuti tikohwe mibayiro yacho. (VaH. 10:24, 25) Kurava Bhaibheri nguva dzose, magazini eNharireyomurindi neMukai! uye mabhuku anotaura nezvezvokudya zvikukutu zveShoko raMwari kuchaita kuti midzi yedu yomudzimu idzike uye isimbe. (VaH. 5:14) Kugadza vavariro dzomudzimu dzedu pachedu ndokudzishandira nokushingaira zvichaunzawo betsero dzinogara.—VaF. 3:16.
3 Kubetserwa Nevakura: Edza kushamwaridzana nevakura mumudzimu vari muungano paunosonganirana nevamwe. Ziva vakuru, sezvo vari ivo zvikurukuru vangatisimbisa. (1 VaT. 2:11, 12) Gamuchira zano ripi neripi kana kuti zvavanotaura. (VaEf. 4:11-16) Vashumiri vanoshumira vanofarirawo kubetsera vamwe kuti vasimbe mukutenda, saka enda kune hama idzodzi kuti dzikukurudzire.
4 Unoda kubetserwa muushumiri here? Taura nevakuru, uye kumbira kubetserwa. Zvimwe ungabatanidzwa mupurogiramu yeMapiyona Anobetsera Vamwe. Uchangobva kubhabhatidzwa here? Kudzidza bhuku rinonzi Hushumiri Hwedu nokushandisa zvarinazvo kuchaita kuti ufambire mberi kuti ukure mumudzimu. Uri mubereki here? Pfuurira kusimbisa vana vako kuti vave vomudzimu.—VaEf. 6:4.
5 Nokuva vakadzika midzi uye vakadzikamiswa mukutenda, tinova noukama hwapedyo naJehovha uye songaniro youshamwari nehama dzedu. Izvi zvinoita kuti tigone kumira pakurwisa kwaSatani, uye zvinosimbisa tariro yedu yenguva yemberi isingaperi.—1 Pet. 5:9, 10.