RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/06 p. 5
  • Rubatsiro Runowanika Zviri Nyore

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rubatsiro Runowanika Zviri Nyore
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Mashoko Akafanana
  • Bhokisi Remubvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Ungano yechiKristu—Inopa Yamuro Inosimbisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Shevedza Vakuru”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 2/06 p. 5

Rubatsiro Runowanika Zviri Nyore

1. Munhu angaregeredza sei zvinhu zvine chokuita nokunamata oneta?

1 Anna, imwe hanzvadzi ine murume asingatendi uye anopedzera nguva yakawanda ari kubasa, aiona zvakaoma kupinda misangano yechiKristu nguva dzose, kuita ushumiri, uye kudzidza Shoko raMwari. Kunyange zvazvo akanga achiri kuda Jehovha, akarega kuita basa. Zvinofadza kuti akabatsirwa nevakuru vane hanya.

2. VaKristu vose vangava sei rubatsiro runowanika zviri nyore?

2 Kubvuma rubatsiro rwezvokunamata runopiwa neungano yechiKristu kunoratidza kuti tinovimba naJehovha pachake. Vachitevedzera kutarisira kunoita Jesu Kristu norudo, varume vakuru vari muungano vanotsvaka mikana yokuti vakurudzire uye vabatsire vaya vari kuomerwa mune zvokunamata. (1 VaT. 5:14) Kakawanda, shoko romutsa rinokurudzira rinobva mundima dzinokurudzira dzeMagwaro ndiro chete ringave richidiwa. Kutora danho rokubatsira vaya vanenge vamboneta ibasa romuKristu wose, kwete vakuru chete. Hapana mubvunzo kuti mumwe nomumwe wedu akambobatsirwa ne“shoko [rokufungisisa,] rinotaurwa panguva yaro yakakodzera.”—Zvir. 25:11; Isa. 35:3, 4.

3, 4. Zvii zvinodiwa kuti tibatsire vamwe, uye tingazviita sei?

3 Tanga Iwe Kuvafarira: Zvinoda kuti titange isu kuratidza kufarira vaya vanoda kubatsirwa, kuvanzwira ngoni, uye tichizviita nomwoyo wose. Jonatani paakaziva nezvemamiriro ezvinhu aitambudza aDhavhidhi, “akaenda kwaiva naDhavhidhi kuHoreshi, kuti asimbise ruoko rwake.” (1 Sam. 23:15, 16) Batsira vamwe nounyoro. Mashoko anotaurwa nokuti munhu wacho ane hanya zvechokwadi anova nemigumisiro yakanaka chaizvo. Uyezve, Jesu akanyatsoratidza kuti kuedza kwokushingaira, kune chinangwa kunodiwa kuti tiwanezve hama kana hanzvadzi yedu mune zvokunamata. (Ruka 15:4) Kuda kuyamura mumwe munhu nomwoyo wose kuchaita kuti tirambe tichimubatsira kunyange kana kufambira mberi kwake kungasakurumidza kuoneka.

4 Zvinokurudzira zvikuru patinotanga isu kukumbira vamwe, vakadai sevatinopinda navo chidzidzo chebhuku, kuti vatiperekedze muushumiri! Sezvatinobatsira mushumiri waJehovha kuti aite ushumiri, tingashandisa mukana wacho kusimbisa munhu iyeye. Nguva inofadza yakadaro yatinopedza tiri pamwe chete tichishumira Jehovha inokurudzira zvikuru vaya vari kuedzazve kuva vakasimba mune zvokunamata.

5. Mune mamwe mamiriro ezvinhu, rubatsiroi rungapiwa nevakuru?

5 Urongwa Hworudo: Vaya vava nenguva vasingaiti basa rokuparidza kana kuti kuwadzana neungano vangada rubatsiro rwakawedzerwa kuti vasimbe pakutenda kwavo. Zvimwe kudzidza nomunhu wacho bhuku rakadai saNamata Mwari Wechokwadi Bedzi, Swedera Pedyo naJehovha kana kuti Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? ndiko kungangove kuchidiwa. Sezvo munhu wacho akatobhabhatidzwa, kazhinji kudzidza kwacho hakufaniri hako kuitwa kwenguva yakareba. Dare Rebasa Reungano rinofanira kugara richiongorora kuti ndiani angabatsirwa nourongwa uhwu.—Ona Mabhokisi Emibvunzo ari muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1998 naNovember 2000.

6. Imwe hanzvadzi yakawanazve sei simba rayo mune zvokunamata?

6 Anna, ambotaurwa nezvake, akabvuma nokuonga urongwa hwevakuru hwokuti adzidziswe Bhaibheri neimwe hanzvadzi yakasimba mune zvokunamata. Vakangodzidza kana chete achibva abatsirwa kuswederazve pedyo naJehovha. Akatangazve kupinda misangano yeungano ndokuvazve nechido chokurumbidza Jehovha Mwari pachena. Hanzvadzi iya yakasimba mune zvokunamata yakamubatsira muushumiri nokuenda naye kune vanhu vayaidzidza navo Bhaibheri kusvikira anyatsosimba zvokukwanisa kuparidza paimba neimba. Aingoda kubatsirwa kuti atangezve kuita zvinhu zvine chokuita nokunamata.

7. Tinobatsirwa sei patinosimbisa vamwe mune zvokunamata?

7 Kusimbisa vaya vanoda kubatsirwa kunoita kuti vose vakomborerwe. Ari kubatsirwa wacho anowana mufaro wokuswedera pedyo naJehovha uye wokuva nezvokuita musangano Rake. Vakuru vanofara pavanoona kufambira mberi mune zvokunamata kwakadaro. (Ruka 15:5, 6) Zvinoita kuti ungano ibatane sezvo vose vachiratidza kuti vanodanana. (VaK. 3:12-14) Tine zvikonzero zvakanaka zvikuru zvokutevedzera Jehovha, rubatsiro runowanika zviri nyore!—VaEf. 5:1.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe