RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/00 p. 1
  • Tinoparidza Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinoparidza Mashoko Akanaka
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Tevedzera ‘Mwari Wedu Anofara,’ Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • “Mashoko Akanaka”!
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Ngatiparidze Aya Mashoko Akanaka oUmambo!
    Imbirai Jehovah Rumbidzo
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 3/00 p. 1

Tinoparidza Mashoko Akanaka

1 Iropafadzo inoshamisa zvakadini yatinayo yokuva vatakuri ve“mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka!” (VaR. 10:15) Tine shoko rinozorodza rokuti tikurukure navanhu vakapoteredzwa nokusagadzikana uye kupera mwoyo. Tingavabetsera sei kuziva kuti tiri kukurukura “mashoko akanaka ezvinhu zvakanaka”?—Tisu tatsveyamisa mabhii; Isa. 52:7.

2 Gadzirira Shoko Rakanaka: Kukurukurirana kwedu muushumiri kuchava nomugumisiro wakanaka kana tichisimbisa zvinhu zvakanaka. Saka, patinogadzirira mharidzo dzedu nokuongorora bhuku ratichagovera, tinoda kusimbisa zvinhu zvakanaka zveshoko racho. Nokuzivisa tariro yedu yatinowana muBhaibheri nechivimbo uye nomufaro, tinogona kutarisira migumisiro inokurudzira.—Zvir. 25:11.

3 Kunyange zvazvo tichisiririswa vanhu pavanotaura kuti vave vachitambura sei nemamiriro ezvinhu enyika ari kuramba achiipa, tinofanira kuvaudza mushonga chaiwoiwo wezvinetso zvomunhu, Umambo hwaMwari. Kunyange patinenge tichikurukura nezve“zuva rokutsiva” raJehovha riri kuuya, tinoda kuratidza kuti izvi zvinoreva chaizvoizvo ‘mashoko akanaka kuvanyoro’ sei. (Isa. 61:1, 2) Tinogona kuvimbisazve vateereri vedu kuti zvose zvinoitwa naJehovha pakupedzisira zvichaunza mufaro wakakura zvikuru uye mugumisiro wakanakisisa unobvira.

4 Ipa Chokwadi Nomufaro Chaiwoiwo: Vanhu pavanocherechedza chiso chedu chinofara uye chivimbo chenzwi redu, vanonzwa vachida zvikuru kuteerera. Kana tikaratidza maonero ane tariro, vateereri vedu vachacherechedza kuti tino‘fara patariro.’ (VaR. 12:12) Saka, vangada kwazvo kuteerera mashoko akanaka. Zvechokwadi, tine chikonzero chakanaka nguva dzose chokuratidza mafungiro akanaka, okufara mune zvose zvatinoita muushumiri hwedu.

5 Sevashumiri vemashoko akanaka, tinoita zvinopfuura zvikuru kuzivisa. Kuparidza kwatinoita kunopa tariro yechokwadi youpenyu huri nani zvino uyewo munguva yemberi. (1 Tim. 4:8) Sezvatinoenda kunokurukura nomunhu mumwe nomumwe, mafungire edu akanaka acharatidzwa mune zvatinotaura uye achabetsera vanhu kugamuchira mashoko akanaka. Nokufungisisa zvatinotaura uye mataurire atinozviita, ngatikurudzirei vane mwoyo yakatendeseka kuti vagamuchire mashoko akanaka anofadza atinoparidza!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe