Tevedzera ‘Mwari Wedu Anofara,’ Jehovha
1 Jehovha anonyatsoda kuti vanhu vafare. Shoko rake rinoita kuti titarisire zvikomborero zvinoshamisa zvaakachengetera vanhu. (Isa. 65:21-25) Zvinofanira kuva pachena kune vamwe kuti tinowana mufaro nokukurukura navo “mashoko akanaka anokudzwa aMwari anofara.” (1 Tim. 1:11) Nzira yatinotaura nayo nezveshoko roUmambo inofanira kuratidza kuda kwatinoita chokwadi uye kunyatsofarira kwatinoita vanhu vatinotaura navo.—VaR. 1:14-16.
2 Ichokwadi kuti dzimwe nguva zvingaoma kuti tirambe tichifara. Mune dzimwe ndima, tinowana vanhu vashoma vanofarira shoko roUmambo. Pangava nemamwe mazuva atinenge tichinetseka nemamiriro ezvinhu muupenyu hwedu. Kuti tirambe tichifara, zvakanaka kuti tifunge kuti zvinokosha kuti vanhu vari mundima yedu vanofanira kunzwa uye kuziva zvinorehwa nemashoko akanaka oUmambo atiri kuparidza. (VaR. 10:13, 14, 17) Kufungisisa izvi kuchatibatsira kuti tirambe tichizivisa nomufaro urongwa hwaJehovha hwengoni hwokuponesa.
3 Nyanya Kutaura Zvinhu Zvinofadza: Tinofanirawo kungwarira zvatinotaura. Kunyange zvazvo tingatanga kukurukura nezvechinetso kana kuti nyaya yakaitika ichiri kufungwa nevanhu, hatifaniri kunyanya kutaura nezvezvinhu zvinoodza mwoyo. Basa redu nderokuunza “mashoko akanaka echimwe chinhu chiri nani.” (Isa. 52:7; VaR. 10:15) Aya mashoko akanaka anobva pazvipikirwa zvaMwari zvenguva yemberi inofadza. (2 Pet. 3:13) Uchifunga izvi, shandisa Magwaro kuti u“sunge maronda evakaora mwoyo.” (Isa. 61:1, 2) Izvi zvichabatsira mumwe nomumwe wedu kuti arambe achifara uye aine tariro.
4 Vanhu vachaona zvechokwadi kufara kwatinoita sezvatinoita basa rokuparidza. Saka ngatigarei tichiratidza unhu ‘hwaMwari wedu anofara,’ Jehovha, sezvatinoudza vanhu vari mundima yedu mashoko akanaka oUmambo.