RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/00 p. 1
  • Unonzwa Uchida Kurega Zvimwe Zvinhu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unonzwa Uchida Kurega Zvimwe Zvinhu Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Iva Nomudzimu Wokuzvibaira!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Zvatingaita Kuti Tirambe Tichizvipira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Kubatira Jehovha Nomudzimu Wokuzvibaira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Nei Tichifanira Kuzvipira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 4/00 p. 1

Unonzwa Uchida Kurega Zvimwe Zvinhu Here?

1 Kuonga zvakaitwa naJesu Kristu zvisina udyire nokuda kwevanhu kunofanira kuita kuti tose zvedu tishandise mano edu, zvatinazvo, uye simba munzira yokurega zvimwe zvinhu. Magwaro anoti: ‘Tipe miviri yedu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chakanaka kuna Mwari, basa dzvene.’ (VaR. 12:1) Kuzviongorora nguva nenguva kuchakubatsira kuona kana uri kuratidza kuda kwakadaro zvakazara sokubvumira kunoita mamiriro ako ezvinhu.

2 Mukutsvaka Zivo yeBhaibheri: Wakatsaura nguva yokurava Bhaibheri uye yokufunda somunhu oga nguva dzose here? Unoomerera papurogiramu iyoyo here? Muitiro wako here wokugadzirira zvakanaka misangano yeungano? Kana uri musoro wemhuri, unoita fundo yeBhaibheri yenguva dzose nemhuri yako here? Kuita zvinhu izvi kungada kushandisa nguva inopedzerwa pakuona terevhizheni kana kuti pakombiyuta kana zvimwe zvinotsvakwa. Zvisinei, kurega zvimwe zvinhu kuduku kwakadini, uchiziva kuti nguva inopedzerwa kuShoko raMwari ichakubatsira kuwana upenyu husingaperi!—Joh. 17:3.

3 Mukurovedza Vana Vako: Nguva yakanakisisa yokutanga kudzidza kurega zvimwe zvinhu ndeyouduku. Dzidzisa vana vako kuti kunyange pane nguva yokutamba, panofanirawo kuva nenguva yokushanda uye yemabasa okutonga kunoitwa naMwari. (VaEf. 6:4) Vape basa rinobatsira rokuita pamba. Tanga purogiramu yenguva dzose yokushanda navo muushumiri. Simbisa murayiridzo wako nomuenzaniso wako pachako wakanaka.

4 Mumabasa Eungano: Ungano inosimba kana munhu wose arimo achida kurega zvimwe zvinhu kuti aite zvinhu zvinobatsira munhu wose. (VaH. 13:16) Zvinobvira here kuti upedzere nguva yakawanda mubasa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi? Ungazvipira here kubatsira vanorwara kana kuti vakwegura, zvichida kuvabatsira nechokufambisa kuenda kumisangano?

5 Asati aita chibayiro chikuru choupenyu hwake somunhu, Jesu akapa vadzidzi vake zano rokuti vaise maziso avo pazvinhu zvoUmambo, vachiisa zvimwe zvinhu zvose muupenyu munzvimbo yechipiri. (Mat. 6:33) Kutsvaka kuda kurega zvimwe zvinhu kwakadaro kuchatiunzira mufaro mukuru sezvatinoramba tichishumira Jehovha nomufaro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe