RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/00 p. 8
  • Iva Nechokwadi Chokuti Unodzokera!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Nechokwadi Chokuti Unodzokera!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzokerazve Kunoita Kuti Tive Nevadzidzi veBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Batsira Vaya ‘Vanoda’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kunyora Vanenge Vafarira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 4/00 p. 8

Iva Nechokwadi Chokuti Unodzokera!

1 “Kukurukurirana kwakanaka sei! Ndinofanira kuyeuka kuita shanyo yedzokerero ikoko.” Wakambotaura mashoko iwayo here, uye pashure pacho kwava kukanganwa kuti munhu wacho anogara kupi? Kana wakadaro, unoziva kuti nzira bedzi yaunogona kuva nechokwadi chokuti unodzokera ndeyokunyora.

2 Nyora Zvose: Paunenge uchiri kuyeuka zvamakakurukurirana nomunhu anofarira, wana nguva yokunyora mashoko ose anokosha nezvokushanya kwacho. Nyora zita romunhu wacho uye kuti uchamuziva sei. Nyora kero yake, asi usaita zvokuifembera—tarira kuti uve nechokwadi chokuti zvaunonyora zvakarurama. Nyora musoro wawakataura nezvawo, magwaro api neapi awakarava, uye bhuku rakagoverwa.

3 Kana wakasiya munhu wacho ane mubvunzo unoda kuzopindurwa pauchashanyazve, unyore. Wakadzidza chimwe chinhu here nezvomunhu wacho, mhuri yake, kana kuti chitendero chake? Kana zvakadaro, zvinyore. Zvadaro nguva inotevera yaunoshanya, kuzvidudza kwaunoita kucharatidza kuti unofarira munhu wacho. Pakupedzisira, nyora zuva nenguva pawakashanya kokutanga uye pawakati waizodzoka. Nokuita zvinonyorwa zvakanaka, uchava nezviyeuchidzo zvakajeka uye zvimwe hauchazonyanyi kukanganwa vimbiso yako yokudzoka.—1 Tim. 1:12.

4 Kana chinyorwa chako chapera, chiise pane zvimwe zvose zvaunoshandisa mubasa romumunda—bhegi remabhuku, Bhaibheri, bhuku rinonzi Kurangarira, uye mabhuku—kuitira kuti nguva dzose chive pedyo. Zvakanakisisa kunyora vasiri pamba pazvinyorwa zvepaimba neimba zvakasiyana nezviya zvaunoshandisa kunyora shanyo dzako dzedzokerero. Chokwadi, pasinei zvapo nebasa raunoita kuti urambe une chinyorwa chakarurama cheshanyo dzedzokerero, chinhu chinokosha ndechokuva nechokwadi chokuti unodzokera!

5 Funga Nezvomunhu Wacho: Paunogadzirira ushumiri, dzokorora zvinonyorwa zvako zveshanyo dzedzokerero. Funga nezvomunhu oga oga uye kuti mutooi ungave wakanakisisa kushandisa pakushanyazve. Funga kuti ungakudziridza sei kufarira kwomunhu wacho kuti kuve fundo yeBhaibheri yapamusha. Kuronga kwakadaro kungawedzera kubudirira kwaunoita somushumiri wemashoko akanaka uye, zvodarowo kumufaro wako somunhu oga.—Zvir. 21:5a.

6 Saka nguva inotevera paunowana nzeve inoteerera, usafunga kuti unogona kuyeuka nyore nyore kushanya kwacho. Asi, kunyore, dzokorora zvinonyorwa zvako, ramba uchifunga nezvomunhu wacho, uye zvadaro iva nechokwadi chokuti unodzokera!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe