RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/03 p. 8
  • Batsira Vaya ‘Vanoda’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Vaya ‘Vanoda’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzokerazve Kunoita Kuti Tive Nevadzidzi veBhaibheri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kugadzirira Ndiwo Mushonga Wokubudirira Kuwana Vanhu Vokushanyirazve
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Wana Ushingi Hwokuita Shanyo Dzedzokerero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Kusakurira Fariro Pashanyo Dzedzokerero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 12/03 p. 8

Batsira Vaya ‘Vanoda’

1. Jehovha ari kuzviunganidzira vanaani muzuva redu?

1 Munhu mumwe nomumwe ane mafungiro akadzika midzi mumwoyo wake wokufananidzira. (Mat. 12:35) Bhaibheri rinotaura nezvomunhu anoda “kurwa . . . pamwoyo” pake. (Pis. 55:21) Vamwe vane “hasha.” (Zvir. 29:22) Asi pane vayawo ‘vanoda upenyu husingaperi.’ (Mab. 13:48) Muzuva redu, Jehovha ari kuzviunganidzira vanhu vakadaro vanoda. (Hag. 2:7) Tingavabatsira sei kuti vave vanamati vaJehovha?

2. Kuita basa redu rokuita vadzidzi kunosanganisirei?

2 Dzokera Nomwoyo Wose: Kuva nemaonero akanaka okudzokerazve kunokosha kuti tiite basa redu rokuita vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Tinokurumidza kushanyira vanofarira vatinowana here? Tinoshanyirazve vose vanotora mabhuku kana kuti vanoratidza kufarira mashoko akanaka here? Tinoramba tichiedza kuvabatsira kuva nezivo huru yezvokunamata here? Sezvo upenyu huchibatanidzwa, tinofanira kuedza kukudziridza kufarira kwose kwatinowana.

3. Tinofanira kuitei pashure pokutaura nomumwe munhu muushumiri?

3 Uchiri kuyeuka zvamakurukura nomunhu anofarira, nyora zita rake nekero. Nyora nyaya yamakurukura, magwaro ose amaverenga, uye bhuku ragoverwa. Zvadaro, dzoka nokukurumidza sezvaungagona.

4. Tingadzokerazve zvinobudirira sei?

4 Kudzokerazve: Paunodzoka, zvinobatsira kuva ane ushamwari, anofara, uye ratidza kuti unonyatsofarira saimba wacho. Zvamunokurukura ngazvive nyore uye zvepaMagwaro. Gadzirira kukurukura nyaya yeBhaibheri inofadza, uye pamugumo wokushanya kwako, mutsa mubvunzo ungazopindurwa paunoshanyazve. Zvakanaka kusangoitisana nharo pamusoro pemaonero asiri epamagwaro angataurwa nasaimba. Edza kuvakira pazvinhu zvamunobvumirana.—VaK. 4:6.

5. Mumwe piyona akaedza kuitei, uye zvakaguma nei?

5 Kudzokerazve kunoda kushanda nesimba, asi mibayiro yacho inogutsa. Mumwe piyona wokuJapan akaronga kudzokerazve kakawanda mwedzi woga woga. Akatanga kuchengeta mazita evaya vose vaaiona mubasa repamba nemba, uye mumazuva manomwe, akavashanyirazve. Akanyatsogadzirira zvaaizotaura ndokuita basa rake aine chivimbo chakakwana mushoko raaipupurira. Paakazoshanyazve imwe nguva, akabudirira kutanga kudzidza nomunhu akanga amboti: “Vanhu imi ndave ndisingakugamuchirei nguva dzose. Ino ndiyo nguva yokutanga kukuteererai.” Kutsungirira kworudo kwapiyona wacho kwakava nemibayiro. Pakapera mwedzi wacho, akanga ava kushuma zvidzidzo zveBhaibheri gumi.

6. Nei tichifanira kuramba tichidzokerazve?

6 Mamiriro ezvinhu evanhu anoramba achichinja. (1 VaK. 7:31) Kazhinji zvinoda kuedza kakawanda kuti uzowana munhu anofarira ari pamba zvekare. Tikadzokerazve nomwoyo wose, tinogona kubatsira vaya vanoda kufamba pamugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi.—Mat. 7:13, 14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe