Bhokisi Remibvunzo
◼ Ndiani anofanira kuwana bheji rekokorodzano yoruwa?
Mabheji ekokorodzano angabatsira zvikuru kuziva hama dzedu uye kuzivisa kokorodzano yacho. Zvisinei, haafaniri kugoverwa zvachero. Anozivisa akapfeka wacho somunhu ane muenzaniso wakanaka muungano yakati yeZvapupu zvaJehovha.
Bheji racho rine nzvimbo yezita romunhu wacho uyewo zita reungano yacho. Saka, munhu wacho angafanira kuve asonganira neungano yakanyorwa kwenguva yakati. Mutariri webasa anofanira kutaurirana nomunyori vasati vatumira odha yeungano yemabheji kuSosaiti. Izvi zvinoitirwa kuti vave nechokwadi chokuti mabheji akakwana aodwa anokwana nhamba yevaparidzi vari muungano uye mamwe mabheji mashoma omuraudzo anoodwa, kuitira kugadzirira. Tichifunga nezveizvi, zvingava zvakakodzera kupa bheji racho kumuparidzi oga oga akabhabhatidzwa uye asina kubhabhatidzwa. Uyewo, vana nevamwe vanopinda misangano yeungano nguva dzose uye vari kufambira mberi kuti vashande muushumiri hwomumunda vangawana. Hazvingavi zvakarurama kupa bheji rekokorodzano kumunhu akadzingwa.
Mabheji acho paanenge avapo, vakuru vanofanira kuona kuti agoverwa maererano nemirayiridzo iyi.