‘Kuedzwa Kuti Vanokodzera Here’—Sei?
1 Nokukura kuri kupfuurira musangano raJehovha, hama dzinokwanisa kushanda sevashumiri vanoshumira dziri kuramba dzichidiwa. Hama dzakawanda dzisati dzagadzwa, kusanganisira dziri kuyaruka, dzine chido chokushanda muungano. Padzinopiwa basa rokuwedzera, dzinonzwa kuti dzinogona kushandiswa uye dzine pfungwa yokupedza chimwe chinhu. Kumwezve kufambira mberi kwadzo kunotsamira pakuva kwadzo dza“edzwa kuti [dzi]nokodzera here.” (1 Tim. 3:10) Izvi zvinoitwa sei?
2 Basa Ravakuru: Seimwe nzira yokuongorora kukwanisa kwehama maererano nezvinodiwa neMagwaro kuvashumiri vanoshumira zvinowanikwa pana 1 Timoti 3:8-13, vakuru vachaedza kukodzera kunoita hama yacho kutakura mutoro. Vangaigovera kuti iite basa rinobatsira rine chokuita nokutarisira magazini nemabhuku, kutarisira gudzanzwi, kuchengeta Horo yoUmambo yakachena, zvichingodaro. Vakuru vachacherechedza kuti inogamuchira nokutarisira sei basa rayo. Vachatarira unhu hwokuvimbika, kuita zvinhu nenguva, kushingaira, kuva nomwero, kuda kushanda, uye kukwanisa kuwirirana nevamwe. (VaF. 2:20) Ine muenzaniso here muzvipfeko zvayo norutsvindo? Ine pfungwa yokuva nomutoro here? Vanoda kuona pa‘mufambiro wayo wakanaka kwazvo mabasa ayo nounyoro hwouchenjeri.’ (Jak. 3:13) Iri kusvasvavirira zvechokwadi kuva inobatsira muungano here? Iri kuita murayiro waJesu wo‘kuita vanhu vadzidzi’ nokushanda nokushingaira muushumiri hwomumunda here?—Mat. 28:19; ona Nharireyomurindi yaSeptember 1, 1990, mapeji 18-28.
3 Nepo pasina zera rinonzi munhu anofanira kunge asvika kuti agadzwe somushumiri anoshumira, Bhaibheri rinotaura nezvehama dzakadaro se“varume vanoshumira.” Hatingavatarisiri kuva vachiri kumavambo kana kuti pakati pezera rokuyaruka, zvikurukuru sezvo mukana wokuva nomukadzi nevana uchidudzwa. (1 Tim. 3:12, 13) Varume vakadaro havafaniri kuva vachibvuma kudzorwa no“kuchiva kwouduku” asi vanofanira kuva vachizvibata zvinoratidza kukura, vachiva nomuenzaniso wakanaka kwazvo uye hana yakachena pamberi paMwari nevanhu.—2 Tim. 2:22.
4 Nepo mano okuzvarwa nawo achibatsira, mafungiro uye chido chomunhu ndizvo zvinokosha. Hama inoda kurumbidza Mwari nokuzvininipisa uye kushandira hama dzayo here? Kana zvakadaro, Jehovha achakomborera zvainoita kuti ifambire mberi muungano.