CHITSAUKO 6
Vashumiri Veungano Vanoita Basa Rinokosha
MUAPOSTORA PAURO akanyorera ungano yaiva muFiripi achiti: “Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vese vari pamwe naKristu Jesu vari muFiripi, pamwe chete nevatariri nevashumiri veungano.” (VaF. 1:1) Waona here kuti akataura nezvevashumiri veungano? Zviri pachena kuti varume ava vaiva nebasa rinokosha muungano rekubatsira vakuru. Ndizvo zvazviri nanhasi. Vashumiri veungano vanoita mabasa anobatsira vatariri uye anoita kuti zvinhu zvirongeke muungano.
2 Vashumiri veungano vari muungano yenyu unovaziva here? Unoziva here basa ravanoita rinoita kuti ungano yese ibatsirwe, kusanganisira iwe? Chokwadi, Jehovha anoonga zvinoitwa nevarume ava. Pauro akanyora kuti: “Varume vanoshumira zvakanaka vari kuwana zita rakanaka uye rusununguko rwekutaura pakutenda kuri muna Kristu Jesu.”—1 Tim. 3:13.
ZVINHU ZVINODIWA KUTI MUNHU AVE MUSHUMIRI WEUNGANO
3 Vashumiri veungano vanotarisirwa kurarama upenyu hwakanaka hwechiKristu, vachiita mabasa avo eungano nemazvo uye vakavimbika. Izvi tinozviona mutsamba yakanyorerwa Timoti naPauro achimuudza zvinodiwa kuti munhu ave mushumiri weungano yaiti: “Vashumiri veungano vanofanirawo kuva vanhu vanoita zvinhu nemwoyo wese, vasina mashoko maviri, vasinganwisi waini, vasingakari pfuma, vanochengeta chakavanzika chitsvene chekutenda vaine hana yakachena. Uyewo vanofanira kutanga vaedzwa kuti vaonekwe kana vachikodzera; vozoshanda sevashumiri, kana vasina zvavanopomerwa. Vashumiri veungano vanofanira kuva nemudzimai mumwe chete, vachitungamirira vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka.” (1 Tim. 3:8-10, 12) Kana vashumiri veungano vakararama sezvavanotarisirwa, ungano haizopomerwi kuti inogadza varume vasingakodzeri kuti vaite mabasa muungano.
4 Vashumiri veungano vanofanira kuparidza mwedzi nemwedzi pasinei nezera ravo. Vanofanira kushingaira muushumiri sezvaiitwa naJesu. Pavanoita izvi, vanoratidza chido china Jehovha chekuti vanhu vapone.—Isa. 9:7.
5 Vashumiri veungano vanofanira kuva nemuenzaniso wakanaka pamapfekero, pakushambidzika, pamatauriro, pakuzvibata uye pamaonero avanoita nyaya dzekunamata nedzimwewo. Mafungiro avo akanaka anoita kuti vamwe vavaremekedze. Uyewo, vanokoshesa chaizvo ukama hwavo naJehovha uye mabasa avanoita muungano.—Tito 2:2, 6-8.
6 Varume ava ‘vanotanga vaedzwa.’ Vanoratidza kuti ivo varume vakazvipira zvechokwadi vasati vatombogadzwa. Vanenge vatoratidza kuti zvinhu zvine chekuita neUmambo ndizvo zvinonyanya kukosha muupenyu hwavo, uye kuti vari kuvavarira kuwana chero mabasa avangapiwa. Varume ava mienzaniso yakanaka yekuti vamwe vari muungano vatevedzere.—1 Tim. 3:10.
MABASA AVANOITA
7 Vashumiri veungano vanoita mabasa akasiyana-siyana anobatsira hama nehanzvadzi dzavo, zvoita kuti vatariri vave nenguva yakawanda yekuita mabasa ekudzidzisa neekufudza. Kana paine zvinoda kuitwa muungano, dare revakuru rinotanga rafunga kuti mushumiri weungano wacho anozvigona here risati ramupa basa racho.
Vashumiri veungano vanoita mabasa akasiyana-siyana anobatsira hama nehanzvadzi dzavo, zvoita kuti vatariri vave nenguva yakawanda yekuita mabasa ekudzidzisa neekufudza
8 Mamwe emabasa acho ndeaya: Mumwe mushumiri weungano anogona kunzi atarisire mabhuku kuitira kuti tiwane ekushandisa pachedu uye pakuparidza. Vamwe vanonzi vatarisire akaunzi dzeungano uye makadhi endima. Vamwe vanotarisira mamaikirofoni, gudzanzwi, kuva varindiri, uye kuita mamwe mabasa avanenge vanzi vaite nevakuru veungano. Pane basa rakakura rinofanira kuitwa pakutarisira Imba yeUmambo uye kuichenesa, saka vashumiri veungano vanowanzokumbirwa kuti vabatsire pakuita mabasa aya.
9 Mune dzimwe ungano, mushumiri weungano anogona kupiwa basa rimwe chete asiwo mune dzimwe, anogona kunzi aite akawanda zvichibva pakuti ungano yacho ine vashumiri veungano vakawanda sei. Kana pasina vashumiri veungano vanokwana, dare revakuru rinogona kuronga kuti hama dzakabhabhatidzwa uye dzine muenzaniso wakanaka dziite mamwe emabasa acho. Kuita mabasa aya kuchaita kuti dzive neruzivo pamabasa anotarisirwa kumunhu anozova mushumiri weungano. Kana pasina hama dzingaita mabasa aya, hanzvadzi ine muenzaniso wakanaka inogona kukumbirwa kubatsira kuita mamwe acho, kunyange zvazvo isingazogadzwi semushumiri weungano. Munhu ane muenzaniso wakanaka ndeuya ane tsika dzakanaka uye anoda zvekunamata zvekuti vamwe vanogona kumutevedzerawo. Zvimwe zvakanaka zvaanoita zvinosanganisira kupinda kwaanoita misangano, kubuda muushumiri, mhuri yake, zvinhu zvaanozvivaraidza nazvo, mapfekero ake nezvimwewo.
10 Kana ungano iine vakuru vashoma, vashumiri veungano vakakodzera vanogona kukumbirwa kuti vakurukure mibvunzo iri mubhuku rino nevanoda kubhabhatidzwa. Mibvunzo iyi inowanikwa kuMashoko Ekuwedzera, ‘paChikamu 1: Dzidziso dzechiKristu.’ Sezvo “Chikamu 2: Kurarama kwechiKristu,” chiine mibvunzo inobata-bata nyaya dzeupenyu hwemunhu, chinofanira kuitiswa nemukuru muungano.
11 Kana paine chikonzero chakanaka, dare revakuru rinogona kuita kuti vashumiri veungano vanga vachiita mamwe mabasa vachinje voitawo mamwe. Asiwo, kurega hama ichiita basa rimwe chete kwenguva yakati rebei kunobatsira kuti iwedzere ruzivo rwayo uye unyanzvi pabasa iroro.
12 Zvichienderana nezvakaita ungano yavari, pane mamwewo mabasa anopiwa vashumiri veungano vanenge ‘vafambira mberi zvinonyatsoonekwa nevanhu vese.’ (1 Tim. 4:15) Kana pasina vakuru vanokwana, mushumiri weungano anogona kupiwa basa rekubatsira mutariri weboka, kana kuti rekuva mushumiri weboka asi achibatsirwa nevakuru. Kana zvakakodzera, vashumiri veungano vanogona kupiwa dzimwe hurukuro dzepamusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu, kuitisa Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano uyewo kupa hurukuro dzavose. Vanogona kupiwawo zvakare mamwe mabasa anoitwa nevakuru kana zvakakodzera uye kana vachikwanisa kuaita. (1 Pet. 4:10) Pavanenge vachibatsira vakuru, vashumiri veungano vanofanira kuzviita nemwoyo wese.
13 Kunyange zvazvo basa ravo rakasiyana nerevakuru, rinokosha pakushumira Mwari nekuti rinoita kuti zvinhu zvemuungano zvifambe zvakanaka. Nekufamba kwenguva, kana vashumiri veungano vakaita mabasa avo zvakanaka, uye vakagona kushanda sevafudzi nevadzidzisi, vanogona kuzorumbidzwa kuti vashande sevakuru.
14 Kana uri hama yechidiki kana kuti uchangobva kubhabhatidzwa, uri kuvavarira kuti uzova mushumiri weungano here? (1 Tim. 3:1) Varume vakakodzera vari kudiwa kuti vaite mabasa eungano nekuti vanhu vakawanda vari kuuya musangano gore negore. Kuti uzova mushumiri weungano unofanira kunge uine chido chekubatsira vamwe. Unogona kubatsirwa kuita izvi nekufungisisa muenzaniso wakanaka waJesu. (Mat. 20:28; Joh. 4:6, 7; 13:4, 5) Mufaro wauchawana pakushandira vamwe uchaita kuti chido chako chiwedzere. (Mab. 20:35) Saka zvipire kubatsira vamwe, kugadzirisa zvinodiwa paImba yeUmambo, kana kuti kupa hurukuro pamusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu kana muridzi wayo asina kuuya. Ivawo nepurogiramu yakanaka yekudzidza uri wega kuti uve neunhu hwechiKristu. (Pis. 1:1, 2; VaG. 5:22, 23) Kuwedzera kune izvi, hama iri kuvavarira kuva mushumiri weungano inofanira kuratidza kuti inogona kuvimbwa nayo painopiwa mabasa muungano.—1 VaK. 4:2.
15 Vashumiri veungano vanogadzwa nemweya mutsvene kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano. Vese vari muungano vanogona kuratidza kuti vanoonga kushanda nesimba kunoitwa nehama idzi nekuita zvadzinenge dzataura. Kuita izvi kunoratidza kuti tinoonga urongwa hwaJehovha uhwu hwekuti ungano irambe yakarongeka.—VaG. 6:10.