Uri Kuzvibatsira Here?
1 Mamiriyoni avanhu nhasi anoda kuziva kukurira kwaangaita zvinetso ndokuva noupenyu hunofadza. Vanonakidzwa kwazvo namabhuku okuzvibatsira kana kuti vanotarisira mapoka namasangano kuti avape mazano okuita kuti upenyu hwavo huve nani. Zvichida vamwe vangataura nezvokubatsirwa zvishoma kwavakaitwa. Asi tichitarira zvakaita upenyu nhasi, vanhu vose zvavo vakadzidza kuva noupenyu hune rugare, hunonyatsogutsa vachishandisa purogiramu dzavanhu dzemirayiridzo here? Hazvingambodaro kana!—1 VaK. 3:18-20.
2 Asi Musiki wedu anopa murayiridzo unobatsira kupfuura mimwe yose asingabhadharisi kune vose vachateerera. Jehovha anoda kuti munhu wose abatsirwe nokudzidzisa kwake. Akapa asinganyimi Shoko rake rakafuridzirwa kuti ritungamirire vanhu mukururama, uye akaita kuti mashoko akanaka oUmambo hwake aziviswe pasi pose. (Pis. 19:7, 8; Mat. 24:14; 2 Tim. 3:16) Upenyu hunofadza zvechokwadi hune chokuita zvakananga nokuteerera mirayiro yaJehovha.—Isa. 48:17, 18.
3 Nhungamiro yaJehovha yakakura zvikuru pane iya inogoverwa namabhuku okuzvibatsira api naapi kana kuti zvirongwa zvokuzvibatsira zvinogoverwa nenyika. Tingawana rubatsiro rwechokwadi uye tingabatsirwa kwenguva yakareba kana tikashandisa zvakazara gadziriro dzaJehovha dzakarongwa muShoko rake uye dzinodzidziswa nesangano rake.—1 Pet. 3:10-12.
4 Zvibatsire Pamisangano Yeungano: Nhasi, Jehovha anoratidza kufarira zvechokwadi kutidzidzisa nzira dzake, uye tinobatsirwa nokuteerera murayiridzo wake. Misangano yedu mishanu yevhiki nevhiki inopa uchapupu hwokuva nehanya kune rudo kwaJehovha. Patinopinda misangano yeungano, kuziva kwedu Mwari kunowedzera. Tinodzidza kuzvidzivirira pane zvakaipa nokuswedera pedyo naJehovha. Nokuita izvi tinonzwa kufara.
5 Pane zvakawanda. Pamisangano yeungano tinokwanisa ku“wedzera” vatinozivana navo. (2 VaK. 6:13) Izvi zvinosanganisira kusvika pakuziva vamwe vari muungano. Tinobatsirwa nokukurudzirana, kwakadai sokwakanyorwa nezvakwo nomuapostora Pauro mutsamba yake kuvaRoma. (VaR. 1:11, 12) Paainyorera vaHebheru, akarayira zvakasimba vaya vangadaro vakanga vachitanga tsika yokurega kuungana kwechiKristu.—VaH. 10:24, 25.
6 Kugutsikana kunofadza mukurarama kune chokuita zvakananga nokufarira kugara zvakanaka kwavamwe. Tinokurudzirwa kutsvaka nzira dzokubatsira kuti vamwe vafare. Naizvozvo, misangano yedu yechiKristu zvechokwadi ndeyokubatsirwa kwedu uye kubatsirwa kwevaya vatinova noushamwari hwakanaka navo. Chinodiwa kwatiri ndiko kubatanidzwa kwedu kwomwoyo wose.
7 Muapostora Pauro akataura izvozvo muzano rake kuna Timoti paakanyora kuti: “Ramb[a] uchizvirovedza nokuzvipira kuna Mwari sevavariro yako.” (1 Tim. 4:7) Tingazvibvunza kuti: ‘Ndiri kuzvirovedza here? Ndiri kudzidza kubatsirwa nezvandiri kunzwa pamisangano yeungano here?’ Mhinduro dzedu dzichava hungu kana tichiteerera zvatinonzwa pamisangano ndokuedza kushandisa zvatinodzidza. Namaziso okutenda, tinofanira kuona zvinopfuura hama dziri kudzidzisa uye kuona Jehovha soMurayiridzi Mukuru wavanhu vake.—Isa. 30:20.
8 Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari uye Musangano Webasa: Misangano miviri iyi yakagadzirirwa kutibatsira kubudirira muushumiri hwechiKristu. Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari ndizvo zvachakaita chaizvo—chikoro chine vadzidzi vanogara vachigamuchira murayiridzo nezano. Une mukana wokuenzanisira kufambira mberi kwako somukurukuri wapachena uye somudzidzisi weShoko raMwari. Asi kuti ubatsirwe kwazvo nechikoro chacho, unofanira kunyoresa, kupinda, kukurukura hurukuro machiri nguva nenguva, uye kuisa mwoyo wako pahurukuro dzako. Kugamuchira nokushandisa zano rinopiwa kuchakubatsira kuti ufambire mberi.
9 Musangano Webasa unotidzidzisa kukosha kwoushumiri hwechiKristu uye unotiratidza mashandire atingaita mubasa rokuita vadzidzi. Iwe nemhuri yako muri kubatsirwa zvakazara here nezvinokurukurwa pamisangano miviri iyi? Vamwe varoorani vechiKristu vanoti: “Pane mumwe Musangano Webasa, takanzwa kuti tinofanira kuita rugwaro rwezuva nezuva semhuri. Takanga tisingazviiti, asi tava kuzviita.” Vakazvibatsira sei? Vanobvuma vachiti: “Tinoona kuti kukurukurirana kwatinoita tiri patafura yezvokudya kunonakidza kwazvo. Hapachinazve kuitirana nharo panguva yezvokudya.” Vana vaduku vanombobatsirwawo nemisangano yacho here? Hungu. Amai vacho vanoti: “Zviri pachena kuti vana vedu vanonyatsonakidzwa nemisangano. Imwe vhiki takawana mwanakomana wedu ane makore matanhatu achinyepa. Asi vhiki iyoyo pamusangano, hurukuro yokurayira yaitaura pamusoro pokunyepa. Chiso chake chichiratidza kuva nemhaka zvikuru, mwanakomana wedu akatarira kuna baba vake ndokutsikitsira ari pachigaro chake. Akadzidza chidzidzo, uye hatina kuva nezvinetso pashure pacho.”
10 Imwe hanzvadzi inopayona inoti inofara kuti mazano okuvandudza ushumiri hwedu anopiwa paMusangano Webasa. Nei? Inotsanangura kuti: “Ndine zvandinogaroita. Dzimwe nguva ndinofunga kuti zvinotaurwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hazvizoshandi. Asi paMusangano Webasa, pandinonzwa kuti tinofanira kuzviedza, ndinonzwa ndichida zvikuru kushandisa mazano acho. Zvinoita kuti uchapupu hwacho hunakidze!” Yapedza vhiki dzinoverengeka ichishandisa zano rokuedza kutanga chidzidzo cheBhaibheri pakushanya kwokutanga, yakatanga kudzidza nomumwe musikana akanga achinyengeterera kubatsirwa payakamushanyira kokutanga.
11 Paunonzwa hurukuro inosanganisira zano reBhaibheri pazvisarudzo zvako zvaunoita, unoziva kuti Jehovha ari kutaura newe zvakananga here? Imwe hama yakanzwa saizvozvo. Yakati: “Munguva pfupi yapfuura pane mumwe musangano, paiva neimwe hurukuro iyo imwe hama yakakurukura nezvevaraidzo dzakakodzera kuvaKristu uye dzisina kukodzera. Ndaiwanzoda kuona mutambo wetsiva paterevhizheni. Asi musangano iwoyo wapera, ndakaona kuti mutambo uyu unopinda murudzi rwevaraidzo isingakodzeri kuvaKristu. Saka handichauonizve.” Hungu, kunyange zvazvo hama iyi yakanga yatanga kuda chimwe chinhu chine chisimba, yakabvuma nokuzvininipisa kutungamirira kwaJehovha.—Pis. 11:5.
12 Musangano Wavose, Chidzidzo cheNharireyomurindi, uye Chidzidzo Chebhuku Cheungano: Hurukuro dzavose dzatinonzwa vhiki imwe neimwe dzinotaura misoro yeBhaibheri yakasiyana-siyana. Uri kuwana chii muhurukuro idzi? Mumwe murume wechiKristu akataura nezvokubatsirwa kwaakanga aitwa achiti: “Imwe hurukuro yavose yakasimbisa zvibereko zvose zvomudzimu. Mukurukuri wacho akadudza, achizvitaura iye, kuti kuitira kuti ashandire kuva nezvibereko izvi, aisarudza humwe unhu hwakati ndokuhushandira kwevhiki. Paipera vhiki, aifungisisa nezvokuti akanga aita sei pakuratidza chibereko ichocho mumabasa ake amazuva ose. Ipapo aishandira humwe unhu kwevhiki yaitevera yacho. Ndakada pfungwa yacho uye ndakatanga kuzviita ini pachangu.” Kushandiswa kwakaisvonaka zvakadini kwezvakanga zvadzidzwa!
13 Chidzidzo cheNharireyomurindi chinotidzidzisa kushandisa nheyo dzeBhaibheri mumamiriro ezvinhu oupenyu akatsaukana-tsaukana. Izvi zvinotibatsira kuramba tine pfungwa nomwoyo zvakadzikama pasinei zvapo nokufunganya kwoupenyu. Chidzidzo cheNharireyomurindi chinoitawo kuti tifambirane nechokwadi chinoenderera mberi. Somuenzaniso, hatina kubatsirwa here nenyaya dzechidzidzo cheNharireyomurindi yaMay 1, 1999, dzaiva nemisoro inoti: “Izvozvi Zvose Zvinofanira Kumboitwa,” “Anorava Ngaashandise Nzwisiso,” uye “Ngwarira uye Shingaira!” Iwe pachako wakazvinzwa sei zvidzidzo izvi? Unoratidza nezviito zvako here kuti unonyatsoteerera nyevero yaJesu pamusoro penguva yemberi? Uri kuzvigadzirira here nokuda kwemiedzo iri mberi patichaona “chinhu chinosemesa chinoparira kuparadzwa . . . chimire panzvimbo tsvene”? (Mat. 24:15-22) Vavariro uye mararamire ako zvinoratidza here kuti chinhu chinonyanya kukosha kwauri kutsveneswa kwezita raJehovha, kwete kuunganidzwa kwezvinhu zvokunyama? PaChidzidzo cheNharireyomurindi, hatisi kudzidza kuzvibatsira iye zvino here?
14 Funga nezvokuti tinodzidza zvakawanda sei paChidzidzo Chebhuku Cheungano vhiki imwe neimwe. Panguva ino tiri kudzidza bhuku reBhaibheri raDhanieri. Mumwedzi mina yatave tichidzidza bhuku reBhaibheri iroro, hatina kuona kutenda kwedu kuchiwedzera vhiki imwe neimwe here? Somuprofita waJehovha anodiwa Dhanieri, tinosimbisa kutenda kwedu kuitira kuti zvimwe tingatsungirira.
15 Jehovha Anotidzidzisa Kurarama Tichifara: Tinodzivisa kurwadziwa mwoyo kwakawanda patinoteerera mirayiro yaMwari. Uyezve, tinoziva kuti kurarama tichifara kunorevei. Tikatevera kutungamirira kwaJehovha, tinova vashandi mubasa rake, kwete kungova vacherechedzi. Uye vaya vari kuita basa raMwari vanhu vanofara.—1 VaK. 3:9; Jak. 1:25.
16 Nyatsofunga nezvamashandisire auchaita zvinhu zvaunonzwa pamisangano yeungano. (Joh. 13:17) Shumira Mwari zvine upenyu, nomwoyo wako wose. Mufaro wako uchapfachukira. Upenyu hwako huchapfuma, huchareva zvakawanda. Hungu, uchave uchizvibatsira.