Shandisa Zviitiko Zvazvino uno Kumutsa Kufarira
1 Ungada here kuramba uchiwana pfungwa dzakanaka dzichaita kuti ushumiri hwako hurambe huri hutsva uye kuita kuti vanhu vafarire shoko riri muBhaibheri? Ipapo shandisa zviri kuitika munyika uye munzanga mako kuti utange kukurukurirana. Unogona kutaura zviitiko zvazvino uno zvomunharaunda uye zvenyika kana kuti nhau dzinobva kunyika dzakasiyana-siyana. Zvinhu izvi zviri kuramba zvichichinja. (1 VaK. 7:31) Funga nezvemienzaniso inotevera.
2 Zvinetso zvemari uye kuoma kwezvokurarama nazvo zvinhu chaizvoizvo zvinonetsa vanhu. Saka ungati:
◼ “Makanzwa here munhau kuti mutengo we[taura chinhu chacho] uri kukwira zvakare?” Kana kuti ungataura nezvokushayikwa kwamabasa kana kambani huru yabudisa basa vashandi vakawanda. Zvichienderana nokuti unoda kupfuurira sei nokukurukurirana kwacho, ungapfuurira kubvunza kuti “Makamboshamisika here kuti nei zvakaoma kwazvo kuwana chokurarama nacho?” kana kuti “Munofunga kuti zvicharamba zvakaoma here kuwana mari yakakwana?”
3 Mishumo yechisimba, yakadai samatambudziko mumhuri kana kuti pakati pavadzidzi vokuchikoro, inoita kuti pave nokumwe kukurukurirana. Ungabvunza kuti:
◼ “Makaverenga here mupepanhau kuti [taura dambudziko riri munzanga]?” Ipapo bvunza kuti “Munofunga kuti chii chinokonzera chisimba chakawanda kwazvo munyika?” kana kuti “Munofunga kuti pachazombova nenguva yatinganzwa takachengeteka here?”
4 Nhau dzamafashamo anoparadza, kudengenyeka kwepasi, kana kuti kusagadzikana kwavagari vomunyika imomo munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika dzinopawo mashoko anomutsa kufarira. Somuenzaniso, ungabvunza kuti:
◼ “Mwari ndiye here anoparira [taura njodzi isingakonzerwi nomunhu]?” Kana kuti ungataura kutanga kwokusagadzikana kwavagari vomunyika imomo kuchangobva kuitika ndokuti: “Kana munhu wose achida runyararo, nei zvakaoma kwazvo kuruwana?”
5 Ramba wakasvinurira kune zviitiko zvazvino uno zvaungashandisa musumo yako. Mazano anobatsira anowanikwa pasi pomusoro unoti “Zvinoitika Zvazvino Uno,” papeji 14, mubhuku rinonzi Kurangarira. Zvisinei, usave nokwawakarerekera munhau dzezvamatongerwe enyika kana kuti dzenzanga. Asi, taura zviri muMagwaro uye Umambo hwaMwari sechigadzikiso bedzi chechigarire chezvinetso zvavanhu.