Kuparidza Munyika Inoramba Ichichinja
1 Zvinhu zvinogona kuchinja nokukurumidza zvikuru! Mukati mousiku humwe, njodzi inongozviitikira yoga, nhamo yezvemari, kusagadzikana kwezvematongerwe enyika, kana kuti kunyatsoziviswa kwenjodzi kungava musoro wenyaya inokurukurwa. Zvisinei, nokukurumidza, vanhu vanganangidzira pfungwa dzavo kumwewo. (Mab. 17:21; 1 VaK. 7:31) Munyika inoramba ichichinja, tingabata sei pfungwa dzevanhu kuti tivaudze shoko roUmambo?
2 Nzwisisa Zvinonetsa Vamwe: Imwe nzira yokubata pfungwa dzevanhu ndeyokutaura zvinhu zviri kuitika panguva ino. Achikurudzira vateereri vake kufunga zvakadzama nezvoukama hwavo naMwari, pane imwe nguva Jesu akataura njodzi dzakanga dzichangobva kuitika dzakanga dziri mupfungwa dzavo. (Ruka 13:1-5) Saizvozvowo, pakuparidza mashoko akanaka, tinoita zvakanaka kutaura nhau dziri kuitika kana kuti nyaya yomunharaunda ine chokuita noupenyu hwevaya vari mundima yedu. Zvisinei, pakukurukura nyaya dzakadaro, tinofanira kungwarira kuti tisava nokwatakarerekera mune zvematongerwe enyika kana kuti nhau dzenzanga.—Joh. 17:16.
3 Tingaziva sei zviri kufungwa nevanhu iye zvino? Zvichida nzira yakanakisisa ndeyokungobvunza mubvunzo tobva tateerera. (Mat. 12:34) Kufarira vanhu kuchatikurudzira kuona mafungiro evamwe ndokuramba tichibvunzisisa nokungwarira. Kungoerekana saimba ataura kungabudisa pachena kunetseka kunoita vakawanda munzvimbo yacho uye kungazarura nzira yokupupurira.
4 Kugadzirira Mharidzo: Pakugadzirira basa romumunda munyika inoramba ichichinja, tinogona kushandisa bhuku raKurangarira. Mazano anobatsira okubatanidzwa kungaitwa zviitiko zvemazuva ano mumharidzo dzedu akarongwa papeji 14, pasi pomusoro unoti “Utsotsi/Kotsekano” uye “Zvinoitika Zvazvino Uno.” Mashoko anoenderana anogona kuwanikwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 2000, papeji 4. Pakugadzirira mharidzo yako, iva nechokwadi chokubatanidza rugwaro rwakakodzera.
5 Sezvatinofungisisa zvinetso zvinoramba zvichichinja zvevaya vari mundima yedu, tinoda kuchinja mharidzo dzedu dzemashoko akanaka kuti dzienderane nazvo. Nenzira iyoyo, tinotaura nevanhu pamusoro pezvinhu zvinotambudza mwoyo yavo zvikuru. Nokuita kudaro, tinobatsira vamwe vakawanda zvikuru kusvika pakuziva Uyo asingachinji muunhu hwake uye mune zvaanoda.—Jak. 1:17.