“Ndinofanira Kutama Here?”
1 Vachibvuma murayiro waJesu wokuti “endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi,” vashumiri vaJehovha vakawanda vakazvitsaurira vakatama kuti vashande kunodiwa vaparidzi vakawanda. (Mat. 28:19) Vari kutevedzera Pauro, uyo akapindura chikumbiro chokuti: “Yambukirai kuMakedhoniya mutibetsere.” (Mab. 16:9) Izvi zvingaitwa sei munzira inoshanda?
2 Ita Nhanho Imwe Panguva: Pane ndima isingawanzoshandwa here muungano menyu? Kana zvakadaro, ungaedza kufunga nezvenharaunda idzodzo. Usati wasarudza kuenda kune imwe nzvimbo, taura navakuru vako kuona kana vachifunga kuti wakashongedzera kutama. Ungabvunzawo mutariri wako wedunhu kana achiziva nezveungano iri pedyo kwaungawedzera ushumiri hwako. Asi, pashure pokunyatsoverenga zvinodiwa, ungada kufunga nezvokubatsira mune imwe nzvimbo yenyika kana kuti kune imwewo nyika. Kana ichi chiri chishuwo chako, iwe nedare rako ravakuru munofanira kunyorera kuhofisi yebazi yekwaunofarira kunoshanda, uchitaura zvauri musangano raMwari. Kungava kuchenjera kushanyira nzvimbo yacho usati wasarudza kutama zvechigarire kana kuti kwete.
3 Chenjerera Nezvokuenda Kune Imwe Nyika: Nhamba inowedzera yehama dzedu dziri kutamira kune dzimwe nyika nemhaka yokuti dziri kutsvaka mararamire ari nani kana kuti dzizorore kudzvinyirirwa. Dzichidaro, dzimwe dzakapinda mumusungo wakaipa wavanhu vanonyengera vanovimbisa kudzibatsira kugara munyika itsva asi vanongotora mari yadzo uye zvadaro vodzisiya. Mune zvimwe zviitiko vanhu ava vanotoedza kumanikidza vanhu vokune imwe nyika ivava muuranda hwounzenza. Pavanoramba, vanongosiyiwa kuti nyika yacho yavanenge vaenda ione zvokuita navo. Saka mamiriro ezvinhu avanhu vokune imwe nyika ave akaipa zvikuru pane zvaaiva vari kunyika yokumusha kwavo. Vangatoda kukumbira hama kuti dzivape pokugara uye zvimwe kuvabatsira, vachiisa mutoro pane dzimwe mhuri dzechiKristu dziri kurwisana nezvinetso zvadzo pachadzo uye matambudziko. Nhengo dzedzimwe mhuri dzakaparadzana chaizvoizvo nomumwe nomumwe, uye mhuri dzakashaya simba mumudzimu nokutama kwakadaro kusina kuchenjera.—1 Tim. 6:8-11.
4 Kana uchida kutama kuti uzvibatsire, yeuka kuti hazvinei nokwaunogara, zvinetso zvokutarisana nazvo zviriko. Zviri nyore kukurira zvinetso kwaunotoziva kare mutauro netsika, pane kutanga patsva mumhoteredzo yausina kujaira.