RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/11 pp. 4-6
  • ‘Ungayambukira kuMakedhoniya’ Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Ungayambukira kuMakedhoniya’ Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mashoko Akafanana
  • Zvingaita Here Kuti Uyambukire kuMakedhoniya?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Unogona Kushumira Kune Imwe Nyika Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Nzira Dzekuwedzera Nadzo Ushumiri Hwako
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Ndinofanira Kugara Kune Imwe Nyika Here?
    Mukai!—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
km 8/11 pp. 4-6

‘Ungayambukira kuMakedhoniya’ Here?

1. Chii chakaita kuti Pauro nevamwe vake vaende kuMakedhoniya?

1 Muapostora Pauro akatanga rwendo rwake rwechipiri rwoumishinari munenge mugore ra49 C.E., achibva kuAndiyoki yeSiriya. Chinangwa chake chaiva chokushanyira Efeso nemamwe maguta aiva muAsia Minor. Asi pahwaiva usiku mudzimu mutsvene wakamuratidza kuti ‘ayambukire kuMakedhoniya’ panzvimbo pokuenda kumaguta aanga achida. Iye nevamwe vake vakaendako vachifara, uye vakava neropafadzo yokutanga ungano munzvimbo iyoyo. (Mab. 16:9, 10; 17:1, 2, 4) Mazuva ano pari kudiwa vashandi vakawanda chaizvo mubasa rokukohwa mune dzimwe nzvimbo. (Mat. 9:37, 38) Unogona kubatsira here?

2. Nei vamwe vasina kumbofungisisa nezvokutamira kune imwe nyika?

2 Zvichida unoda kuita basa roumishinari sezvaiita Pauro asi hausati wafungisisa nezvenyaya yokuenda kune imwe nyika. Zvimwe chiri kukutadzisa inyaya yokuti haukwanisi kunodzidza kuGiriyedhi nemhaka yezera rako kana nokuti uri hanzvadzi isati yaroorwa kana kuti une vana vachiri vaduku. Pamwe hauna kufunga zvokuenda kune imwe nyika nemhaka yokuti hauna chokwadi chokuti unozokwanisa kudzidza mumwe mutauro. Kana kuti wakatobva kunyika kwako uchiuya kunogara munyika yauri iye zvino nemhaka yemamiriro eupfumi saka uri kuzeza kudzokera. Asi wafungisisa uchiita zvokunyengetera, unogona kuona kuti zvose izvi hazvikutadzisi kuenda kune imwe nyika kunenge kuchidiwa vaparidzi vakawanda.

3. Sei kupinda chikoro chemamishinari kusiri iko chete kunoita kuti munhu aparidze zvinobudirira kune imwe nyika?

3 Unofanira Kunge Wakapinda Chikoro Chemamishinari Here? Chii chakabatsira Pauro nevamwe vake kuti vabudirire? Vaivimba naJehovha nomudzimu wake mutsvene. (2 VaK. 3:1-5) Saka kunyange usingakwanisi kunodzidziswa semumishinari, unogona kuparidza zvinobudirira paunenge uri kune imwe nyika. Yeukawo kuti uri kudzidziswa neChikoro chaMwari Choushumiri uye Musangano Webasa. Uye kana uine shungu dzokuenda kuGiriyedhi kana kuti kupinda chimwe chikoro, kuenda kune imwe nyika kuti uone zvakaita basa roumishinari kuchaita kuti zvizokuitira nyore kana wazokwanisa kuenda kune chimwe chezvikoro izvi.

4. Nei vanhu vakura vasingafaniri kufunga kuti havakwanisi kutamira kune imwe nyika kuti vanoparidza?

4 Vanhu Vakura: Vaya vakasimba pakunamata vanenge vaine utano hwakanaka vangabatsira chaizvo munyika dzinodiwa vaparidzi vakawanda. Wava pamudyandigere here? Kunyange vaya vanowana mari isina hayo kuwanda yepamudyandigere vanokwanisa kuenda kunogara kunyika dziri kusimukira nokuti upenyu hweko haunyanyi kudhura.

5. Taura zvakaitwa neimwe hama yakatamira kune imwe nyika.

5 Pane imwe hama inobva kunyika inotaurwa Chirungu, inoshanda somukuru muungano uyezve inopayona. Payakaenda pamudyandigere yakatamira kune imwe nzvimbo iri kuSoutheast Asia, kunowanzozara vashanyi vanobva kune dzimwe nyika, kuti ibatsire boka revaparidzi vapfumbamwe vanotaura Chirungu sezvo uri iwo mutauro waamai vayo. Boka racho rakaparidzira vanhu 30 000 vaibva kune dzimwe nyika vaigara munzvimbo yacho. Mumakore maviri vanhu 50 vakanga vava kupinda misangano. Hama yacho yakanyora kuti: “Kutamira kuno kwandiunzira makomborero anoshamisa andisati ndambowana. Ndikada kutsanangura kunyange zvishoma zvacho zuva rinobuda rikanyura rikabudazve!”

6. Taura muenzaniso womumwe musikana akatamira kune imwe nyika kwaidiwa vaparidzi vakawanda.

6 Hanzvadzi Dzisati Dzaroorwa: Jehovha ari kushandisa chaizvo hanzvadzi kuti dzizivise mashoko akanaka munyika dzinodiwa vaparidzi vakawanda. (Pis. 68:11) Mumwe musikana aiva neshungu dzokuenda kune imwe nyika kuti awedzere ushumiri hwake, asi vabereki havana kumubvumira nokuti nyika yacho yakanga isina kugadzikana. Saka akazosarudza kuenda kune nyika yaiva yakagadzikana mune zvematongerwo enyika uye mune zveupfumi, achibva anyorera hofisi yebazi, kuti anzwe kuti nyika yacho yakanyatsomira sei. Mumakore matanhatu aakagara munyika yacho, akawana zvikomborero zvakawanda. Akati: “Dai ndisina kubva kunyika yangu ndingadai ndiine mikana mishoma yokudzidzisa vanhu Bhaibheri. Asi kushumira kwaidiwa vaparidzi vakawanda kwakaita kuti ndidzidze nevanhu vakawanda uye unyanzvi hwangu hwokudzidzisa hwakavandudzika.”

7. Taura muenzaniso weimwe mhuri yakatamira kune imwe nyika kwaidiwa vaparidzi vakawanda.

7 Vane Vana: Kuva nevana kungakutadzisai here kuenda kune imwe nyika kuti munozivisa mashoko akanaka? Imwe mhuri ine vana vaviri, mumwe ane makore masere mumwe ane gumi, yakaedza kuita izvi. Amai vacho vakanyora kuti: “Kurerera vana vedu kuno kwakatibatsira nemhaka yokuti vaiwadzana nemapiyona chaiwo uye mamishinari. Upenyu hwedu hwakavandudzwa chaizvo nemhaka yokushumira kunzvimbo inodiwa vaparidzi vakawanda.”

8. Zvinoita here kuti ushumire kune imwe nyika usina kudzidza mumwe mutauro? Tsanangura.

8 Nyaya Yokudzidza Mutauro: Nyaya yokudzidza mumwe mutauro ndiyo inoita kuti uzeze kuenda kune imwe nyika here? Zvichida mutauro wako unotaurwa kune dzimwe nyika dzinodiwa vaparidzi voUmambo vakawanda. Imwe mhuri inotaura Chirungu yakatamira kune imwe nyika inotaurwa chiSpanish yaiva nevanhu vakati kuti vakanga vatamirako vaitaura Chirungu. Hofisi yebazi yakavaudza nezveungano dzakati kuti dzeChirungu dzaida vaparidzi vakawanda, saka mhuri iyi yakashanya kaviri kuungano yayakanga yasarudza. Vakadzoka kumba, vakatanga kushandisa mari shoma pane yavaishandisa pamwedzi uye yaisara yacho vakaichengeta kwegore rose. Pavakanga vagadzirira kuchitama, hama dzeko dzakavabatsira kutsvaka dzimba dzisingadhuri.

9, 10. Vaya vakatamira kune imwe nyika vangafunga nezvechii uye nei vachifanira kudaro?

9 Vakatamira Kune Dzimwe Nyika: Wakatamira kune imwe nyika here, zvichida usati wadzidza chokwadi? Zvimwe kumusha kwako kungangova kuchidiwa vakohwi vakawanda. Zvingaita here kuti udzokere kunobatsira? Sezvo kuri iko kumusha, kuwana basa nepokugara zvingava nyore kupfuura mumwe ari kubva kune imwe nyika. Zvimwe uchiri kugona kutaura mutauro wokumusha. Uyezve vanhu vangada kuteerera mashoko oUmambo aunovaudza kupfuura zvinotaurwa nomunhu wavanoona sokuti haasi womunyika mavo.

10 Mumwe murume akabva kuAlbania achienda kuItaly kunopotera, akasvikowana basa rakanaka, uye aitumira mari kumusha kune mhuri yake. Paakawana chokwadi, akatanga kudzidzisa mapiyona chaiwo ekuItaly mutauro wekuAlbania, ayo akanga ari kutamirako kuti anoparidza munzvimbo dzaidiwa vaparidzi vakawanda. Hama yacho yakanyora kuti: “Vari kuenda kwandakabva. Havazivi mutauro wacho asi vanofarira chaizvo kuendako. Asi ini mutauro netsika dzangu ndezvekuAlbania. Ko ini ndiri kubatei kuno kuItaly?” Hama yacho yakasarudza kudzokera kuAlbania kunozivisa mashoko akanaka. Akati: “Ndinombozvidemba here kuti ndakaregererei basa rinobhadhara zvakadaro kuItaly? Kana! Basa kwaro randakawana kuAlbania ibasa rokuparidza. Semaonero angu, basa rinokosha uye rinoita kuti urambe uchifara kushumira Jehovha nezvose zvauinazvo!”

11, 12. Zvii zvingaitwa nevaya vari kufunga zvokutamira kune imwe nyika?

11 Ungazviita Sei?: Pauro nevamwe vake pavakanga vasati vaenda kuMakedhoniya, vakanga vane pfungwa dzokuenda kuruwa rweEzhiya, asi “vakarambidzwa nomudzimu mutsvene” vachibva vananga kuBhitiniya. (Mab. 16:6) Pavakanga vava kuda kupinda muBhitiniya, Jesu akavarambidza. (Mab. 16:7) Nanhasi Jehovha achiri kushandisa Jesu kutungamirira basa rokuparidza. (Mat. 28:20) Saka kana uri kufunga kutamira kune imwe nyika, nyengetera uchikumbira kutungamirirwa naJehovha.—Ruka 14:28-30; Jak. 1:5; ona bhokisi rakanzi “Ungaziva Sei kuti Nyika Yauri Kuda Kuenda Inodiwa Vaparidzi?”

12 Bvunzawo vakuru vemuungano yako kana kuti vamwe vaKristu vakasimba pakunamata unzwewo pfungwa dzavo. (Zvir. 11:14; 15:22) Verenga nyaya dzakabudiswa neboka remuranda akatendeka akangwara dzine chokuita nokunoshumira kune imwe nyika, uyewo ongorora nyika dzauri kufunga nezvadzo kuti dzakamira sei. Wadii kumboshanyira nyika yauri kufunga nezvayo, zvimwe kwemazuva akati oo? Kana uri kuda zvechokwadi kuenda kune imwe nyika, unogona kushandisa kero dziri muBhuku Regore richangobudiswa kunyora tsamba kuhofisi yebazi yenyika iyoyo kuti unzwe kuti kwakamira sei. Asi usabva wangotumira tsamba yako kuhofisi yebazi, ipe vakuru vari muungano yako nokuti pane mashoko avanofanira kunyora vasati vaitumira.—Ona Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha, mapeji 111-112.

13. Hofisi yebazi ingakubatsira sei, asi zvii zvauchazvionera?

13 Hofisi yebazi ichakutumira mashoko achakubatsira kuziva zvakaita nyika yacho kuitira kuti uite chisarudzo, asi havazokwanisi kukubatsira kuwana magwaro epamutemo okuti ugare munyika iyoyo, uye kuti uwane pokugara. Iwe pachako ndiwe uchaona kuti wagadzirisa zvinhu izvi usati waenda. Uyewo ndiwe uchaona kuti wataura nevanhu vokuembassy uye waronga kuwana vhiza nemapepa anokubvumira kunoshandako. Vaya vanosarudza kuenda kune imwe nyika vanofanira kunge vachikwanisa kuzozvitarisira.—VaG. 6:5.

14. Zvii zvaunofanira kungwarira kana uchishanyira kana kutamira kunyika uko tisina kusununguka kuparidza?

14 Nyika Idzo Zvapupu Zvisina Kusununguka Kuparidza: Mune dzimwe nyika hama nehanzvadzi dzeko dzinotofanira kunamata dzakachenjerera. (Mat. 10:16) Vaparidzi vanoshanyirako vangaita zvimwe zvinhu nokusaziva, zvinozosiya hama idzi dzava panguva yakaoma. Kana uri kufunga kutamira kunyika yakadaro, tapota nyora tsamba upe vakuru vemuungano yako vagoitumira kuhofisi yebazi iri kwaunogara kuti unzwe kuti ungazvifambisa sei.

15. Vaya vasingakwanisi kutamira kune imwe nyika vangavandudza sei ushumiri hwavo vari munharaunda yavo?

15 Kana Usingakwanisi Kutama: Kana usingakwanisi kutamira kune imwe nyika usaora hako mwoyo. Zvimwe pane rimwe “suo guru rebasa” rakakumirira. (1 VaK. 16:8, 9) Mutariri wako wedunhu anogona kunge achiziva dzimwe nzvimbo dzinoda vaparidzi dziri pedyo newe. Zvimwe unogona kubatsira ungano kana kuti boka rinotaura mumwe mutauro munharaunda yauri. Kana kuti unogona kuwedzera ushumiri hwako uri muungano yauri. Pasinei nokuti zvinhu zvakakumirira sei, chinhu chinokosha ndechokuti zvauri kuita pakunamata uri kuzviita nomweya wose.—VaK. 3:23.

16. Tinofanira kuona sei vaya vanoda kutamira kune imwe nyika?

16 Pane muKristu akasimba pakunamata waunoziva ane shungu dzokunoshumira ari kune imwe nyika here? Saka mukurudzire uye mutsigire. Pauro paakabva kuAndiyoki yeSiriya, guta iri raiva rechitatu pakukura muumambo hwevaRoma. Guta rokutanga raiva Roma richiteverwa neArekizandriya. Ndima iyi yakanga yakakura chaizvo zvokuti vanogona kunge vaida rubatsiro rwaPauro, uye vaizomusuwa chaizvo kana aizoenda. Asi Bhaibheri hariratidzi kuti hama idzi dzakataura mashoko aiita kuti Pauro asaenda. Zvinoratidza kuti panzvimbo pokungofunga nezvendima yavo, vakayeuka kuti chinonzi “munda inyika.”—Mat. 13:38

17. Ndezvipi zvikonzero zvinoita kuti ufunge ‘kuyambukira kuMakedhoniya’?

17 Pauro nevamwe vake vakakomborerwa chaizvo nokuteerera kwavakaita pavakanzi vayambukire kuMakedhoniya. Pavakanga vari muguta reMakedhoniya rinonzi Firipi, vakaona mumwe mukadzi anonzi Ridhiya uye “Jehovha akanyatsovhura mwoyo wake kuti ateerere zvinhu zvakanga zvichitaurwa naPauro.” (Mab. 16:14) Chimbofungidzira mafariro akaita Pauro nevamwe vake pavakaona Ridhiya nemhuri yake yose vachibhabhatidzwa! Kufanana naRidhiya, munyika dzakawanda variko vamwe vasati vamboparidzirwa mashoko oUmambo vanoda kudzidza chokwadi. Kana ‘ukayambukira kuMakedhoniya,’ uchafara chaizvo pauchawana munhu anoda kudzidza uye pauchamubatsira.

[Bhokisi riri papeji 5]

Ungaziva Sei Kuti Nyika Yauri Kuda Kuenda Inodiwa Vaparidzi?

• Ona Bhuku Regore regore rino. Nyatsoongorora kuti muparidzi mumwe chete anotarisirwa kuparidzira vanhu vangani munyika yacho.

• Shandisa indekisi kuti uzive nyaya dzakanyorwa uye zvinoitika zvemunyika iyoyo.

• Taura nevaparidzi vakamboshanyira kana kuti vakambogara kunyika yacho.

• Kana wada zvokuenda kunyika inotaurwa mutauro wako, tsvaka mamwe mashoko paIndaneti kana zvimwewo, kuti uzive kuti vanhu vakawanda sei vari munyika yacho vanotaura mutauro wako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe