Itya Jehovha Zuva Rose
1 “Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.” (Pis. 111:10) Kunoita kuti tiite mabasa akanaka uye kunotibatsira kusiya zvakaipa. (Zvir. 16:6) Kutya uku kuremekedza Musiki wedu zvikuru, kunotiita kuti tidzivise kusamufadza nokusamuteerera. Ndechimwe chinhu chatinofanira kushandira uye kuratidza zuva rose.—Zvir. 8:13.
2 Mazuva ose, mudzimu wenyika yaSatani unotimanikidza zvikuru kuti tiite maererano nenzira dzawo dzakaipa. (VaEf. 6:11, 12) Nyama yedu isina kukwana inotadza uye nomuzvarirwo yakarerekera kune zvakaipa. (VaG. 5:17) Nokudaro, kuti titeerere mirayiro yaJehovha, kuti tifare, ndokuwana upenyu, tinofanira kumutya zuva rose.—Dheut. 10:12, 13.
3 Pana VaHebheru 10:24, 25, tinorayirwa kuungana pamwe chete kuti tikurudzirane “kunyanya” munguva ino yatinorarama. Kupinda misangano nguva dzose kunokosha kana tichizopukunyuka mazuva aya okupedzisira. Kutya kwatinoita kusafadza Mwari kunotiita kuti tipinde misangano ndokukoshesa zvikuru chinangwa chayo. Vaya vanotya Mwari vanoona kupinda misangano yechiKristu seropafadzo tsvene.
4 Kuteerera murayiro wokuparidza mashoko akanaka oUmambo ndeimwe nzira yatinoratidza nayo kutya kwatinoita Mwari. (Mat. 28:19, 20; Mab. 10:42) Vavariro huru yebasa redu rokuparidza ndeyokubatsira vamwe kuti vashandire kutya Jehovha ndokuzviisa pasi pokuda kwake. Tinoita izvi nokudzokerazve, tichiedza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha, uye zvadaro kudzidzisa vamwe mirayiro yaMwari yose. Nenzira iyoyo tinoratidza kutya kwatinoita Jehovha uye kuda kwatinoita muvakidzani.—Mat. 22:37-39.
5 Vaya vasingatyi Mwari vanokundikana kuva namafungiro okuonga zvinhu zvomudzimu, uye vanokurirwa nemhepo inouraya yenyika, kana kuti mafungiro. (VaEf. 2:2) Chisarudzo chedu chakasimba ngachive choku“itira . . . Mwari basa dzvene zvinogamuchirika nokumutya nokumuremekedza.” (VaH. 12:28) Saka tichakohwa zvikomborero zvevaya vanotya Jehovha zuva rose.