Kuda Kufanana Nevezera Rako uye Ropafadzo Yako Yokuparidza
1 Kuda kufanana nevezera rako kunopesvedzera zvine simba—nokuda kwezvakanaka kana kuti zvakaipa. Vamwe vashumiri vaJehovha vanopesvedzera zvakanaka zvinoita kuti tive namabasa echiKristu akanaka kwazvo. (VaH. 10:24) Zvisinei, nhengo dzemhuri dzisiri dzechiKristu, vatinoshanda navo, vatinodzidza navo, vavakidzani, kana kuti vamwe vatinozivana navo vangatimanikidza kuti titevere nzira inopesana nenheyo dzechiKristu. Vanga“zvidza mufambiro [wedu] wakanaka pamusoro paKristu.” (1 Pet. 3:16) Tingaramba sei takatsunga kuparidza pasinei zvapo nokuda kufanana nevezera redu kwakaipa kwatingava nakwo?
2 Nhengo Dzemhuri: Dzimwe nguva, murume nababa vasiri mumwe weZvapupu zvaJehovha vangasada kuti mudzimai wavo navana vaite ushumiri hwapachena. Ndozvazvaiva zvakaita mune imwe mhuri muMexico. Mudzimai womumwe murume navana vanomwe vakawana chokwadi. Pakutanga aishora nokuti akanga asingadi kuti mhuri yake iparidze nokugovera mabhuku eBhaibheri paimba neimba. Aifunga kuti izvozvo zvakanga zvisina kuikodzera. Zvisinei, mudzimai wake navana vakaramba vakasimba muchisarudzo chavo chokushumira Jehovha uye chokuita ushumiri nguva dzose. Pashure penguva yakati, murume wacho akatanga kuona kukosha kwokubvuma gadziriro yaMwari yebasa rokuparidza, uye iyewo akazvitsaurira kuna Jehovha. Zvakamutorera makore 15 kuti abvume chokwadi, asi aizodai akazviita here kudai mhuri yake isina kupfuurira neropafadzo yayo yokuparidza?—Ruka 1:74; 1 VaK. 7:16.
3 Vatinoshanda Navo: Kuedza kwaunoita kupupurira vaunoshanda navo kungasagamuchirwa zvakanaka navamwe. Imwe hanzvadzi yakarondedzera kuti kukurukurirana pamusoro pomugumo wenyika pakwakatanga muhofisi, yakasekwa nemhaka yokuti yakati vaverenge Mateu chitsauko 24. Zvisinei, mazuva mashomanana gare gare, mumwe wevainoshanda navo akaiudza kuti akanga averenga chitsauko chacho uye akafadzwa. Akagoverwa bhuku, uye gadziriro dzokudzidza Bhaibheri naye nomurume wake dzakaitwa. Chidzidzo chokutanga chakatozopera kuma2:00 mangwanani. Pashure pechidzidzo chechitatu, vakatanga kupinda misangano, uye pashure pacho vakarega kushandisa fodya ndokutanga kushanda muushumiri. Izvi zvaizoitika here kudai hanzvadzi yedu isina kuedza kuudza vamwe tariro yayo?
4 Vatinodzidza Navo: Zvakajairika kuti pwere dziri Zvapupu dzide kufanana nevezera radzo kuchikoro uye kuti dzitye kuti dzimwe pwere dzichadzideredza nokuda kwokuita basa rokuparidza. Mumwe muKristu ari kuyaruka muUnited States akati: “Ndaitya kupupurira vamwe vechiduku nokuti ndaitya kusekwa.” Saka akadzivisa mikana yokupupurira vezera rake kuchikoro uye mundima. Ungava sei nesimba rokudzivisa kuda kufanana nevezera rako? Vimba naJehovha, uchitsvaka nyemwerero yetendero yake. (Zvir. 29:25) Dada namano ako okushandisa Shoko raMwari muushumiri hwako. (2 Tim. 2:15) Pwere ine mashoko achangotaurwa yakatanga kunyengetera kuna Jehovha, ichimukumbira kuti aibatsire kukudziridza chido chokutaura nevainodzidza navo. Yakatanga kupupurira zvisina kurongwa kuchikoro, yakava nemigumisiro yakanaka, uye munguva pfupi yakatevera yakanga yava kutaura nomunhu wose wayaiziva. Yakagumisa ichiti: “Vechiduku ivavo vanoda tariro yenguva yemberi, uye Jehovha ari kutishandisa kuvabatsira.”
5 Vavakidzani: Tingava navavakidzani kana kuti vamwe vatinozivana navo vanotigumbukira nemhaka yokuti tiri vanaani uye zvatinodavira. Kana uchitya zvavanofunga, zvibvunze kuti: ‘Vanoziva chokwadi chinotungamirira kuupenyu husingaperi here? Ndingaita sei kuti ndivabaye mwoyo yavo?’ Mumwe mutariri wedunhu akacherechedza kuti migumisiro yakanaka inowanikwa nokupupurira vavakidzani zvishoma nezvishoma. Kumbira Jehovha simba rinodiwa nouchenjeri kuti upfuurire kutsvaka vaya vane mwoyo yakatendeka.—VaF. 4:13.
6 Kubvuma kwatinoita kuda kufanana nevezera redu kwakaipa kungafadza vanotishora, asi kuita izvozvo kungavabatsira zvakanakisisa here—kana kuti isu? Jesu akashorwa navanhu vomunzanga yake chaimo. Akatotsungirira mashoko anorwadza avanun’una vake. Asi aiziva kuti aigona kungovabatsira nokuramba akavimbika kunzira iyo Mwari akamugadzira. Saka, Jesu “akatsungirira kutaura kwokukakavara kwakadaro kwevanhu vanoita zvivi avo vairwisa zvinhu zvinovabetsera.” (VaH. 12:2, 3) Tinofanira kuita saizvozvo. Iva akatsunga kushandisa ropafadzo yako nepose paunogona kuparidza shoko roUmambo. Nokuita kudaro, “uchazviponesa iwe nevanokuteerera.”—1 Tim. 4:16.