Kudzidza Kubva Muvhidhiyo Inonzi—The Bible—Accurate History, Reliable Prophecy
Waona vhidhiyo iyi, ungapindura mibvunzo iyi here? (1) Ndiani ari Muvambi wamashoko akavimbika eBhaibheri? (Dhan. 2:28) (2) Bhaibheri rinoratidza sei zvakarurama zvakanga zvakaita Ijipiti yakare, uye uprofita hwakanyorwa pana Isaya 19:3, 4 hwakava sei hwechokwadi? (3) Sayenzi yezvinocherwa mumatongo yasimbisa sei zvinotaurwa neBhaibheri nezvevaAsiriya, madzimambo avo, uye kuguma kweAsiriya? (Nah. 3:1, 7, 13) (4) Uprofita hupi hune chokuita neBhabhironi hwakaratidza kuva hwakavimbika? (5) Medhia nePersia inei chokuita navanhu vaMwari? (6) Dhanieri 8:5, 8 yakazadzika sei, uye izvi zvakafanotaurwa pachine nguva yakareba zvakadini? (7) Jesu akaratidza sei kuva Mesiya wechokwadi? (8) Masimba api ezvamatongerwe enyika amazuva ano anozadzika uprofita huri pana Zvakazarurwa 13:11 uye 17:11? (9) Zviitiko zvipi muvhidhiyo yacho zvinoratidza chokwadi chaMuparidzi 8:9? (10) Kuratidzwa uku kwasimbisa sei kutenda kwaunoita zvipikirwa zveBhaibheri zvenguva yemberi? (11) Ungashandisa sei chishandiso ichi kuita kuti vamwe vabvume kuti Bhaibheri rinobva kuna Mwari?