Kuwedzera Kuda Vhidhiyo Inonzi The Bible—Mankind’s Oldest Modern Book
Mibvunzo inotevera inosimbisa pfungwa dzaungadai wakacherechedza pawaiona vhidhiyo iyi: (1) Zvinhui zvinoratidza kuti Bhaibheri haringaenzaniswi? (2) Ipa muenzaniso wokuwirirana kungaita Bhaibheri nesayenzi yemazuva ano, kunyange zvaro riri rekare. (3) Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti Bhaibheri remazuva ano harina kuchinja kubva pazvinyorwa zvepakuvamba? (4) Chii chakatanhamara mumanyorerwo emanyoro eBhaibheri ekare, uye izvi zvinokupa chivimboi? (5) Munzirai umo John Wycliffe, Johannes Gutenberg, William Tyndale, Mary Jones, naCharles Taze Russell vakabatsira kuparadzirwa kweShoko raMwari pasi pose? (6) Chechi yakashora sei Bhaibheri zvinotyisa, asi chii chakariita kuti rirambe riripo kusvika muzuva redu? (7) Sangano raJehovha rashandura uye rabudisa maBhaibheri zvakadii? (8) Zano rinoshanda reBhaibheri rabatsira sei vanhu kubata nezvinetso zvokubhejera zvakakomba (1 Tim. 6:9, 10), kuparadzana uye kusavimbika kwevakaroorana (1 VaK. 13:4, 5; VaEf. 5:28-33), uye kubatikana mukutsvaka pfuma yokunyama (Mat. 16:26)? (9) Uchapupui huripo hwokuti kushandisa nheyo dzeMagwaro kungakurira ruvengo rwourudzi, madzinza, uye rusarura ganda munyika? (10) Kudzidza zviri muBhaibheri kwakakupa mufaro mukuru munzirai? (11) Ndivanaani vaunofunga kuti vangabatsirwa nevhidhiyo iyi, uye ungairatidza sei kwavari?