RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/01 p. 8
  • Batsira Vamwe Kupinda Misangano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Batsira Vamwe Kupinda Misangano
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rinotsigira Zita Redu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 3/01 p. 8

Batsira Vamwe Kupinda Misangano

1 “Shamwari dzipi nedzipi dzomunharaunda . . . dzinoda kupinda misangano dzinokokwa noushamwari kuti dzidaro.” Kubvira pakabuda chiziviso ichi mumagazini yeZion’s Watch Tower yaNovember 1880, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichikoka vanhu nomwoyo wose kuti vaungane pamwe chete nokuda kwomurayiridzo weBhaibheri. (Zvak. 22:17) Ichi ndechimwe chezvinhu zvinokosha zvokunamata kwechokwadi.

2 Zvinokosha Kupinda: Tinokomborerwa patinosonganirana neungano. Tinozivana zviri nani naMwari wedu anoshamisa, Jehovha. Muungano, tinoungana kuti ti“dzidzisw[e] naJehovha.” (Isa. 54:13) Sangano rake rinoronga purogiramu inopfuurira yomurayiridzo weBhaibheri unotiswededza pedyo naye nokutibatsira zvinoshanda mukushandisa “zvose zvinodiwa zvaMwari.” (Mab. 20:27; Ruka 12:42) Misangano inorovedza munhu mumwe nomumwe unyanzvi hwokudzidzisa Shoko raMwari. Zviyeuchidzo zvomuMagwaro zvinotibatsira kuti tive noukama hunobudirira nevamwe uye naJehovha pachake. Kusonganirana nevaya vanoda Mwari kunosimbisa kutenda kwedu.—VaR. 1:11, 12.

3 Koka Zvakananga: Kubva pachidzidzo chokutanga, koka mudzidzi wose weBhaibheri kumisangano. Mupe hendibhiri. Ita kuti afarire nokumutaurira pfungwa yakakukurudzira pamusangano wapfuura uye nokukurukura chimwe chinhu chichakurukurwa pamusangano unotevera. Rondedzera zvakaita Horo yoUmambo, uye iva nechokwadi chokuti anoziva mawanire aanoiita.

4 Kana mudzidzi akasapinda pakarepo, ramba uchimukoka. Tora maminiti mashomanana vhiki yoga yoga okumuratidza mashandire anoita sangano redu. Shandisa bhurocha rinonzi Zvinoita Kuda kwaMwari uye vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name kuti ajairane nesu uye nemisangano yedu. Uya nevamwe vaparidzi kuti mudzidzi azivane navo. Mumunyengetero, onga Jehovha nokuda kwesangano uye taura kuti mudzidzi wacho anofanira kusonganirana naro.

5 Usazengurira kubatsira vatsva vanofarira kuti vaungane nesu. Sezvo kunzwisisa kwavanoita Jehovha kunokura, vachakurudzirwa kushandisa zvavanodzidza uye kuva vamwe vesangano raMwari rakabatana.—1 VaK. 14:25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe