RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/97 pp. 3-4
  • Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rinotsigira Zita Redu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rinotsigira Zita Redu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Chikamu 8—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Batsira Vamwe Kupinda Misangano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 1
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 5/97 pp. 3-4

Kutungamirira Vadzidzi Kusangano Rinotsigira Zita Redu

1 “Ishoko rinotaurwa mumitauro inopfuura 200. Ishoko rinonzwiwa munyika dzinopfuura 210. Ishoko rinopiwa nomunhu oga kwose uko vanhu vangawanwa. Rose rutivi rwenhimbe hurusa yekuparidza iyo nyika yakamboziva, shoko rinobatanidza mamiriyoni mupasi rose. Zvapupu zvaJehovha zvave zvakarongwa kuita iri basa kwemakore anopfuura zana!”

2 Inovamba ichidaro rondedzero yevhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Inopfuurira kupindura mibvunzo yokuti: Ndivanaani chaizvoizvo vari Zvapupu zvaJehovha? Mubato wazvo unorongwa sei? Unotungamirirwa sei? Unowanirwa mari sei? Inoroverera pavaoni idi rokuti “Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvakarovedzwa sesangano kubatira vavakidzani vazvo kuvaka kutenda muBhaibheri,” uye inovakurudzira kuzvionera sangano rinotsigira zita redu. Pashure pekuona iyi vhidhiyo, mumwe mukadzi akanga achifunda akachema misodzi yemufaro nokuonga uye akati: “Munhu upi noupi anogona sei kusaona kuti iri ndiro sangano raMwari wechokwadi, Jehovha?”—Enzanisa na1 VaKorinte 14:24, 25.

3 Mumwe mukadzi akafunda Bhaibheri achimborega kwenguva yakareba, asi akanga asingagoni kubvuma idi rokuti Utatu idzidziso yenhema. Ipapo iye nemurume wake vakaratidzwa vhidhiyo yedu. Vakaororwa zvikuru nokuratidzwa kwacho uye vakaiona kaviri usiku humwe chetehwo. Pafundo yavo yakatevera, mudzimai wacho akataura chishuvo chake chokuva Chapupu. Akataura kuti akanga ave achipa ngwariro pachitendero chake muUtatu uye akakundikana kutarira pasangano redu nevanhu vari mariri. Kubva muvhidhiyo yacho akaziva kuti akanga awana sangano rechokwadi raMwari. Akanga achida kutanga kuparidza paimba neimba pakarepo. Pashure pokunge atsanangurirwa akanga ari matanho ari madikanwa okuita nokuda kwekuva muparidzi asina kubhabhatidzwa, akati: “Ngatizviitei.” Akabva muchechi yake, akatanga mubato webasa remumunda, uye akava ane unyanzvi pakubvumikisa Utatu kuva hwenhema.

4 Kwakasanobvumikiswa kuti vadzidzi veBhaibheri vanoita fambiro mberi iri nani uye vanokura mumudzimu nokukurumidza zvikuru apo vanoziva sangano raJehovha ndokusonganirana naro. Nenzira inokosha, pashure pokunge 3 000 vabhabhatidzwa paPentekosta, “vakapfuurira kuzvipa kukudzidzisa kwavaapostora uye kusonganirana pamwe chete.” (Mabasa 2:42, NW, mashoko emuzasi) Kunokosha kuti tibetsere vadzidzi kuita zvimwe chetezvo nhasi. Tinogona sei kudaro?

5 Ita Basa Rako: Muiti wemudzidzi ari wose anofanira kuziva kuti ibasa rake kutungamirira mudzidzi weBhaibheri kusangano raMwari. (1 Tim. 4:16) Rusando rwefundo rumwe norumwe runofanira kurangarirwa senhanho yekuenda kuzuva rinofadza apo mutsva acharatidzira tsauriro yake kuna Jehovha kupfurikidza norubhabhatidzo rwemumvura. Mumwe wemibvunzo yaachabvunzwa muhurukuro yerubhabhatidzo ndouyu: “Unonzwisisa here kuti tsauriro yako norubhabhatidzo zvinokuzivisa semumwe weZvapupu zvaJehovha mukusonganirana nesangano raMwari rinotungamirirwa nomudzimu?” Nokudaro, kunokosha kuti azive kuti haagoni kubatira Mwari pasina kusonganirana nokushingaira neungano yechokwadi yeChikristu.—Mat. 24:45-47; Joh. 6:68; 2 VaK. 5:20.

6 Pfuurira kudzidzisa mudzidzi pamusoro peungano yemunzvimbomo uye sangano remarudzi akawanda rinotsigira Zvapupu zvaJehovha. Ita izvozvi parusando rumwe norumwe rwefundo yeBhaibheri, uchivamba nerwekutanga. Kubva pakutanga chaipo, koka mudzidzi wacho kumisangano, uye ramba uchimukoka.—Zvak. 22:17.

7 Shandisa Zvishandiso Zvinogoverwa: Zvinyorwa zvedu zvakanakisisa zvekushandisa mukuitisa fundo dzeBhaibheri dzepamusha ibhurocha raMwari Anodei Kwatiri? uye bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Zvose zviri zviviri zvinosimbisa kudikanwa kwekusonganirana neungano. Mugumo wechidzidzo 5 mubhurocha raAnodei unoti: “Unofanira kuramba uchidzidza pamusoro paJehovha nokuteerera zvinodikanwa zvake. Kupinda misangano paHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha yomunzvimbomo kuchakubetsera kuita kudaro.” Bhuku raZivo rinokurudzira rakurudzirazve mudzidzi kusonganirana pamisangano. Ganhuro 5, ndima 22, inotambanudzira iyi kokero: “Zvapupu zvaJehovha . . . zvinokukurudzira noushamwari kugoverana nazvo mukunamata Mwari ‘nomudzimu nezvokwadi.’ (Joh. 4:24)” Ganhuro 12, ndima 16, rinoti: “Sezvaunopfuuridzira iyi fundo ndokukuita muitiro wako kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, kutenda kwako kuchasimbiswa zvinotova zvikuru.” Ganhuro 16, ndima 20, inoti: “Kuite muitiro wako kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha.” Inowedzera kuti: “Ikoku kuchakubetsera kunzwisisa uye ipapo kushandisa kuziva Mwari muupenyu hwako uye kuchakuunzira mufarwa. Kuva rutivi rwouhama hweChikristu hwenyika yose kuchakubetsera kuramba uri pedyo naJehovha.” Ganhuro 17 inokurukura zvakakwana mawanire anoita munhu chengeteko yechokwadi pakati pevanhu vaMwari. Sezvatinofunda nevamwe, ibasa redu kusimbisa izvi zvikamu zvemashoko.

8 Bhurocha raZvapupu zvaJehovha—Zvakabatana Mukuita Kuda kwaMwari Munyika Yose chishandiso chakaisvonaka chakabudisirwa kurovedzanisa vanhu vamwe navamwe nesangano rimwe bedzi rinooneka iro Jehovha ari kushandisa nhasi kuita kuda kwake. Mashoko ane udzame arinaro pamusoro peushumiri hwedu, misangano, uye sangano achakurudzira muravi kusonganirana nesu mukunamata Mwari. Kana fundo yeBhaibheri yangovambwa, kunorumbidzwa kuti tipe mudzidzi kopi yeiri bhurocha kuti arave oga. Hapana kudikanwa kwekuridzidza naye sezvanga zvichiitwa munguva yakapfuura.

9 Mavhidhiyo ayo Sosaiti yakabudisa zvishandiswa zvakaisvonaka zvekutungamirira vadzidzi kusangano rinotsigira zita redu. Kungava kwakanaka kana vangagona kuaona ose: (1) The New World Society in Action, kuhwirudzurwa kwefirimu ra1954 rakatapa mudzimu wakanaka, unoita zvakanaka, uye werudo uyo sangano raJehovha rinoshanda nawo; (2) United by Divine Teaching, inonzvera chinzwano chorugare chakaratidzwa pakokorodzano dzedu dzemarudzi akawanda muEastern Europe, South America, Africa, uye Asia; (3) To the Ends of the Earth, inoratidzira kupembererwa kwegore negore kwechi50 kweWatchtower Bible School of Gilead uye inoratidza pesvedzero iyo vafundisi vakava nayo pabasa rekuparidza munyika yose; (4) Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault, inotaura nhau inofadza yeushingi hweZvapupu zvaJehovha norukundo mukutarisana nokutambudzwa kwavo kweutsinye naHitler; uye, chokwadika, (5) Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name.

10 Gadza Vavariro Dzinofambira Mberi Nokuda Kwemisangano: Kunofanira kutsanangurwa kuvadzidzi kuti tinoda zvose zviri zviviri kudzidziswa kwemunhu oga mugadziriro yefundo yeBhaibheri yepamusha uye kurukurirano dzemukirasi dzinogoverwa pamisangano yeungano. (Joh. 6:45) Mutsva anofanira kufambira mberi zvakaenzana munzwisiso yake yezvose zviri zviviri Magwaro nesangano. Kuita izvozvo, hapana chinotsiva kupinda misangano. (VaH. 10:23-25) Tanga kukokera munhu wacho kumisangano yeungano pakarepo. Vamwe vachangobva kufarira vanotanga kupinda misangano kunyange vasati vava nefundo yeBhaibheri yepamusha yenguva dzose. Chokwadika, tinoda kugadza muenzaniso wakafanira isu timene kupfurikidza nokupinda nguva dzose.—Ruka 6:40; VaF. 3:17.

11 Goverana mashoko akakwana pamusoro pemisangano uye maitisirwe ayo kuitira kuti mudzidzi agonzwa akasununguka pakupinda musangano wake wekutanga. Sezvo vamwe vanhu vasingasununguki zvikuru pavanoenda kunzvimbo itsva kwenguva yekutanga, kungava kunobetsera kuperekedza mudzidzi wacho kuHoro yeUmambo apo anopinda musangano wake wekutanga. Achanzwa akasununguka zvikuru kana unaye sezvo anosangana nemitezo yeungano. Kupfuura zvose, iva mugamuchiri akanaka kumushanyi wako, uchimuita kuti anzwe achigamuchirwa uye akasununguka.—Mat. 7:12; VaF. 2:1-4.

12 Kurudzira mudzidzi kupinda gungano rezuva chairo, gungano redunhu, kana kuti kokorodzano yeruwa pamukana wekutanga. Zvichida unogona kumubatanidza mugadziriro dzako dzechokufambisa.

13 Roverera Kuonga Kwechokwadi: Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, peji 92, rinotsanangura kuti: “Kana kunzwisisa kwako umene kukuru sangano raJehovha kuchioneka mukurukurirano dzako navanhu vanofarira, kuchava nyore zvikuru kwavari kukura mukunzwisisa nokudaro kuchavakuchidzira kukuita fambiro mberi huru zvikuru mukuziva Jehovha.” Nguva dzose taura zvakanaka, usatongotaura zvakaipa, pamusoro peungano yako yemunzvimbomo. (Pis. 84:10; 133:1, 3b) Muminyengetero yaunopa pafundo yeBhaibheri, dudza ungano uye dikanwo yemudzidzi yekusonganirana nayo nguva dzose.—VaEf. 1:15-17.

14 Zvirokwazvo tinoda kuti vatsva vatange kuonga kwechokwadi ushamwari hunofadza nechengeteko yemudzimu zvinowanwa pakati pevanhu vaMwari. (1 Tim. 3:15; 1 Pet. 2:17; 5:9) SeZvapupu zvaJehovha, ngatiitei zvose zvatinogona kutungamirira vadzidzi veShoko raMwari kusangano rinotsigira zita redu.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

Vadzidzi vanoita fambiro mberi yemudzimu yekukurumidza zvikuru apo vanozvionera sangano

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]

Usanonoka kukoka vadzidzi kupinda misangano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe