Zvakasiyiwa Mupfungwa neVhidhiyo inonzi The Bible—Its Power in Your Life
Mukupindura mibvunzo inotevera, taura manzwiro aunoita nomwoyo wose maererano nemashoko ari muvhidhiyo iyi. (1a) Chii chakapa mamiriyoni evanhu simba rokuchinja upenyu hwavo kuti huve nani? (VaH. 4:12) (1b) Chii chinodiwa kuti simba iri ritange kushandiswa muupenyu hwomunhu? (2) Indima dzipi dzeBhaibheri dzakanzi dzinobatsira vakaroorana (a) kuvandudza kukurukurirana kwavo (b) kudzora hasha dzavo? (3) Maonere anoita maKristu kuroorana anochinja sei upenyu hwemhuri kuti huve nani? (VaEf. 5:28, 29) (4) Jehovha Mwari akapa sei muenzaniso wakakwana mukupa vana zvinhu zvitatu zvavanofanira kuwana, uye vabereki nhasi vangaita sei saizvozvi? (Mako 1:9-11) (5) Nei vabereki vachifanira kudzidzisa vana vavo pachavo Bhaibheri, uye chii chinoratidza kuti zvinofanira kuitwa nguva dzose? (Dheut. 6:6, 7) (6) Vabereki vangaita sei kuti chidzidzo chemhuri chifadze? (7) Kuwedzera kukudzidza Bhaibheri, chii chimwe icho Shoko raMwari rinoita kuti vabereki vawanise vana vavo? (8) Zano reBhaibheri rinobatsira sei mhuri kurarama nemari yavanenge vainayo? (9) Inheyo dzipi dzomuMagwaro dzinoderedza zvinetso zvoutano kana dzikashandiswa? (10) Nheyo dziri muShoko raMwari dzakachinja sei upenyu hwako pachako? (11) Nei kuona vhidhiyo ino kungakurudzira mumwe munhu waunoshanyira muushumiri kubvuma chidzidzo cheBhaibheri?