The Bible—Its Power in Your Life
Bhaibheri rabatsira mamiriyoni evanhu kuti vave nemararamiro akanaka. Ndezvipi zvimwe zvinotaurwa neBhaibheri zvokuti kana tikazvitevedzera zvinotibatsira kukurira matambudziko atinotarisana nawo? Zviri pachena kuti uchafara kuwana mhinduro yomubvunzo uyu kana ukaona chikamu chechipiri chinoti, The Bible—Its Power in Your Life chiri paDVD rinonzi The Bible—A Book of Fact and Prophecy. Pashure pokuona vhidhiyo iyi, ungakwanisa here kupindura mibvunzo inotevera?
(1) Sei Bhaibheri richinyanya kukosha kupfuura mamwe mabhuku anonakidza? (VaH. 4:12) (2) Kana Bhaibheri richigona kuita kuti vanhu vave noupenyu huri nani, sei vanhu vaine matambudziko akawanda? (3) Ndeupi musoro mukuru weBhaibheri? (4) Magwaro api ataurwa muvhidhiyo yacho anogona kubatsira vakaroorana (a) kunatsiridza matauriro avanoita uye (b) kudzora hasha dzavo? (5) Kuva nemaonero echiKristu panyaya yokuroorana kunobatsira sei kuti upenyu hwemhuri huve nani? (VaEf. 5:28, 29) (6) Jehovha akagadza muenzaniso upi wakanaka kuvabereki? (Mako 1:9-11) (7) Zvii zvingaitwa nevabereki kuti kudzidza kwemhuri kunakidze? (8) Kunze kwokungodzidza Bhaibheri, Shoko raMwari rinokurudzira vabereki kuti vape vana vavo chii? (9) Mazano ari muBhaibheri angabatsira sei mhuri kushandisa mari zvakanaka? (10) Mazano api anotaurwa muMagwaro okuti akashandiswa achabatsira kuderedza zvinetso zvoutano panyaya dzakadai serucheno, kushandisa zvisina kunaka zvinodhaka, uye kuzvidya mwoyo? (11) Ivimbiso dzipi dziri muBhaibheri dzinogona kutisimbisa? (Job. 33:25; Pis. 145:16) (12) Zvinodzidziswa muShoko raMwari zvakakubatsira sei muupenyu hwako? (13) Ungashandisa sei vhidhiyo iyi kubatsira vamwe?