RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/01 p. 8
  • Zviri Nyore Ndizvo Zvakanakisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviri Nyore Ndizvo Zvakanakisisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Ichibudirira, Ishandise!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Kushandisa Kwatingaita Mharidzo Dzomuenzaniso
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Ratidza Kuti Unonyatsofarira Vanhu—Nokugadzirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Nzira Yokugadzirira Nayo Mharidzo Dzemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 4/01 p. 8

Zviri Nyore Ndizvo Zvakanakisisa

1 Nei vaparidzi vaduku vachiwanzoteererwa nevavanoudza mashoko oUmambo? Chimwe chikonzero ndechokuti zvavanotaura zviri nyore. Vamwe vaparidzi vangafunga kuti, kuti upupurire zvinobudirira unofanira kutaura zvinonwisa mvura. Zvisinei, zvakaitika zvinoratidza kuti mharidzo iri nyore yakajeka ndiyo yakanakisisa.

2 Jesu akazivisa Umambo hwaMwari zvakapfava, zvakananga uye akadzidzisa vadzidzi vake kuita saizvozvo. (Mat. 4:17; 10:5-7; Ruka 10:1, 9) Akashandisa sumo, mibvunzo, uye mienzaniso zvisina kuoma kuita kuti vateereri vake vamunzwe uye avabaye mwoyo. (Joh. 4:7-14) Tingaita zvakanaka tikatevedzera muenzaniso wake tichipa mharidzo dziri nyore kunzwisisa.

3 “Mashoko akanaka oumambo” ndiwo atiri kufanira kuzivisa. (Mat. 24:14) Kushandisa Umambo senyaya yako huru kuchaita kuti mharidzo yako irambe iri nyore. Taura nezvezvinhu zvine chokuita nevateereri vako. Vakadzi vanonyanya kufarira nyaya dzine chokuita nemhuri yavo kupinda dzine chokuita nezvematongerwe enyika. Chinonyanya kufarirwa nababa ibasa ravo nokugara zvakanaka kwemhuri yavo. Vechiduku vanofarira ramangwana ravo; vakuru vanofarira utano huri nani uye kuva vakachengetedzwa. Vanhu vanowanzofarira zvinoitika munzvimbo mavanogara kupinda zvinoitika kune dzimwe nyika. Mushure mokunge wakurukura nyaya dzamunofarira mose, chiratidza zvikomborero zvichawanikwa nevanhu vanoteerera mukutonga kwoUmambo hwaMwari. Mashoko mashoma akapfava, akanyatsosarudzwa akabatanidzwa norugwaro anogona kuva nzira yakanakisisa yokuita kuti muteereri wako afarire.

4 Ungatanga kukurukura uchiti:

◼ “Pasina mubvunzo munobvuma kuti vanhu vari kutambudzwa nezvirwere zvakawanda zvisingarapiki. Asi maimboziva here kuti Mwari akavimbisa kuti ava kuda kubvisa zvirwere zvose, uyewo norufu?” Bvumira mhinduro, wozoverenga Zvakazarurwa 21:3, 4.

5 Batsira vanhu vakawanda mundima mako kudzidza nezvaJehovha netariro yokuva noupenyu husingaperi uchishandisa mharidzo dzakajeka uye dzakapfava kuti ubate pfungwa nemwoyo yavo.—Joh. 17:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe