Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu
Imwe tsanangudzo yeshoko rokuti kutya ndeyokuti “kuremekedza kukuru kunyanya kunoitirwa Mwari.” Izvi zvinotsanangura kutya kwakanaka kunotaurwa muMagwaro kuti “ndiko kutanga kwouchenjeri.” (Pis. 111:10) Zvakapesana neizvi, rumwe rudzi rwokutya rwakabata nyika yaSatani yakatipoteredza. Tinganzvenga sei kutya kusina kunaka kwakadaro nepo uku tichitya Jehovha noruremekedzo? Purogiramu itsva yegungano redunhu regore rebasa ra2002 inopindura mubvunzo uno. Musoro wacho unoti “Ityai Mwari Mumupe Mbiri.” (Zvak. 14:7) Tichanzwisisa nzira dzakawanda dzatinobatsirwa nadzo nokutya Jehovha isu pachedu.
Kunyange zvazvo kutya kuchigona kureva kunetseka kana kuti kushaya ushingi uye kuzengurira kutarisana nezvinonetsa, Bhaibheri rinoti: “Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha.” (Pis. 128:1) Purogiramu yegungano ichatiratidza kubudirira kwatingaita mukubata nezvinetso zvokunamata kwechokwadi. Tichaona nzira dzokubatsira nadzo vatsva kuti vatye Mwari zvakanaka, zvichavaita kuti vade zvikuru kumushumira nomwoyo wose, mweya, pfungwa nesimba. (Mako 12:30) Zuva rokutanga rinoguma nehurukuro yomutariri woruwa inoti “Ramba Uchiswedera Pedyo Nevaunoda.” Achatsanangura kuti tingaramba sei takangwarira mazano aDhiyabhorosi okuda kutibvisa kuna Jehovha, kumhuri dzedu, uye kuhama dzedu dzechiKristu.
“Itya Jehovha, Kwete Vanhu” ndiwo musoro wehurukuro ina dzokusiyirana zuva rechipiri. Dzichatsanangura kuti nei uye sei tichifanira kukunda kutya kupi nokupi kunotitadzisa kunyatsoita ushumiri hwedu kana kuramba takaperera uye tiine hana yakanaka kuchikoro uye kubasa. Hurukuro yavose inoti “Itya Mwari Uchengete Mirayiro Yake” inobva pazviitiko zvinotevedzana zvinotsanangurwa muna Zvakazarurwa chitsauko 14. Gungano redunhu richaguma nomurayiro wakanaka wokuti “Ramba Uchifamba Uchitya Jehovha.”
Chikoro chaMwari Choushumiri, Musangano Webasa womuenzaniso, hurukuro yorubhabhatidzo, uye kupfupiswa kweChidzidzo cheNharireyomurindi ndezvimwe zvinofadza zviri papurogiramu yacho. Koka vaunodzidza navo Bhaibheri kuti vauye kuzopinda newe. Vose vanoda kubhabhatidzwa vanofanira kuudza mutariri anotungamirira nokukurumidza sezvinobvira. Tose tichada kuratidza kutya kwakanaka kwatinoita Jehovha nokusapotsa hurukuro ipi neipi yepurogiramu yakaisvonaka iyi!