Kudzokorora Zvakaitika Kare Zviri Muvhidhiyo Inonzi The New World Society in Action
Sezvaunoona vhidhiyo yefirimu ra1954 iri, funga nezvemhinduro dzemibvunzo iyi: (1) Nei firimu iri rakabudiswa pakutanga, uye rakabatsirei? (2) Mabhuku api anobudiswa neZvapupu zvaJehovha, nokuda kwaani, uye nei? (3) Nhasi magazini yeNharireyomurindi inoparadzirwa zvakadini kana zvichienzaniswa nomuna 1954? (4) Mumakore mashoma apfuura, basa redu rokudhinda rakaitwa sei kuti rive sezvinoitwa mazuva ano? (5) Chii chinokuorora pakokorodzano yemarudzi akawanda yomuna 1953 yakaitirwa kuYankee Stadium? (6) Trailer City chaiva chii, uye chii chawakaona chinoorora pairi? (7) Chii chinoratidza kuti basa redu harisi renyika imwe, rudzi rumwe, kana kuti vanhu vamwe chete? (8) Munzira dzipi mawakaona kuti rudo runoratidzwa mumashandiro anoita sangano raJehovha? (Pis. 133:1) (9) Ndiani waunofunga kuti aizofara kuona uku kudzokororwa kwezvakaitika kare mumabasa esangano renyika itsva kuma1950?