Zvokushandisa Zvinodzidzisa, Zvinokurudzira, uye Zvinosimbisa
1 Zvine simba rokudzidzisa vanhu nezveBhaibheri uye Zvapupu zvaJehovha. Zvakakurudzira vakawanda kutsigira chokwadi zvakasimba. Zvakasimbisa kutenda uye kuonga kwavanhu vaMwari vakazvitsaurira. Zvii izvozvo? Mavhidhiyo anobudiswa nesangano raJehovha. Wakaaona here ose ari gumi? Rini? Unoashandisa here muushumiri hwako? Kubudiswa kwevhidhiyo yechi11, inonzi Our Whole Association of Brothers, kwakaziviswa pakokorodzano yoruwa. Wakaiodha here? Ungabatsirwa zvikuru sei nezvokushandisa zvinoshamisa izvi?
2 Nyaya yeNharireyomurindi yaJuly 1, 1999, inoti “Garai Muchidzidza Shoko raMwari Semhuri” yakakurudzira kutsaura “imwe nguva yefundo yenyu kuti muone chikamu cheimwe yevhidhiyo dzeSosaiti dzinorayiridza . . . mobva ma[ch]ikurukura.” Maererano nezano rakanaka iroro, vhidhiyo yakasiyana ichasimbiswa paMusangano Webasa mwedzi yose. Tinokurudzira munhu wose ari muungano kuti aone vhidhiyo yacho kumba painenge isati yakurukurwa paMusangano Webasa.
3 Mwedzi uno tinotanga nevhidhiyo yokutanga yatakabudisa, inonzi Jehovah’s Witnesses—The Organization Behind the Name. Ione uye teerera mhinduro dzemibvunzo iyi:
◼ Zvapupu zvaJehovha zvinonyanya kuzivikanwa nokuda kwechii?
◼ Zvinhu zvose zvinoitwa paBheteri zvine chokuita norugwaro rwupi?
◼ Chiitiko chipi chomuBhaibheri chawakaona chichiitwa, chichitorwa mapikicha, uye chichipendwa kuti chishandiswe mumabhuku?
◼ Chii chinokufadza nezvemagadzirirwe anoitwa mabhuku edu?
◼ Kubva muna 1920 kusvika muna 1990, mabhuku mangani akadhindwa neSosaiti?
◼ Ndivanaani zvikurukuru pavanhu vaMwari vanofanira kusvasvavirira kuti vakwanise kuita basa repaBheteri?—Zvir. 20:29.
◼ Mhuri yeBheteri inogadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kweZvapupu zvaJehovha zvose munzirai?
◼ Chii chinokufadza nezvebasa riri kuitwa paBheteri rokuita kuti vanhu vakawanda sevanobvira vaendeserwe mashoko akanaka?
◼ Basa repasi rose rinowanirwa sei mari?
◼ Ibasai ratingatsigira nokushingaira, uye nepfungwai?—Joh. 4:35; Mab. 1:8.
◼ Unonzwa sei pamusoro pesangano rine zita redu?
◼ Ungashandisa sei vhidhiyo iyi muushumiri?
Muna December tichaongorora vhidhiyo inonzi The Bible—Accurate History, Reliable Prophecy.