Chengeta Nhandaro iri Munzvimbo Yayo Yakafanira
1 Mumazuva ano akaoma, tose zvedu tinoda kupota tichichinja nzira yatinoita nayo zvinhu. Zvakanaka kuva nenguva yakati yenhandaro. Zvisinei, nguva yakawandisa inopedzerwa munhandaro, varaidzo, uye mukusonganira nevamwe ingaita kuti munhu apedzere nguva shomanana muzvinhu zvine chokuita nokunamata Mwari. Tinofanira kuchengeta nhandaro iri munzvimbo yayo yakafanira. (Mat. 5:3) Izvi zvingaitwa sei? Nokutevera zano rinowanikwa pana VaEfeso 5:15-17.
2 Ziva Pokugumira: Pauro akanyora kuti vaKristu vanofanira ku‘ramba vachinyatsongwarira’ kuti vanorarama nokuchenjera zvakadini. Kuva nomwero uye kuzvidzora zvinodiwa kuti nguva yokutandara igumire pakakodzera. Zvakanaka kufungisisa nzira yatinoshandisa nguva yatinenge tisina chatiri kuita. Nhandaro inofanira kuva nechinangwa chinobatsira pane kuita kuti tinzwe kuti tapambadza nguva yedu kana kuti itisiye taneta. Kana tikaramba tichinzwa tisingafari, tisingagutsikani, uyewo tichinzwa tiine mhaka pashure pokuita chimwe chinhu, izvi zvingaratidza kuti tinofanira kugadziridza mashandisire atinoita nguva yedu.
3 Nzwisisa: Pauro akapa zano roku“tengera nguva yakafanira” zvinhu zvinokosha zvikuru muupenyu, kwete kuva “mapenzi.” VaKristu vakazvitsaurira havangabvumiri upenyu hwavo kuva hwokungosharanganya. Kunyange zvazvo kuzorora nokutandara zvingatisimbaradzazve munyama, simba romudzimu rinobva musimba rinobata basa raMwari. (Isa. 40:29-31) Tinowana mudzimu wake kana tichiita mabasa echiKristu—kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano yeungano, kuita basa romumunda—kwete nokusharanganya.
4 Isa Zvinokosha Pakutanga: Pauro akarayira vaKristu kuti varambe va“chinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.” Jesu akadzidzisa kuti zviito zvedu zvinofanira kunangidzirwa paUmambo hwaMwari sechinhu chokutanga muupenyu hwedu. (Mat. 6:33) Zvinokosha kuti titange kuita zvinhu zvichatibvumira kurarama maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Jehovha. Pashure pacho, nguva yenhandaro inogona kuchengetwa iri munzvimbo yayo yakafanira. Kana izvozvo zvaitwa, ichava nomugumisiro wakanaka, uye ichatifadza kwazvo.—Mup. 5:12.