Shandisa Nguva Yako Nokuchenjera
1 Kuda kwatinoita kufadza Jehovha kunoita kuti tivakire upenyu hwedu pazvinhu zvine chokuita nokunamata. Shoko rake rinotirayira kuti ‘tirambe tichitanga kutsvaka umambo’ uye kuti ‘tive nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe.’ (Mat. 6:33; VaF. 1:10) Tingatenga sei nguva yezvinhu zvine chokuita noUmambo torega zvinhu zvisinganyanyi kukosha zviri munzvimbo yazvo?—VaEf. 5:15-17.
2 Isa Mabasa Ane Chokuita noUmambo Pakutanga: Ronga nguva yako zvokuti hauipedzeri pazvinhu zvisingakoshi. Vamwe vanotanga mwedzi mumwe nomumwe nokuronga nguva chaiyo youshumiri hwomumunda pakarenda ravo. Zvadaro vanongwaririra kuti zvimwe zvinhu zvisavhiringidza zvirongwa izvozvo. Izvozvo zvingaitwa pakutenga nguva yokupinda misangano, yokudzidza uri woga, uye yokupinda magungano. Vakawanda vane purogiramu yezuva nezuva inotanga kana kuti kuguma nokuverenga Bhaibheri. Ronga nguva chaiyo yechinhu chimwe nechimwe chinokosha, uye usarega zvimwe zvinhu zvichivhiringidza pasina chikonzero.—Mup. 3:1; 1 VaK. 14:40.
3 Usanyanya Kushandisa Nyika: Kune dzimwe nyika, mitambo, varaidzo, nhandaro, zvaunofarira kuita, uye zvimwe zvinhu zvinowanika nyore. Vakawanda vanopedza nguva zhinji vachiona terevhizheni kana kuti vari pamakombiyuta. Zvisinei, kupedzera nguva muzvinhu zvokuzvivaraidza nazvo uye zvinhu zvitsva zvinowanika munyika ino kunozopedzisira kwaita kuti tiore mwoyo. (1 Joh. 2:15-17) Saka, Magwaro anotikurudzira kuti tisashandisa nyika zvakazara. (1 VaK. 7:31) Kana ukateerera zano iroro rokuchenjera, unogona kuratidza Jehovha kuti kumunamata kuri panzvimbo yokutanga muupenyu hwako.—Mat. 6:19-21.
4 Nguva yasarira mamiriro ezvinhu epanguva ino yava shoma. Vaya vanoisa zvinhu zvine chokuita noUmambo pakutanga vachafara uye vachafarirwa naMwari. (Zvir. 8:32-35; Jak. 1:25) Saka, ngatishandisei nokuchenjera iyi pfuma inokosha, nguva yedu.