Chipingamupinyi Chokuparidza Here?
1 Vanhu vakawanda vanorarama upenyu hwakabatikana. Zvapupu zvaJehovha zviri pakati pevanhu vakabatikana zvikuru—kudzidza Shoko raMwari, kupinda misangano yeungano, uye kuita basa romumunda. Uyezve, takabatikana mumabasa okunyika, epamba kana okuchikoro, uye mamwe mabasa akawanda, ose anoda nguva. Izvi zvinonyanya kuomera misoro yemhuri.
2 Nokuda kwemamiriro ezvemari asina kunaka munzvimbo dzakasiyana-siyana, vaya vari misoro yemhuri vangafanira kushanda nguva yakareba uye zvakaoma kuti vawane chokurarama nacho. Apo mabasa anoda nguva yakawanda anodya nguva yavo zhinji uye simba rakawanda, vanosarirwa neshomanana yokuti vaite basa rokuparidza. Sezvo vaine mutoro wokugovera mhuri dzavo zvokunyama, vamwe vangafunga kuti vangangoita havo ushumiri zvishomanana. (1 Tim. 5:8) Hatingarambi kuti nhasi kune mitoro yakawanda yakabatana nezvinodiwa muupenyu. Asi basa romunhu rokunyika harifaniri kuva chipingamupinyi pakuparidza mashoko akanaka. (Mako 13:10) Saka, tinoita zvakanaka kuongorora mamiriro edu ezvinhu chaiwo.
3 Nemhaka yokuti mamiriro ezvinhu enyika ari kuramba achichinja, musoro wemhuri unganzwa uchida kupedzera nguva yakawandisa pabasa, uine chinangwa chokuunganidza mari nokuda kwenjodzi dzisingatarisirwi. (1 VaK. 7:31) Nepo basa rokunyika rakawedzerwa ringaita serinogovera zvinhu zvokunyama zvakawanda kana kuti mimwezve mikana yenhandaro nevaraidzo, izvi zvichaita kuti mhuri ifare zvikuru uye igutsikane zvikuru here kana pakashandiswa nguva yaifanira kuitwa zvinhu zvokunamata nokupinda misangano nguva dzose kuita izvozvo? Chaizvoizvo tingasada kuita chero chipi chingakanganisa kunamata kwedu. Kuteerera zano raJesu roku‘zviunganidzira pfuma kudenga’ uye ro“kupfuma kuna Mwari” ndiyo nzira yokuchenjera.—Mat. 6:19-21; Ruka 12:15-21.
4 Tanga Kutsvaka Zvinhu zvoUmambo: Jesu akadzidzisa vateveri vake kuisa zvinhu zvokunamata mberi kwezvimwe zvose. Akavakurudzira achiti: “Musambofunganya muchiti: ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’” Nei akadaro? Akatsanangura achiti: “Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.” Kana tichinyatsobvuma izvozvo, hapana chipingamupinyi chichatidzivisa kuita zvakatevera kutaurwa naJesu zvokuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose [zvokunyama zvamunoda] zvichawedzerwa kwamuri.” Mwari achaona kuti tazviwana! (Mat. 6:31-33) Zvechokwadi ino haisi nguva yokutsauswa nokufunganya kwakanyanyisa maererano nokuwana zvokurarama nazvo kana kuti nechido chokugara zvakanaka munyika ichapfuura munguva pfupi iri kutevera.—1 Pet. 5:7; 1 Joh. 2:15-17.
5 Chinangwa chikuru chebasa rokunyika ndechokuti munhu awane zvinhu zvokunyama zvaanoda. Asi tinoda zvakawanda zvakadini? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” Tiri kuedza kuwana zvinopfuura izvozvo here? Kana tiri kudaro, tingave tiri kukohwa migumisiro iyo Pauro akanyevera nezvayo paakati: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” (1 Tim. 6:8, 9; Mat. 6:24; Ruka 14:33) Tingaziva sei kana tiri kupinganidzwa nokuchiva kwakanyanyisa?
6 Kana tichingoshanda zvishomanana mubasa romumunda kana kuti tichitadza kuona kudiwa kwokuti tirege zvimwe zvinhu nokuda kwemashoko akanaka nemhaka yokutsvaka zvinhu zvokunyika, ipapo tinofanira kugadziridza zvatinoisa pakutanga. (VaH. 13:15, 16) Mararamiro ane mwero zvikuru achabatsira kwazvo kubvisa chipingamupinyi ichi chebasa redu rokuparidza. Zvinhu zvoUmambo zvinofanira kuva panzvimbo yokutanga nguva dzose kana totaura nezvokushandisa nguva uye simba redu.
7 Harisi Basa Pasina: Mashoko aPauro anotikurudzira kuti nguva dzose tive “nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, [ti]chiziva kuti basa re[d]u harisi pasina munaShe.” (1 VaK. 15:58) Chikuru mu“basa raShe” ibasa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Kuti tishande zvakazara sezvatingakwanisa, tinofanira kuronga nguva yebasa romumunda vhiki yoga yoga toedza kusashandisa nguva iyoyo kutsvaka zvimwe zvinhu zvipi nezvipi. (VaEf. 5:15-17) Ipapo, basa rokunyika kana kuti chimwe chinhu chipi nechipi hachizovi chipingamupinyi kuushumiri hwedu.
8 Patinozvipira kuudza vamwe chokwadi cheBhaibheri, tinowana mufaro mukuru unobva mukupa. (Mab. 20:35) Nokuita basa rokuparidza Umambo, tinogona kutarira mberi nechivimbo, “nokuti Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa re[d]u norudo rwa[t]akaratidza nokuda kwezita rake.”—VaH. 6:10.