RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/01 p. 8
  • Unonyatsodya Mumudzimu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unonyatsodya Mumudzimu Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Unodya Zvakanaka Mumudzimu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Ndingaita Sei Kuti Ndidye Zvekudya Zvinovaka Muviri?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Uri Kuwana ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’ Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Zvokudya Zvakakwana Nokuda Kwavose!
    Mukai!—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 10/01 p. 8

Unonyatsodya Mumudzimu Here?

1 Pane chirevo chechiRungu chinoti ‘utano hwedu hunoenderana nezvatinodya.’ Chokwadi, simba redu romuviri uye utano hwedu zvine chokuita nemadyiro edu. Sezvo Jesu akati: “Munhu anofanira kurarama, kwete nechingwa choga, asi nokutaura kwose kunobuda mumuromo maJehovha,” madyiro atinoita zvokudya zvomudzimu anogonawo kutiita vanhu vari nani kana kuti vakaipisisa. (Mat. 4:4) Naizvozvo, unonyatsodya zvakadini mumudzimu? Unosarudza-sarudza zvaunodya here? Unodya uchingomhanya-mhanya here? Kana kuti unofarira kuzvipa nguva yokudya zvokudya zvenguva dzose, zvakanaka, uye zvinovaka mumudzimu here?

2 Ongorora Madyiro Ako: Jehovha anogovera “zvokudya . . . panguva yakafanira” uye “mutambo wezvakakora,” achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45; Isa. 25:6) Kuti tibatsirwe zvizere nezvinhu zvaanogovera izvi nenzira yorudo, tinofanira kushingaira kunyatsodya mumudzimu.

3 Ungazvibvunza kuti: ‘Ndinoverenga rugwaro rwezuva netsanangudzo dzarwo zuva rimwe nerimwe here? Zuva nezuva ndinoverenga Bhaibheri ndokufungisisa zvandinoverenga here? Ndinogadzirira misangano yeungano nokufanodzidza zvichakurukurwa here? Ndakaverenga mabhuku edu achangobuda, kusanganisira mabhuku aUprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose ose ari maviri here?’

4 Jesu akapikira kuti: “Vanofara avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu . . . Vanofara avo vane nzara nenyota yekururama, sezvo vachagutiswa.” (Mat. 5:3, 6) Saka nyatsodya mumudzimu kuburikidza nokuzadza pfungwa dzako uye mwoyo nezivo yaMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe