RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g95 11/8 p. 32
  • Zvokudya Zvakakwana Nokuda Kwavose!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokudya Zvakakwana Nokuda Kwavose!
  • Mukai!—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokudya Zvakawanda Nokuda Kwavose
  • Unodya Zvakanaka Mumudzimu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Bhaibheri Rinoti Chii Nezvekushomeka Kwezvekudya?
    Dzimwe Nyaya
  • Kuchava Nezvokudya Zvisingakuvadzi Zvomunhu Wose
    Mukai!—2002
  • “Nhamo Yakanyarara” Yava Kuzopera!
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1995
g95 11/8 p. 32

Zvokudya Zvakakwana Nokuda Kwavose!

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUBRAZIL

KUNOBVIRA kufarikanya zvokudya zvakawanda, zvakaisvonaka asi ndokungova asingafari. Kuti uve nomufarwa wechokwadi newokusingagumi, chimwe chinhuzve chinodikanwa—zvokudya zvomudzimu. Jesu akati: “Munhu haangararami nechingwa bedzi, asi namashoko ose anobuda mumuromo waMwari.”—Mateo 4:4.

Pane rumwe rutivi, kuramba Shoko raMwari kunotungamirira kunzara yomudzimu, sezvakafanotaurwa pana Amosi 8:11, kuti: “Ndichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.” Zvisinei, kushaya zvokudya zvomudzimu zvinovaka muviri kunogona kudziviswa. Jesu akazivisa, kuti: “Vakaropafadzwa varombo pamweya . . . Vakaropafadzwa vane nzara nenyota yokururama; nokuti vachagutiswa kwazvo.” (Mateo 5:3, 6) Sezvo zvokudya zvinovaka muviri zvakawanda zvakarurama zvichigutsa muviri wedu, zvokudya zvomudzimu zvakanaka zvinosimbisa kutenda kwedu netariro yedu nokuda kwenguva yemberi. Inyika yorudzii yatinogona kukarira?

Zvokudya Zvakawanda Nokuda Kwavose

Fungidzira nyika ine zvokudya zvakawanda zvinonaka uye zvakanaka. Nyika isina hondo, ngwavaira, kana kuti majambwa ayo anoparira kuziya nenzara kana kuti kushaya zvokudya zvinovaka muviri, izvo zvinonetesa kana kuti kusuruvarisa vanhu. Kuchave kusisinazve vanhu vasina misha kana kuti vasingashandi vanotsamira pakuparadzirwa kwemuto kana kuti migove, uyewo mitengo yezvokudya inokwira haisati ichizomanikidzira vanhu kudya chinhu chipi nechipiwo zvacho kuti vazadze dumbu. “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Pisarema 72:16) Asi ikoku kuchaitika sei? Ndiani achapedza chinetso chokushaya zvokudya zvinovaka muviri?

Musiki wedu achapa ngwariro yorudo kuzvinodikanwa zvomunhu nokuda kwezvokudya zvakakwana. Kunyange mamiriro okunze epasi achava achidzorwa, nokudaro kuchivimbisa kuti kuchava kusichinazve kundikano dzipi nedzipi dzezvirimwa. “Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.” (Pisarema 85:12) Zvakare, kunyange zvazvo pasi richigona kubereka zvokudya zvakakwana, Umambo hwaMwari bedzi huchagumisa makaro noudzvinyiriri, izvo zvinotungamirira kukuparadzirwa kwezvokudya kusina kukwana, kushaya zvokudya zvinovaka muviri, uye nhamo.

Hungu, hurumende yokudenga yaJehovha ichava nechokwadi chokuti gadziriro dzipi nedzipi dzourimi nedzokutakurisa dzinowanika dzichagovera zvokudya zvakanaka uko zvinodiwa. Utarisiri hwoUmambo hahusati huchizopfumisa vashoma ndokusiya voruzhinji kuti vawane zvokurarama nazvo nenzira yakaoma zvikuru. Panzvimbo pokupera mwoyo nokushaya tariro, zvikomborero zvoUmambo zvichaunza mufaro unoratidzirwa mumadyo makuru ezvinhu zvakanaka akafanotaurwa pana Isaya 25:6, kuti: “Pagomo iri Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo.”

Zvino, isa muchiono mararamiro anhasi okukwikwidzana, okudzvinyirira, outsinye achisipo nokusingaperi. Hapana anozodya zvisina kukwana kana kuti kurwara. Naizvozvo, kana uchida chaizvoizvo kufarikanya upenyu munyika itsva iyeyo, teerera mashoko aJesu, okuti: “Musabatira zvokudya zvinopera, asi zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi.”—Johane 6:27.

Zvapupu zvaJehovha isangano renyika yose ravanopfuura vadzidzi veBhaibheri vana mamiriyoni mana avo vakazvipira kubetsera vanhu kudzidza zvakawanda pamusoro pezvinangwa zvaMwari. Kana uchida kuva namamwe mashoko kana kuti fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe