RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/01 pp. 5-6
  • Kudziridza Masimba Ako Okunzwisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudziridza Masimba Ako Okunzwisisa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Pwere—Rovedzai Masimba Enyu Okunzwisisa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Unogona “Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ramba Uchirovedza Simba Rako Rokunzwisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 11/01 pp. 5-6

Kudziridza Masimba Ako Okunzwisisa

1 Zvino tinozviwana tiri mumazuva okupedzisira anorwadza, akaunza matambudziko akawedzerwa nemiedzo yakakomba yemhando dzakawanda pavanhu vaMwari kwose kwose. (2 Tim. 3:1-5) Tose zvedu tinoda kukurudzirwa kuti timire takasimba mukutenda. (1 VaK. 16:13) Tinogona kuzviita tichibatsirwa naJehovha sezvatinoramba tichidya nguva dzose paShoko rake, tichivimba nomudzimu wake, uye tichiramba tiri pedyo nesangano rake.—Pis. 37:28; VaR. 8:38, 39; Zvak. 2:10.

2 Nechikonzero chakanaka, musoro waiti “Ivai Vakuru Zvakakwana Mumasimba Okunzwisisa” wakakurukurwa mupurogiramu yezuva regungano chairo regore rapera. Waibva pana 1 VaKorinde 14:20, patinoverenga mashoko omuapostora Pauro anoti: “Hama, musave vana vaduku mumasimba okunzwisisa, asi ivai vacheche pakureva nezveuipi; asi ivai vakuru zvakakwana mumasimba okunzwisisa.” Wakafungei nezvepurogiramu yacho?

3 “Yaizokurudzira!” “Izvi ndizvo zvataida chaizvo!” Izvi ndizvo zvakataurwa nevaviri vakabvunzwa. Kunyange mumwe asiri Chapupu akauya kuzuva regungano chairo kuzoona mwanasikana wake ane makore 12 achibhabhatidzwa, akataura kuti akafadzwa zvikuru nepurogiramu yacho uye kuti akaona kubatsira kwayaigona kuita mhuri yake. Ndiwo mafungiro aunoita here? Ngatikurukurei dzimwe pfungwa huru dzepurogiramu yacho.

4 Zivo Yakarurama Inokosha Pakukudziridza Masimba Okunzwisisa: Muhurukuro yokutanga yaiti, “Kudziridza Masimba Ako Okunzwisisa Iye Zvino,” mukurukuri akasimbisa kuti chii chinodiwa kukurira zvinetso zvanhasi? Tinoda zvinopfuura mano okufunga. Tinofanira kukudziridza ndokudzamisa masimba edu okunzwisisa Bhaibheri, kutyira kuti tingakurirwa nouipi hwose hwatinogara tichisangana nahwo. Kunzwisisa uku kunoda nhungamiro yaMwari. Somunyori wepisarema, tinofanira kukumbira Jehovha mumunyengetero kuti aite kuti tinzwisise mitemo yake nezviyeuchidzo kuitira kuti timushumire nomwoyo wose.—Pis. 119:1, 2, 34.

5 Muhurukuro yakatevera, mutariri wedunhu akaratidza kuti Jehovha anotipa “Zvinoyamura Kuti Tive Vakakura Zvakakwana Mukunzwisisa Bhaibheri,” kuburikidza neShoko rake uye sangano. Kunzwisisa kwakarondedzerwa so“kukwanisa kuona nhau ndokunzwisisa zvayakaita nokuziva kubatana kwakaita mativi ayo nomutumbi, nokudaro ndokuwana zvainoreva.” Ndiani angatiyamura kukudziridza mano aya? Jehovha akapa zvipo zviri varume kuti zvitibatsire kufambira mberi mumudzimu. (VaEf. 4:11, 12) Sangano rake repasi rinotikurudzira kuverenga Shoko raMwari zuva nezuva uye kupinda misangano yose yeungano nguva dzose. (Pis. 1:2) Tinodzidziswa mashandisiro atingaita Bhaibheri uye mabhuku edu echiKristu patinodzidza tiri toga uye tiri mhuri uyewo pakugadzirira misangano uye basa romumunda. Wave uchishandisa zvose izvi here? Uri kutevera purogiramu yenguva dzose yokuverenga Bhaibheri uri woga here? Izvi zvinokosha kana tichizodzivirirwa pakubatwa nemafungiro, miitiro yenguva duku, uzivi, uye zvinonyengera zvenyika.—VaK. 2:6-8.

6 Masimba Edu Okunzwisisa Anofanira Kurovedzwa: Muhurukuro yake yokutanga yaiti “Dzivirira Kukura Kwako Mumudzimu Nokurovedza Masimba Ako Okunzwisisa,” mukurukuri aishanya akatsanangura kuti vaya vari kunyika havagoni kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa. (Isa. 5:20, 21) Izvi zvinokonzerwa nokuramba kwavanoita kubvuma ndokuita zvinodiwa naMwari zvakarurama. Kusiyana neizvi, isu takarovedzwa mumudzimu musangano raJehovha tinoziva zvinodiwa naMwari, izvo zvinobatsira kutitungamirira mumabasa edu nomufambiro. Saka tinokwanisa kuziva chakanaka uye chinogamuchirika mumaziso aJehovha uye icho chinoenderana nokuda kwake kwakakwana.—VaR. 12:2.

7 Kuti titambire kure nokufunga kwenyika kwakavhiringika nezvibereko zvakaipa zvinoguma zvavapo, tinofanira kuramba tichirovedza masimba edu okunzwisisa. Izvi zvinoitwa sei? Sezvakanyorwa pana VaHebheru 5:12-14, muapostora Pauro akasimbisa kudiwa kwokudya zvinopfuura “mukaka” weshoko chete. Tinoda zvokudya zvomudzimu zvikukutu, zvakaita sezvatiri kuwana pakudzidza uprofita hwaIsaya paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Ipapo tinofanira kuda zvikuru kushandisa zvatinodzidza muupenyu hwedu. Patinoita izvozvo, tinogutsikana nokururama kwenheyo uye zvinodiwa naJehovha. Izvi zvinorovedza masimba edu okunzwisisa kunyatsosiyanisa zvose zviri zviviri zvakanaka nezvakaipa.

8 Zvinosuruvarisa kuti vamwe vakaderera mumudzimu. Nei? Havana kuisa pfungwa dzavo pane zvakanaka nezvakarurama mumaziso aJehovha. Somugumisiro, vakakundwa nokuda kuteerera zvinotaurwa paredhiyo neterevhizheni zvine zvinhu zvinorwisana neMagwaro, nziyo dzinoshatisa, kana kuti pesvedzero dzakaipa dzinobudiswa pakukurukurirana nemakombiyuta. Tikaita nokuchenjera, hatizochinjwi nevanhu vane unzenza, mapenzi, kana kuti vakaipa.—Zvir. 13:20; VaG. 5:7; 1 Tim. 6:20, 21.

9 Pwere Dzinofanira Kuva “Vacheche Pakureva Nezveuipi”: Purogiramu yacho yaiva nehurukuro mbiri dzainyatsokurudzira vechiduku kukudziridza masimba avo okunzwisisa. Vakurukuri vacho vakaratidza kuti kuva “vacheche pakureva nezveuipi” kunoreva kuramba usina zivo yezvinhu zvenyika, kureva kuti usina mhaka sevacheche, maererano nezvinhu zvisina kuchena mukuona kwaJehovha. (1 VaK. 14:20) Tose zvedu takakurudzirwa kuramba tichinyatsongwarira mashandisiro atinoita nguva yedu kuti tidzivise kubatanidzwa mumiitiro yose yakaipa ndokurega kusvibiswa nayo. (VaEf. 5:15-17) Takakurudzirwa kuverenga kuti inguva yakawanda zvakadini yatinopedzera tichiverenga zvinhu zvisingatibatsiri zvakananga pakukura kwedu mukunzwisisa zvinhu zvomudzimu. Wakaita izvozvo here? Zvakaratidzei? Mukuwedzera kuverenga Bhaibheri zuva nezuva, iva akatsunga kuramba uchiverenga mabhuku atinogoverwa nesangano. Kuita izvi kuchatibatsira tose, kusanganisira vechiduku, ‘kuwana kunzwisisa.’—Zvir. 4:7-9.

10 “Batsirwa Nokushandisa Nheyo dzeBhaibheri Nokunzwisisa”: Ndiwo waiva musoro wehurukuro yokugumisa yepurogiramu yezuva regungano chairo. Mukurukuri aishanya akatsanangura kuti kunzwisisa kunopa upenyu kunobva kuna Jehovha, uko kwakakura zvikuru kupfuura kwevanhu vose. Chimbofungidzira kuva nomukana wokuwana kunzwisisa kwaJehovha! Anopa nenzira yomutsa vaya vanokutsvaka nomwoyo wose uye vanokukumbira mukutenda. (Zvir. 2:3-5, 9; 28:5) Uri kushandisa zvakazara zvaanopa here?

11 Takakurudzirwa kudzidza kuziva nheyo patinoverenga Bhaibheri. (2 Tim. 3:16, 17) Nyatsodzidzidza kuti uwane kunzwisisa kwakarurama kwezviri kutaurwa naJehovha. Zvipe nguva yokufungisisa nheyo idzi wodziroverera mupfungwa nomumwoyo mako. Izvi zvicharovedza masimba ako okunzwisisa zvokuti unogona kubudirira pakuita zvisarudzo muupenyu. (Josh. 1:8) Ngationei mamiriro ezvinhu mashomanana anotarisana nevakawanda toona kuti kushandisa nheyo dzeBhaibheri kungatibatsira zvakadini kuti tibudirire.

12 ‘Ndinofanira kuva nechimwe chitayera chomupfekero nokutsvinda here?’ Mafungiro enyika emafashoni ezvokupfeka nokutsvinda kakawanda anoratidza kupandukira. Mafungiro akadaro anoita kuti vanhu vapfeke zvouyanga uye zvisingayevedzi kana kuti varatidze kuti varume kana kuti vakadzi vakanaka. Inheyo dzeBhaibheri dzipi dzakakodzera dzichatibatsira kukurira mafungiro akadaro? Tarovedza masimba edu okunzwisisa, tichafungisisa nheyo iri pana 1 Timoti 2:9, 10, yokupfeka zvine “mwero nokunaka kwepfungwa . . . , nenzira inokodzera [vanhu] vanoti vanotya Mwari.” Dzimwe nheyo dzinoshanda dzinosanganisira dziya dzakataurwa pana 2 VaKorinde 6:3 naVaKorose 3:18, 20.

13 ‘Ndingaita sei kuti ndichengete zvisungo zvangu zvemhuri zvakasimba?’ Kukurukurirana kwakanaka pakati penhengo dzemhuri kunokosha. Jakobho 1:19 inotiudza kuti: “Munhu wose anofanira kukurumidza kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kuva nehasha.” Nhengo dzemhuri dzinofanira kuteerera uyewo kutaurirana nokuti kukurukurirana mumhuri kunoitwa nevanhu vaviri. Kunyange apo zvatinotaura zviri zvechokwadi, kana zvikataurwa nenzira youtsinye, yokudada, kana kuti yokusafunga, zvingangokuvadza zvikuru pane kubatsira. Saka kunyange tiri murume kana mudzimai, mubereki kana mwana, tinofanira kuita kuti kutaura kwedu “kugarova nenyasha, kwakarungwa nomunyu.”—VaK. 4:6.

14 ‘Ndava kunyanya kuda zvinhu zvenyama here?’ Kunyanya kuda zvinhu zvenyama ndechimwe chinhu chenyika chinoita kuti upenyu huome. Hakuunzi mufaro chaiwo. (Mup. 5:10; Ruka 12:15; 1 Tim. 6:9, 10) Kuti atibatsire kudzivisa musungo wokunyanya kuda zvinhu zvenyama, Jesu akatidzidzisa nheyo iyi inokosha inoti: Ramba une ziso rakanaka. Kurarama upenyu huri pakati nepakati, husina kunyanya kuoma kunosanganisira kuisa maziso edu pazvinhu zvoUmambo, tichiisa zvimwe zvinhu zvose panzvimbo yechipiri.—Mat. 6:22, 23, 33.

15 Chinofanira Kuva Chinangwa Chedu: Shoko raMwari rine nheyo dzakarurama dzokuvimba nadzo kuti dzititungamirire mukuita zvisarudzo. Tinofanira kudzidza nheyo idzi, kudzifungisisa, uye kunzwisisa mashandisiro atingadziita muupenyu hwedu. Saka ‘nokurovedza masimba edu okunzwisisa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa,’ tichazvibatsira isu uye tichakudza Jehovha.—VaH. 5:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe