Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
“Ivai Vakuru Zvakakwana Mumasimba Okunzwisisa” ndiwo musoro wepurogiramu yezuva regungano chairo kutanga muna November 2000. (1 VaK. 14:20) Nei zvichava zvakakosha kuti tipinde? Tinorarama munyika yakazara nouipi. Kuti tihudzivise, tinofanira kukudziridza masimba edu okunzwisisa zvinhu zvomudzimu kuitira kuti tigokurira zvakaipa nezvakanaka. Purogiramu yezuva regungano chairo ichatibatsira kuita izvozvo.
Muchikamu chokutanga chepurogiramu, mutariri wedunhu achakurukura musoro unoti “Zvinoyamura Pakuva Vakuru Zvakakwana Mumasimba Okunzwisisa Bhaibheri.” Achatiratidza matsigire atingaita mukutenda kwechiKristu. Mukurukuri anoshanya achasimbisa kuti kushandiswa chaiko, kana kuti kuitwa kwenheyo dzeBhaibheri, kunokosha sei kuti unyatsonzwisisa, sezvaanotaura pamusoro unoti “Chengetedza Kukura Mumudzimu Nokurovedza Masimba Ako Okunzwisisa.”
Vechiduku vanofanirawo kukudziridza masimba okunzwisisa. Izvi zvichakurukurwa muhurukuro dzinoti “Nei Tichifanira Kuva Vacheche Pauipi” uye “Pwere Dzinowana Kunzwisisa Zvino.” Inzwa pwere dzichitaura zvadzinoita kuti dzizvisimbise mumudzimu kuitira kuti dzigodzora kushuva mabasa enyika kupi nokupi ndokudzivisa zvinetso.
Tichawana sei mufaro mukuru muupenyu? Mukurukuri anoshanya achatsanangura izvi muhurukuro yokugumisa inoti “Batsirwa Nokushandisa Nheyo dzeBhaibheri Nokunzwisisa.” Achapa mienzaniso kuti aratidze kuti kushandisa Shoko raMwari kunotibatsira kubata nezvinetso, kuita zvisarudzo, uye kubatsirwa zvechokwadi nezvatiri kudzidziswa naJehovha.
Vaya vanoda kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Mwari nokubhabhatidzwa mumvura pagungano racho vanofanira kuudza mutariri anotungamirira nokukurumidza sezvinobvira. Isa chiratidzo pakarenda yako kana musi wezuva regungano chairo wangoziviswa, uye ita gadziriro chaidzo kuti ubatsirwe nepurogiramu iyi yakapfuma. Usarasikirwa nehurukuro ipi neipi yezuva regungano chairo! Ichakusimbisa kuti utsungirire gadziriro ino yakaipa ndokuramba wakatendeka kuna Jehovha.