Vabereki—Rovedzai Vana Venyu Kubvira Paucheche
1 “Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.” (Zvir. 22:6) Vabereki, kana musingadi kuti vana venyu ‘vatsauke’ panzira yechokwadi, kurovedza kwakadaro kunofanira kutanga rini? Kubvira paucheche!
2 Pauro paakati Timoti akatanga kudzidziswa zvinhu zvomudzimu “kubvira paucheche,” zviri pachena kuti aireva kuti achiri rusvava. (2 Tim. 3:14, 15) Somugumisiro, Timoti akakura kuva murume akaisvonaka akakura mumudzimu. (VaF. 2:19-22) Vabereki, imiwo munofanira kutanga kupa vana venyu rovedzo yavanoda “kubvira paucheche” kuti ‘vakure naJehovha.’—1 Sam. 2:21.
3 Vapei Mvura Yavanoda Kuti Vakure: Sezvo miti miduku ichida kuramba ichidiridzwa kuti ikure kuva miti yakaisvonaka, vana vemazera ose vanoda kuzadzwa nemvura yechokwadi cheBhaibheri kuti vakure kuva vashumiri vaMwari vakakura mumudzimu. Nzira inokosha yokudzidzisa vana chokwadi uye yokuvabatsira kuva noushamwari naJehovha ndeyokudzidza Bhaibheri semhuri nguva dzose. Asi vabereki, fungai nezvourefu hwenguva yokuteerera yomwana mumwe nomumwe. Nokuda kwevana vaduku, zvimwe purogiramu pfupi yenguva nenguva yomurayiridzo ingabudirira zvikuru kupinda inoitwa kashoma asi yakareba.—Dheut. 11:18, 19.
4 Musamborerutsa mano evana venyu okudzidza. Vaudzei nyaya dzevanhu vomuBhaibheri. Itai kuti vanyore mifananidzo yezviitiko zveBhaibheri kana kuti vatambe mitambo yeBhaibheri. Shandisai zvakanaka mavhidhiyo nemakaseti edu, kusanganisira mitambo yeBhaibheri. Itai kuti chidzidzo chemhuri chikodzere mazera uye mano okudzidza evana venyu. Rovedzo yokutanga ichava nyore, ichipiwa zvishoma; asi sezvo mwana anokura, kurovedzwa kwake kunofanira kukura uye kufambira mberi zvikuru. Itai kuti murayiridzo weBhaibheri uve mupenyu uye wakasiyana-siyana. Munoda kuti vana venyu ‘vapange’ Shoko, saka itai kuti chidzidzo chacho chinakidze nepose pamunogona napo.—1 Pet. 2:2.
5 Itai Kuti Vave Nezvokuita Muungano: Rongerai vana venyu vavariro dzinofambira mberi kuti vanyatsova nezvokuita muungano. Vavariro yavo yokutanga ingava yei? Vamwe vabereki vane vana vaduku vaviri vakati: “Takatanga kurovedza vose vari vaviri kugara vakanyarara muImba yoUmambo.” Nokufamba kwenguva, batsira vana kupindura pamisangano nemashoko avo voga uye kuti vaiite vavariro yavo yokunyoresa muChikoro chaMwari Choushumiri. Mubasa romumunda, vavariro dzakanaka dzingava dzokugovera turakiti pasuo, kuverenga rugwaro, kupa mharidzo yokugovera magazini, uye kukurukura navanasaimba mharidzo dzine zvadzinoreva.
6 Ivai Nomuenzaniso Unofadza: Zuva nezuva vana venyu vanokunzwai muchitaura nezvaJehovha nokunyengetera kwaari here? Vanokuonai muchidzidza Shoko rake, muchipinda misangano, muchiita ushumiri hwomumunda, uye muchinakidzwa nokuita kuda kwaMwari here? (Pis. 40:8) Zvinokosha kuti vadaro uye kuti munoitira zvinhu izvi pamwe chete. Mumwe mwanasikana akura akataura nezvaamai vake, avo vakanga varera vana vatanhatu kusvika pakuva Zvapupu zvakatendeka achiti: “Chakanyanya kutifadza waiva muenzaniso waAmai pachavo—waitaura zvikuru kupfuura mashoko.” Mumwe mubereki ane vana vanokwana vana akati: “‘Jehovha anouya pakutanga’ aisangova mashoko akajairika asi nzira yatairarama nayo upenyu hwedu.”
7 Vabereki, tangai kurovedza vana venyu vachiri vaduku, muchivadzidzisa chokwadi chinobva muShoko raMwari, muchivaitira vavariro dzinofambira mberi, uye muchivapa muenzaniso wakaisvonaka unobvira. Muchafara kuti makaita izvozvo!