Dzidzisa Vana Vako Kuti Vave Vashumiri
1. Pisarema 148:12, 13 inokurudzira vabereki vechiKristu kuitei?
1 Jehovha anokoka vechiduku kuti vamurumbidze. (Pis. 148:12, 13) Naizvozvo, vabereki vechiKristu havangodzidzisi vana vavo chokwadi cheBhaibheri nemitemo yetsika chete. Vanovadzidzisawo kuti vave vashumiri vemashoko akanaka. Izvi vangazviita sei zvishoma nezvishoma uye zvinobudirira?
2. Muenzaniso wakanaka womubereki ungabatsira sei vana vake?
2 Muenzaniso Wakanaka: Mutongi Gidhiyoni akaudza varume 300 vaaiva navo kuti: “Dzidzai nokunditarira.” (Vat. 7:17) Zvagara zviri muropa kuti vana vatarise uye vatevedzere zvinoitwa nevabereki vavo. Vamwe baba vanoshanda usiku, asi musi weMugovera pavanodzoka kumba, pane kusvika vachingorara, vanoenda nevana vavo muushumiri kunyange vakaneta. Pasina kana shoko ravataura, vari kuvadzidzisa kuti ushumiri ndicho chinhu chokutanga muupenyu. (Mat. 6:33) Vana venyu vanokuonai muchiita zvinhu zvine chokuita nokunamata muchifara here, zvakadai sokunyengetera, kuverenga Bhaibheri, kupindura pamisangano uye kuparidza? Ichokwadi kuti hamuzokwanisi henyu kuva muenzaniso wakakwana. Asi zvichava nyore kuti vana venyu vakuteererei pamunoedza kuvadzidzisa kunamata Jehovha kana vachiona kushanda kwamunoita nesimba pakumushumira.—Dheut. 6:6, 7; VaR. 2:21, 22.
3. Vabereki vanofanira kukurudzira vana vavo kuti vave uye vazadzise zvinangwa zvipi zvokufambira mberi mune zvokunamata?
3 Zvinangwa Zvokufambira Mberi Mune Zvokunamata: Vabereki havaneti pavanodzidzisa vana vavo kufamba, kutaura, kuzvipfekedza nezvimwewo. Pavanenge vava kukwanisa kuita zvinhu izvi hazvingopereri ipapo, vane zvimwe zvinangwa zvavanenge vava kutarisirwa kuzadzisa. Asi kana vabereki vacho vari vaKristu, vanobatsirawo vana vavo kuva nezvinangwa zvine chokuita nokunamata uye kuzvizadzisa zvichienderana nezvavanokwanisa uye makore avo. (1 VaK. 9:26) Uri kudzidzisa vana vako kuti vape mhinduro vachishandisa mashoko avo pachavo uye kugadzirira vega hurukuro dzavo dzepaChikoro chaMwari Choushumiri here? (Pis. 35:18) Uri kuvadzidzisa kuita ushumiri nenzira dzakasiyana-siyana here? Uri kuvakurudzira kuva nechinangwa chokubhabhatidzwa nekuita basa renguva yakazara here? Uri kuita kuti vashamwaridzane nevashumiri vanofara uye vanoshingaira kuti vavakurudzire here?—Zvir. 13:20.
4. Vana vanobatsirwa sei nekuva nevabereki vanotanga kuvadzidzisa muushumiri vachiri vaduku?
4 Munyori wePisarema akati: “Haiwa Mwari, makandidzidzisa kubvira ndichiri muduku, uye kusvikira zvino ndinoramba ndichizivisa mabasa enyu anoshamisa.” (Pis. 71:17) Tanga kudzidzisa vana vako vachiri vaduku kuti vave vashumiri. Chokwadi ndechokuti zvaunoita kuti vafambire mberi mune zvokunamata zvichavabatsira kana vachinge vakura!—Zvir. 22:6.