RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/02 p. 12
  • Nei Tichifanira Kuramba Tichiparidza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Tichifanira Kuramba Tichiparidza?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Rambai Muchiparidzira Umambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Uvaudze Shoko Iri”
    Shoko raMwari Kwatiri Achishandisa Jeremiya
  • Chinoita Kuti Tidzokere Tadzokerazve
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 2/02 p. 12

Nei Tichifanira Kuramba Tichiparidza?

1 Basa rokuparidza Umambo rave richiitwa kwaunogara kwenguva yakareba here? (Mat. 24:14) Kana zvakadaro, ungafunga kuti ndima yeungano yashandwa zvakakwana. Zvino paunoparidza, zvimwe vanhu vakawanda vaunosangana navo vangaita sevasingafariri shoko roUmambo. Kunyange zvakadaro, cherechedza zvinozivikanwa nezvevadzidzi vaJesu vechokwadi zviri papeji 141 yebhuku raUprofita hwaIsaya II kuti: “Mune dzimwe nzvimbo, zvinobuda muushumiri hwavo zvingaratidzika sezvisingakoshi pazvinoenzaniswa noukuru hwebasa nesimba rinenge raiswa. Kunyange zvakadaro, vanotsungirira.” Asi nei tichifanira kuramba tichiparidza?

2 Yeuka Jeremia: Kutsungirira kwedu takatendeka mubasa rokuparidza hakufaniri kuvapo nemhaka yokuti vanhu vanotiteerera kana kuti kwete. Jeremia akaparidza kwemakore 40 mundima imwe chete kunyange zvazvo vashomanana vakamuteerera uye vakawanda vaipikisa mashoko ake. Nei Jeremia akapfuurira? Imhaka yokuti akanga achiita basa raakanga arayirwa naMwari uye kuziva kwaaiita zvaizoitika munguva yemberi kwakamuita kuti arambe achitaura noushingi.—Jer. 1:17; 20:9.

3 Mamiriro acho ezvinhu akafanana needu. Jesu “akatirayira kuparidzira vanhu nokupupurira kwazvo kuti Uyu ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wevapenyu nevakafa.” (Mab. 10:42) Mashoko atinoparidza inhau youpenyu norufu kune vaya vanoanzwa. Vanhu vachatongwa zvichibva pakudavira kwavanoita mashoko akanaka. Sezvazvakadaro, mutoro wedu ndewokuita chaizvoizvo sezvatakarayirwa kuti tiite. Kunyange kana vanhu vachiramba kuteerera, izvi zvinotipa mukana wokuratidza kuti tinovada zvikuru uye kuti takazvipira kuna Jehovha nokuramba tichiita zvatinofanira kuita. Asi pane zvakawanda.

4 Tiri Kubatsirwa: Kuita kuda kwaMwari, pasinei nokuti vanhu vari mundima vanodavidza sei, kunotipa rugare rwomumwoyo, kugutsikana, uye mufaro, zvisingagoni kuwanikwa neimwe nzira ipi neipi. (Pis. 40:8) Upenyu hwedu hunova nezvahunoreva chaizvo uye hunova nechinangwa. Tikagara tichiita ushumiri, mwoyo yedu nepfungwa zvinoramba zvakanangidzirwa patariro uye mufaro wokurarama munyika itsva yaMwari. Kufungisisa zvipikirwa izvi zveMagwaro kunowedzera kukura kwedu mumudzimu uye kunosimbisa ukama hwedu naJehovha.

5 Kunyange kana tisingaoni migumisiro pakarepo mubasa redu rokuparidza, mbeu yechokwadi ingave yadyarwa mumwoyo womunhu ingazobuda munguva yaJehovha yakafanira. (Joh. 6:44; 1 VaK. 3:6) Hapana upi noupi wedu anoziva kuti vanhu vangani vachauya kuzodzidza nezvoUmambo kuburikidza nokushingaira kwevanhu vaJehovha, mungava muungano kana kuti pasi pose.

6 Kupfuura kare, tinofanira kuteerera murayiridzo waJesu wokuti: “Rambai muchitarira, rambai makamuka, nokuti hamuzivi kuti nguva yakatemwa ichasvika rini. Asi zvandinotaura kwamuri ndinozvitaurira vose, Rambai makarinda.” (Mako 13:33, 37) Naizvozvo, tose zvedu ngatirambe tichizivisa mashoko akanaka oUmambo, tichiita kuti mwoyo waJehovha ufare sezvatinogoverana mukutsvenesa zita rake guru uye dzvene.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe