RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/07 p. 4
  • Chinoita Kuti Tidzokere Tadzokerazve

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinoita Kuti Tidzokere Tadzokerazve
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • “Tashanda Ndima Yedu Kakawanda!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Usaneta Mukuita Zvakaisvonaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nei Tichifanira Kuramba Tichiparidza?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Nei Tichiramba Tichidzokera?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 7/07 p. 4

Chinoita Kuti Tidzokere Tadzokerazve

1. Mubvunzo upi unomuka pamusoro pebasa redu rokuparidzira?

1 Munzvimbo dzakawanda tinowanzoshanda ndima dzedu dzose. Tinoramba tichidzokera tadzokerazve kudzimba dzatakamboshanyira kunyange vanasaimba vakatiudza kuti havafariri. Nei tichiramba tichishanyira vaya vanenge vasina kumbofarira?

2. Ndechipi chikonzero chikuru chinoita kuti tirambe tichiparidzira?

2 Kuda Jehovha uye Vanhu: Chikonzero chikuru chinoita kuti tirambe tichiparidzira ndechokuti tinoda Jehovha. Mwoyo wedu unotiita kuti tirambe tichiudza vamwe pamusoro paMwari wedu mukuru. (Ruka 6:45) Kuda kwatinoita Jehovha kunotigombedzera kuteerera mitemo yake uye kubatsira vamwe kuita zvakafanana. (Zvir. 27:11; 1 Joh. 5:3) Kutsungirira takavimbika mubasa iri hakubvi pane zvinoitwa nevanhu. Kunyange zvazvo vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakatambudzwa, vakaramba vachiparidzira “vasingaregi.” (Mab. 5:42) Pane kuti tiodzwe mwoyo vanhu pavasingateereri, tinofanira kuramba takatsiga tichiratidza kukura kwakaita rudo rwedu uye kuzvipira kwedu kuna Jehovha.

3. Kuda vanhu kuchatibatsira sei kuti tirambe tichiparidzira?

3 Tinoparidzirawo nokuti tinoda muvakidzani wedu. (Ruka 10:27) Jehovha haadi kuti munhu upi noupi aparadzwe. (2 Pet. 3:9) Kunyange mundima dzinowanzoshandwa, tichiri kuwana vanhu vanoda kushumira Jehovha. Somuenzaniso, muGuadeloupe, munhu mumwe chete pavanhu 56 voga voga Chapupu chaJehovha, 214 vakabhabhatidzwa gore rapera. Imomo vanhu vanoda kusvika 20 000 vakapinda Chirangaridzo, anenge munhu mumwe chete pavanhu 22 voga voga!

4. Ndima dzinochinja sei?

4 Kuchinja Kunoita Ndima: Ndima yedu inogara ichichinja. Patinodzokerazve kwatisina kugamuchirwa, tingawana imwe nhengo yemhuri yakasiyana, zvimwe inenge isati yambonzwa mashoko edu uye inogona kuteerera. Kana kuti tingawana paimba iyoyo pave kugara vanhu vatsva vanofarira. Vana vane vabereki vanoshora vanokura uye vanobva pamusha. Ivavo vangafarira kunzwa shoko roUmambo.

5. Chii chingaita kuti vanhu vade kuteerera?

5 Vanhu vanochinjawo. Muapostora Pauro aimbova “munhu anomhura nomutambudzi nomunhu aiita zvakaipa.” (1 Tim. 1:13) Saizvozvowo, vakawanda vari kushumira Jehovha nhasi vaisafarira chokwadi pakutanga. Vamwe vangave vaitoshora mashoko akanaka pane imwe nguva. Sezvo mamiriro ezvinhu omunyika anochinja, vamwe vashori kana kuti vaya vaisafarira vangada kuteerera. Vamwe vangada kuteerera kana vawirwa nedambudziko rakadai sokufirwa nenhengo yemhuri, kupera kwebasa, kushaya mari, kana kuti urwere.

6. Nei tichifanira kuramba tichiparidzira nokushingaira?

6 Mamiriro ezvinhu enyika ino ave kusvika kumugumo, asi basa redu rokuparidzira nokudzidzisa riri kufambira mberi. (Isa. 60:22) Saka tinoramba tichiparidzira nokushingaira uye tinoedza kuramba tiine mafungiro akanaka. Mumwe munhu watichataura naye angateerera. Tinofanira kuramba tichitaura! ‘Kana tikaita izvi tichazviponesa isu nevaya vanotiteerera.’—1 Tim. 4:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe