‘Ivai Vapfumi Pamabasa Akanaka Kwazvo’
1 Mumakore okupedzisira oushumiri hwake hwokushingaira, muapostora Pauro akashanda pfudzi nepfudzi naTimoti naTito. Akanyorera mumwe nomumwe wavo mashoko akada kufanana okukurudzira. Akaudza Tito kuti “avo vakatenda Mwari” vanofanira kuti “varangarire kuramba vachiita mabasa akanaka kwazvo.” (Tito 3:8) Akaudza Timoti kuti vaya vanoisa tariro yavo pana Mwari vanofanira ‘kuva vapfumi pamabasa akanaka kwazvo.’ (1 Tim. 6:17, 18) Iri izano rakaisvonaka kwatiri tose! Asi chii chichatikurudzira kuita mabasa akanaka kwazvo muupenyu hwedu? Uye mabasa api chaiwo atingaita mumazuva ari mberi?
2 Kunzwa kuda kupfuma mumabasa akarurama kunobva mukutenda uye kuda kwatinoita Jehovha uye mutariro yakaisvonaka yaakatipa. (1 Tim. 6:19; Tito 2:11) Zvikurukuru panguva ino yegore, tinoyeuchidzwa kuti Jehovha akatuma Mwanakomana wake Jesu pasi pano, kuitira kuti agoreverera Baba vake obva azarurira vanhu vose vakakodzera nzira youpenyu. (Mat. 20:28; Joh. 3:16) Izvi zvichajekeswa zvikuru pakuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwaKristu musi waMarch 28. Nezvetariro yatinayo yokuwana upenyu husingaperi, hatikurudzirwi here kuita zvose zvatingagona kuti ti“pfume pamabasa akanaka kwazvo”? Chokwadi tinodaro! Mabasa api atingaita iye zvino?
3 Mabasa Akanaka Kwazvo Okuita Muna March uye Mumwedzi Inotevera: Chokwadi, tichapinda Chirangaridzo—chiitiko chinokosha zvikuru chegore nokuda kweZvapupu zvaJehovha pasi pose. (Ruka 22:19) Asi tinoda kugoverana mufaro wechiitiko chacho nevakawanda sevatinogona. Tarira mushumo webasa uri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2002, uye uchaona kuti gore rapera munyika dzakawanda pasi pose, nhamba yevakapinda Chirangaridzo yaiva yakapetwa katatu, kana, kashanu, kana kupfuura nhamba yevaparidzi. Zvechokwadi vose vari muungano vakashanda zvakaoma kuparadzira masiripi okukokera Chirangaridzo mundima yavo yose. Naizvozvo, tinoda kupedzera nguva yakawanda seyatingagona iye zvino kusvikira musi waMarch 28 tichikokera vanhu kuChirangaridzo, tichivabatsira kudzidza nezvetariro yoruponeso.
4 Muna April mune mazororo echikoro uyewo mazororo enyika. Tingashandisa zvakanaka sei mazororo aya kuti ti“pfume pamabasa akanaka kwazvo”? Nokuramba tichishanda nechido mubasa rokuparidza mashoko akanaka, tichi“shingairira mabasa akanaka kwazvo.” (Tito 2:14; Mat. 24:14) Kana usina kukwanisa kuita upiyona hwebetsero muna March, ungaita muna April uye/kana kuti muna May here? Kana uri kupayona muna March, ungaramba uchipayona here?
5 Vamwe vanoshanda vanoona kuti vanogona kupedza awa imwe chete kana kupfuura vachiparidza vari munzira yokuenda kubasa, vachipupurira pamugwagwa kana kuti kushanyira vanhu vanoshanda pamabhizimisi anovhura mangwanani-ngwanani. Vamwe vanotsaura chikamu chenguva yavo yokudya kwemasikati kuti vaite uchapupu. Vamwe vakaona zvichibvira kudzidzisa Bhaibheri wavanoshanda naye panguva iyoyo. Hanzvadzi dzakawanda, vanaamai vepamba vave vachikwanisa kutsaura nguva yebasa romumunda vana vavo pavanenge vari kuchikoro. Nokuti kurumidzei kumuka mamwe mazuva kuti vaite mabasa avo epamba, vane nguva yakawanda muswere wose wezuva yokuita basa rokuparidza nokudzidzisa.—VaEf. 5:15, 16.
6 Kunyange kana usingakwanisi kuita upiyona hwebetsero, unogona kuronga purogiramu yako pachako yokuwedzera kuita ushumiri, uchiita zvose zvaungagona ‘kuti ushandire zvakanaka, kuti upfume pamabasa akanaka kwazvo, kuti uve norupo, uchida kugoverana’ chokwadi nevamwe.—1 Tim. 6:18.
7 Yeukai Basa Rakanaka Kwazvo Rokuita Vadzidzi: Gore negore pane vanofarira vanouya kuChirangaridzo. Zvinobvira here kuti vamwe vari muungano vaone vaya vanopinda asi vasiri kudzidza iye zvino? Mungadzoka kunovashanyira here nechinangwa chokuvabatsira kuti vafambire mberi mumudzimu? Zvingaita kuti vamwe vevanopinda Chirangaridzo ava ihama dzokunyama dzeZvapupu. Vamwe vangava vanhu vakadzidza kare uye vanongoda kukurudzirwa kuti vatangezve kudzidza uye kupinda misangano nguva dzose. Tingafara zvikuru kuvaona vachiva vashumiri vaJehovha vanoshingaira pamwe nesu!
8 Sezvo paine kuwedzera kwebasa muushumiri muna March nemwedzi inotevera, tingangowana vanhu vanofarira vakawanda vatingadzokera kunoona. Edzai kuvasiya vaine mubvunzo. Zvadaro vavimbisei kuvaudza mhinduro yacho pamuchashanya munguva inotevera. Patinoita izvi, tinenge tazarura nzira yokuzodzoka. Tikakurumidza kudzoka zvichava nani. Kana tisina kukwanisa kutanga chidzidzo pakushanya kwokutanga, tinoda kuedza kuchitanga patinoshanya nguva yacho inotevera chaiyo kana zvichiita.
9 Patinopupurira pamugwagwa, tinofanira kunzwa tichida kuedza kutanga kukurukurirana nevanhu. Vaparidzi vakawanda vakapiwa mazita, kero, uye nhamba dzenhare nevanhu vanofarira vavakaona pavaipupurira pamugwagwa. Kana munhu wacho wawakaona asingagari mundima yako, tora fomu rakanzi Tapota Muonei (S-43) kuImba yoUmambo, rizadze, wobva waripa munyori weungano, uyo acharitumira kuungano ine ndima inogara munhu wacho. Kana munyori asingakwanisi kuita izvozvo, acharitumira kuhofisi yebazi kuti ritarisirwe. Nenzira iyi, kufarira kwacho kungakudziridzwa.
10 Kana ukawana nhamba dzenhare kwete kero, ipapo shanyira munhu wacho zvekare uchiita zvokumuridzira runhare. Fanogadzirira zvaunoda kukurukura. Ita kuti bhuku rako raKurangarira rigare riri pedyo kuitira kutarira zvaunoda nokukurumidza. Vamwe vari kubudirira zvakaisvonaka kudzidza nevanhu parunhare, kusanganisira vaya vavasingakwanisi kuwana paimba. Imwe hanzvadzi yakatanga kubvunza nhamba dzenhare dzevakadzi vaifarira vayakaona muushumiri hwepasuo nesuo, uye somugumisiro yakakwanisa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zviviri.
11 Shandira Pamwe Nevakuru Mukubatsira Vasingachaiti Basa: Vakuru vanofarira chaizvo kutarisira norudo ivava. Vanoverengeka vevakadaro vakatotangazve voga kupinda misangano yeungano. Vanoziva kukosha kwokutsvaka ushamwari hwepedyo nesangano raJehovha kuti vawane kuchengeteka kwomudzimu kunorondedzerwa muPisarema 91. Vamwe veava zvino vagadzirira kuitazve basa romumunda. Kana vamwe vasingachaiti basa vakapinda Chirangaridzo mwedzi uno, vangafarira chidzidzo cheBhaibheri chavo pachavo. Izvi zvikaitika, vakuru vacharonga kuti mumwe munhu adzidze nevaya vanoda kubatsirwa. Kana wakumbirwa kuyamura saizvozvo, kushandira pamwe kwako kuchaongwa zvikuru.—VaR. 15:1, 2.
12 Ramba ‘Uchiita Mabasa Akanaka Kwazvo’: Vakawanda vakaita upiyona hwebetsero kwomwedzi mumwe kana kupfuura vakaona kuti basa ravo romumunda rakawedzera mumwedzi yaitevera. Vakaona vanhu vanofarira avo vavakafunga kuti vaifanira kuzoshanyira zvekare. Izvi zvakavaita kuti vawedzere kushingaira kubuda mubasa romumunda kakawanda kuitira kuti vaonezve vanhu vanofarira. Vamwe vakatanga zvidzidzo, uye izvozvo zvakavabatsira kutowedzera ushumiri hwavo.
13 Vamwewo vakawana mufaro mukuru mukuita zvakawanda mubasa rokuparidza nerokuita vadzidzi zvokuti zvakavakurudzira kuongorora zvavanoisa pakutanga. Somugumisiro, vamwe vakakwanisa kuita mabasa avo kwenguva pfupi ndokuramba vari mapiyona ebetsero. Vamwe vakakwanisa kuita mapiyona enguva dzose. Vakakwanisa kuisa tariro yavo zvakazara pana Mwari uye kwete pazvinhu zvinopiwa nenyika. Vakaona kuti kuva vano“rupo, vanoda kugoverana,” kwakaunza zvikomborero zvikuru zvakabva kuna Jehovha uye kwakasimbisa tariro yavo yokuva no“upenyu chaihwo.” (1 Tim. 6:18, 19) Chokwadi, sezvo vakawanda vanotora basa roupiyona, ungano yose inobatsirwa. Mapiyona anowanzoda kutaura zvaanosangana nazvo uye anokoka vamwe kuti vashande nawo muushumiri, uye izvi zvinowedzera mufaro muungano.
14 Tose zvedu ngati“pfume pamabasa akanaka kwazvo” mumwaka uno weChirangaridzo uye mune inotevera kuburikidza nokuwedzera kushanda kwatinoita muushumiri hwechiKristu. Ngatiratidzei kuonga kwedu zvatakaitirwa naJehovha mukutipa tariro yokurarama nokusingaperi munyika itsva yakarurama.—2 Pet. 3:13.