RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/02 p. 3
  • ‘Itirai Vose Zvakanaka’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Itirai Vose Zvakanaka’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Shingairira Kuita Zvakanaka!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • ‘Paridza Shoko raMwari Kwazvo’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • April—Nguva Yokuti ‘Tishande Nesimba Neyokubishaira’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • ‘Ivai Vapfumi Pamabasa Akanaka Kwazvo’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 4/02 p. 3

‘Itirai Vose Zvakanaka’

1 ‘Paridza Shoko raMwari Kwazvo’ uye ‘Ivai Vapfumi Pamabasa Akanaka Kwazvo’ ndiyo yaiva misoro yakashandiswa muwedzero dzoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary naMarch 2002. (VaK. 1:25; 1 Tim. 6:18) MuUshumiri ihwohwo takakurudzirwa kuwedzera kuita nepatinogona napo pose kuti tibatsire vaya vanofarira kupinda Chirangaridzo, kubatsira vasingachaiti basa kuti vavezve nezvavanoita muungano, uye kubatsira vana vedu uye vadzidzi veBhaibheri vava kukwanisa kuti vatange kuparidza mashoko akanaka. Hapana mubvunzo kuti takabudirira nemhaka yokushingaira kwedu kwakanaka. Zvino, “chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngati[rambei tichiitira] vose zvakanaka.”—VaG. 6:10.

2 Vakokei Kuti Vapindezve: MuZimbabwe, vanhu vasiri vaparidzi vemashoko akanaka vanopfuura 40 000 vanopinda Chirangaridzo gore negore. Sezvo kuvapo kwavo kuchiratidza kuti vanofarira, tinofanira kuitei kuti tikurudzire vaya ‘vanoda upenyu husingaperi’ kuti vave “vatendi”? (Mab. 13:48) Vakurudzirei kuti vapindezve misangano yeungano nokukurumidza sezvavangagona.

3 Wadii kukoka munhu anofarira kupinda Chidzidzo Chebhuku Cheungano kuti anzwe kukurukurirana kunofadza kwouprofita hwaIsaya? Kana uri hama yake yokunyama kana kuti uchizivana nomunhu wacho uye uri papurogiramu yokupa hurukuro inotevera paChikoro chaMwari Choushumiri, ungakoka munhu wacho kuti auye azonzwa hurukuro yako. Ramba uchimuzivisa nezvemisoro yehurukuro dzavose dzichapiwa muvhiki dziri mberi. (Purogiramu inofambirana nenguva inofanira kunamirwa pachikwangwani chemashoko.) Tsvaka chero mukana wokuita kuti munhu wacho ade kunamata Jehovha. Chokwadi, kana asiri kutodzidza Bhaibheri nomumwe munhu ari muungano, unogona kumutaurira nenzira yomutsa nezvokudzidza naye.

4 Rambai Muchikurudzira Vasingachaiti Basa: Vakawanda vevaya vanopinda Chirangaridzo vakatozvitsaurira kuna Jehovha. Zvisinei, pane imwe nguva vakarega kuparidza mashoko akanaka nokushingaira. Nepo Pauro akatirayira kuti ‘tiitire vose zvakanaka, zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.’ (VaG. 6:10) Nokudaro, tinofanira kuva nehanya zvikuru nevaya vasingachaiti basa.

5 Zvimwe vamwe vakatobvuma kurudziro yevakuru uye vamwe vacho yokuti vatange zvekare kuita ushumiri. Kana vakuru vakakuti ushande nomuparidzi akabatsirwa kuti aitezve basa, ziva kuti kuda kwaunoita Jehovha uye ushumiri hwomumunda kuchaita kuti munhu wacho ave nechivimbo. Muratidze kuti unoita sei ushumiri hwakasiyana-siyana kuitira kuti awane mufaro mahuri, arambe achiita basa rokuparidza, uye zvimwe awane zvikomborero zvaJehovha.

6 Itai Kuti Vaparidzi Vatsva Vatange Zvakanaka: Apo mumwe mukadzi aiva achangofarira akaziva kuti akanga awana sangano raMwari rechokwadi, akada kubva atanga kuita basa pakarepo. Audzwa zvaaifanira kuita, akati: “Ndinoda kutanga izvozvi.” Kana mumwe munhu wawave uchidzidza naye Bhaibheri zvino ava kutenderwa kutanga kuita ushumiri hwomumunda, mubatsire kuona kudiwa “kwokutanga izvozvi,” uye ita kuti muparidzi mutsva atange zvakanaka. Mubatsire kuti ave netsika yokugadzirira uye kushanda nguva dzose muushumiri hwomumunda vhiki imwe neimwe.

7 Kana ari mwana wenyu ava muparidzi mutsva asati abhabhatidzwa, shandai naye kuti afambire mberi zvinoenderana nezera rake uye mano ake. Mungashamiswa nokukurukura zvakanaka nomumwe munhu kwaanoita, kuverenga kwaanoita Bhaibheri, uye kugovera kwaanoita mabhuku, nemhaka yokumubatsira zvishoma kwamunoita. Paanowana munhu anofarira muushumiri hwomumunda, mudzidzisei kuti adzokerezve ndokuramba achionana nomunhu wacho.

8 Wedzera Ushumiri Hwako Pachako: Mamiriro ako ezvinhu anokubvumira kuwedzera basa rako rokuparidza kunyange mwaka weChirangaridzo wapera here? Ungawedzera awa imwe kana maviri vhiki imwe neimwe pane aunosipedzera mubasa racho here? Uri kutarira pakarenda kuti ndirini paungagona kuitazve upiyona hwebetsero here? Kana kuti ungagadziridza mararamiro ako kuti uite ushumiri hwenguva yakazara here? Kushingaira kwose kwatinoita muushumiri kungabatsira mumwe munhu kugamuchira chokwadi! (Mab. 8:26-39) Sezvatinotarira kumazuva ari mberi, ‘ngatirambei tichiita zvakanaka kune mumwe nomumwe nokune vamwe vose.’—1 VaT. 5:15.

[Bhokisi riri papeji 3]

Ramba Uchibatsira:

□✔ Vanopinda Chirangaridzo

□✔ Vaparidzi vakabatsirwa kuitazve basa

□✔ Vaparidzi vatsva vasati vabhabhatidzwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe