Wedzera Mufaro Wako Mukuparidza
1 Mufaro wokuudza vamwe mashoko akanaka—uri kuuwana here muushumiri hwako? Kana tisina kungwarira, nyika yakaipa yakatipoteredza ingatiita kuti titye kuparidza, ichiita kuti tirasikirwe nomufaro wedu. Kushanda mundima ine vanhu vasingafariri kungatiodzawo mwoyo. Matanho api anoshanda atingatora kuti tiwedzere mufaro wedu mukuparidza?
2 Iva Nechivimbo: Kuva nemafungiro akanaka kunonyatsobatsira. Imwe nzira yokuita izvozvo ndeyokufungisisa ropafadzo yedu yakaisvonaka yokuva “vashandi pamwe naMwari.” (1 VaK. 3:9) Uyewo Jesu anesu mukuita basa iri. (Mat. 28:20) Uye anotitsigira neuto rengirozi. (Mat. 13:41, 49) Naizvozvo tinogona kuva nechokwadi chokuti kushingaira kwedu kunotungamirirwa naMwari. (Zvak. 14:6, 7) Saka pasinei nokuti vamwe vanhu vangaita sei kubasa redu, vari kudenga vari kufara zvikuru!
3 Nyatsogadzirira: Kugadzirira zvakanaka kunowedzerawo mufaro wedu. Kugadzirira kuenda kuushumiri hakudi basa rakawanda. Zvinongoda maminitsi mashomanana kufunga pfungwa yokutaura nezvayo iri mumagazini aripo panguva iyoyo kana kuti iri mumabhuku anogoverwa mwedzi wacho. Sarudza mharidzo iri pakanzi “Zvokutaura Maererano Nemagazini,” muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Ona wedzero yaJanuary 2002 pakanzi, “Mharidzo Dzingangoshandiswa Mubasa Romumunda,” kana kuti tarira sumo inobudirira mubhuku raKurangarira. Kana uchitya zvinowanzotaurwa navanasaimba pavanoramba, gadzirira mhinduro ichazivisa izvozvo uye taura nhau inoita kuti vafarire. Bhuku raKurangarira rinobatsira zvikuru mukuita izvi. Kushandisa yamuro idzi kuchatipa chivimbo chatinoda kuti tiparidze nomufaro.
4 Nyengetera Nomwoyo Wose: Munyengetero unokosha kuti tive nomufaro usingaperi. Sezvo tiri kuita basa raJehovha, tinofanira kumukumbira mudzimu wake, chimwe chibereko chawo mufaro. (VaG. 5:22) Jehovha achatipa simba rokuramba tichiparidza. (VaF. 4:13) Kunyengeterera ushumiri hwedu kunogona kutibatsira kuramba tichiona zvinhu nenzira yakarurama patinosangana nezviitiko zvisingafadzi. (Mab. 13:52; 1 Pet. 4:13, 14) Kana tichinzwa kutya, munyengetero unogona kutibatsira kuramba tisingatyi uye tichifara.—Mab. 4:31.
5 Tsvaka Mikana: Chokwadi, ushumiri hwedu hunofadza zvikuru patinokwanisa kuwana vanhu ndokuvapupurira. Kuchinja purogiramu yako kuti uende paimba neimba panguva dzakasiyana-siyana, zvichida zuva rovira kana kuti panguva yorubvunzavaeni, zvingaguma nokubudirira zvikuru. Unosangana nevanhu nguva nenguva paunofamba mumugwagwa, paunoenda kunotenga, paunofamba nebhazi kana kuti netekisi. Wadii kugadzirira mashoko mashomanana okutanga kukurukura wobva watanga kutaura nevaya vanoita sevane ushamwari? Kana kuti ungava uri munhu anoshanda kana anoenda kuchikoro, zuva nezuva kwaunokurukura nevamwe. Ungawana mukana wokupupurira nokungotanga nhau yepaMagwaro inoita kuti munhu afarire. Mazano akanaka anowanikwa papeji yokutanga yewedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002. Kuedza kupi nokupi uku kunogona kuita zvakawanda kuti munhu awedzere mufaro wake mukuparidza.
6 Sezvo mufaro uchitibatsira kutsungirira, zvinokosha zvikuru kuramba tiinawo! Nokuita kudaro, tichawana mubayiro mukuru apo basa iri risingazodzokororwi rinosvika pamugumo waro. Tarisiro yakadaro pachayo inogona kuwedzera mufaro wedu mukuparidza.—Mat. 25:21.