“Shumirai Jehovha Nomufaro”
1. Chii chingakonzera kuti vashumiri vaJehovha vave nomufaro mukuru?
1 “Garai muchifara munaShe,” akanyora kudaro muapostora Pauro. “Zvakare ndinopamhidzazve, Farai!” (VaF. 4:4) Ropafadzo yokuudza vamwe mashoko akanaka uye yokubatsira vanhu vakaita semakwai kuti vanamate Jehovha inounza mufaro mukuru. (Ruka 10:17; Mab. 15:3; 1 VaT. 2:19) Zvisinei, kana tikawana kuti dzimwe nguva tinoshayiwa mufaro muushumiri hwedu, tingaitei?
2. Kuita kuti pfungwa dzedu dzirambe dzichifunga kunobva basa redu kunowedzera sei mufaro wedu?
2 Basa Rakarayirwa naMwari: Yeukai kuti basa redu rokuparidza rinobva kuna Jehovha. Chokwadi, tine ropafadzo huru yokuva “vashandi pamwe naMwari” mukuzivisa shoko roUmambo nokuita vadzidzi! (1 VaK. 3:9) Kristu Jesu anesu mubasa iri risingazodzokororwi. (Mat. 28:18-20) Ngirozi dzinoshandawo zvikuru uye dzinoshanda nesu mukukohwa kukuru kwomudzimu kuri kuitika iye zvino. (Mab. 8:26; Zvak. 14:6) Magwaro, uyewo zvinoitika kuvanhu vaMwari, zvinopa uchapupu huri pachena hwokuti Jehovha ari kutsigira basa iri. Naizvozvo, patinoparidza, tinoenda “sevakatumwa kubva kuna Mwari, tichionekwa naMwari, pamwe naKristu.” (2 VaK. 2:17) Chikonzero chakasimba chokufara zvechokwadi!
3. Munyengetero unoshandei pakuti tirambe tichifara mubasa redu?
3 Munyengetero unokosha kuti tirambe tichifara mubasa raMwari. (VaG. 5:22) Sezvo tichigona kuita basa raMwari musimba rake chete, tinofanira kumukumbira mudzimu wake, uyo waanopa zvikuru kune vaya vanomukumbira. (Ruka 11:13; 2 VaK. 4:1, 7; VaEf. 6:18-20) Kunyengeterera ushumiri hwedu kuchatibatsira kuramba tiine maonero akanaka patinosangana nevanhu vasingafariri. Kuchaita kuti tikwanise kuramba tichiparidza tisingatyi uye tichifara.—Mab. 4:29-31; 5:40-42; 13:50-52.
4. Kugadzirira zvakanaka kunobatsira sei kuwedzera mufaro wedu pakuparidza, uye ndedzipi dzimwe nzira dzinoshanda dzatingagadzirira nadzo?
4 Nyatsogadzirira: Nzira inobatsira kuti tiwedzere mufaro wedu patinenge tiri muushumiri ndeyokunyatsogadzirira. (1 Pet. 3:15) Kugadzirira kwakadaro hakudi nguva yakawanda. Zvinongoda maminitsi mashomanana kuongorora mharidzo dzomuenzaniso dzemagazini aripo panguva ino kana kuti mharidzo inokodzera mabhuku awakaronga kugovera. Nokuda kwesumo yakakodzera, unogona kuona bhuku raKurangarira kana kuti Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwekare. Vamwe vazivisi voUmambo vanoona zvichibatsira kunyora mharidzo pfupi pakapepa. Nguva nenguva, vanotarira pakapepa kaye kuti vayeuke. Izvi zvinovabatsira kukurira kutya zvovapa chivimbo chokuparidza vasingatyi.
5. Isu nevamwe tinobatsirwa sei nomufaro?
5 Mufaro unounza zvikomborero zvakawanda. Kufara kunowedzera kufarirwa kweshoko redu. Mufaro unotisimbisa kuti titsungirire. (Neh. 8:10; VaH. 12:2) Kupfuura zvose, basa redu rinofadza rinopa mbiri kuna Jehovha. Naizvozvo, ngati‘shumire Jehovha nomufaro.’—Pis. 100:2.