Mashoko Okufarira!
1 Mhuri dzechiKristu kwose kwose dzakataura kuonga kwadzo vhidhiyo inonzi Young People Ask—How Can I Make Real Friends? Vamwe baba vokuUnited States vakataura kuti pashure pokuiona, vanakomana vavo vakagara vakati mwii—vaigona kunzwisisa zvose zviri muvhidhiyo yacho! Mushumo wakabva kuMalawi unoti hama nehanzvadzi dzechiduku ikoko dzakakwanisawo kunzwisisa vhidhiyo iyi nokuti dzinosangana nokudzvinyirirwa kwakadaro kunobva kune vezera radzo vokuchikoro. Nezvevhidhiyo iyi, vamwe baba vokuGermany vakati: “Ndinoiona semhinduro yeminyengetero yangu.” Imwe pwere yakati: “Ndinokuongai nokundiyeuchidza kuti Jehovha ane hanya neni.” Mumwe mukuru muNew Zealand akashuma kuti: “Yakabatsira mumwe wevana vedu vari kuyaruka kuti adzoke kunzira youpenyu.” Mumwe mukadzi akaroorwa akaiona ndokuti: “Ndaizoda zvikuru kuti wechiduku wose ari muchokwadi aone vhidhiyo iyi ndokukurudzirwa kuti aite kuti chokwadi chive chake pachake!” Madii kuiona zvekare imi vane mhuri? Pashure pacho, kurukurai pamwe chete mibvunzo inotevera.
2 Sumo: Chii chinonzi shamwari yechokwadi?—Zvir. 18:24.
3 Zvinhu Zvinoita Kuti Kuva Neshamwari Kuome: Ungaita sei kuti uve nevamwe vokutamba navo? (VaF. 2:4) Nei uchifanira kuda kuvandudza unhu hwako, uye ndiani angakubatsira kuita izvozvo? Chii chichazarura mikana yokuita shamwari dzakawanda, uye dzingawanikwa kupi?—2 VaK. 6:13.
4 Ushamwari naMwari: Ungakudziridza sei ushamwari naJehovha, uye nei zvichikosha kwazvo? (Pis. 34:8) Ndiani angasimbisa ushamwari hwako naMwari zvakanakisisa?
5 Shamwari Dzakaipa: Ndivanaani vari shamwari dzakaipa? (1 VaK. 15:33) Shamwari dzakaipa dzingakanganisa sei kunamata kwomumwe? Nhoroondo yeBhaibheri yaDhina inokudzidzisa chii?—Gen. 34:1, 2, 7, 19.
6 Chinoitika Chemazuva Ano: Kusurukirwa kwaTara kwakamukanganisa sei? Akazvipembedza sei nokushamwaridzana nepwere dzenyika? Dzakamupinza mumatambudziko api? Nei vabereki vake vakakundikana kuona matambudziko aakanga ava maari, asi vakamubatsira sei kunaya mumudzimu? Imwe hanzvadzi piyona yakaratidza sei kuva shamwari chaiyo yaTara? Nei vaKristu vachifanira kuteerera Zvirevo 13:20 naJeremia 17:9? Tara akadzidza chidzidzo chipi chinokosha?
7 Mhedziso: Chidzidzo chipi chawakawana muvhidhiyo iyi? Ungaishandisa sei kubatsira vamwe?—Pis. 71:17.