Ivai Vakanyatsobatanidzwa Pamwe Chete
1 Kugadzirwa kwakaitwa muviri womunhu nounyanzvi kwakakushamisa kakawanda sei? (Pis. 139:14) Nhengo imwe neimwe yomuviri inoshandira pamwe nedzimwe. Shoko raMwari rinoenzanisa ungano yechiKristu nomuviri unonyatsoshandira pamwe. Pasi poMusoro, Kristu, nhengo dzose dzeungano ‘dzinonyatsobatanidzwa pamwe maari uye dzichiitwa kuti dzishandire pamwe nemapfundo ose anopa zvinodiwa.’ (VaEf. 4:16a) Saka Jehovha anokwanisa kushandisa vanhu vake vakabatana kuti vaite zvinhu zvakaisvonaka.
2 Nhengo dzeungano yomuzana remakore rokutanga dzakashanda “nemwoyo mumwe” mukutarisira zvinodiwa zvomudzimu nezvokunyama zvomumwe nomumwe. (Mab. 2:44-47) Vakatarisana nokushorwa kunotyisa ndokubva vakukurira vakabatana nemhaka yokuti vaitsigirwa naJehovha. (Mab. 4:24-31) Vakazivisa mashoko oUmambo kwose kwavaienda, vachizadza nyika yakanga ichizivikanwa panguva iyoyo nemashoko akanaka. (VaK. 1:23) Munguva dzazvino, ungano yechiKristu yave ichiita zvinhu zvakadaro izvi yakabatana pamwero wakatoti kurei. Zvii zvinobatsira kuti pave nokubatana uku?
3 Kuswededzwa Pamwe Chete Nokudzidzisa kwaMwari: Pasi pose, tinobatanidzwa nokunamata kwedu. Izvi zvinobvira sei? Tinoziva nzira inooneka inoshandiswa naJehovha yokugovera ‘zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira.’ (Mat. 24:45) Tinoongawo “zvipo zviri varume” zvaakapa sevadzidzisi muungano. Sezvo tichigamuchira nokuzvininipisa urongwa hwaJehovha hwokutipa zvokudya zvomudzimu, kunzwisisa kwatinoita Shoko raMwari kunokura uye kunoita kuti tive nechido chakapararira chokutevedzera Jesu sevadzidzi vake. Tinofanira kuramba tichidzidza Shoko raMwari, tichiedza nomwoyo wose ku“svika pakuva vamwe mukutenda.” (VaEf. 4:8, 11-13) Uri kusimudzira kubatana kwedu mumudzimu kuburikidza nokuverenga Bhaibheri zuva nezuva here?
4 Kubatanidzwa Noushamwari hwechiKristu: Rudo runotiswededza pamwe chete pamisangano yechiKristu. Pamisangano iyi, ‘tinorangarirana.’ (VaH. 10:24, 25) Izvi zvinosanganisira kutarira zvinopfuura chitarisiko chokunze uye kusvika pakunyatsoziva hama dzedu, kudziona sokuonekwa kwadzinoitwa naJehovha, kuti dzinokosha. (Hag. 2:7, NW, Ref. mashoko omuzasi.) Patinoteerera mashoko avo okutenda, kuvada kwatinoita kunokura uye kubatana kwedu kunosimbiswa. Unozivikanwa somunhu anopinda misangano yeungano nguva dzose here?
5 Vatinoshanda Navo Mumunda: Kuparidza mashoko akanaka nevatinonamata navo kunotibatanidza kuti tiite kuda kwaMwari. Muapostora Pauro akaonga ‘vashandi pamwe naye nokuda kwoumambo hwaMwari.’ (VaK. 4:11) Kutaurirana zvatinosangana nazvo uye kuyamurana patinenge tiri muushumiri kunotibatsira kuita basa redu rechiKristu uye kunosimbisa chisungo chedu chokubatana.—VaK. 3:14.
6 Kubatanidzwa Nokushanda kwoMudzimu Mutsvene: Sezvatinoshanda zvakaoma kuti tiite kuda kwake, Jehovha anotikomborera nomudzimu wake. Izvi zvinotibatsira kugadzirisa kusanzwisisana tobva tagara pamwe chete takabatana. (Pis. 133:1) Unotiita kuti ‘tichengete humwe hwomudzimu muchisungo chinobatanidza chorugare.’ (VaEf. 4:3) Mumwe nomumwe wedu anogona kusimudzira kubatana kuri pakati pevanhu vaMwari kuburikidza nokuratidza zvibereko zvomudzimu pakubata kwatinoita nevamwe.—VaG. 5:22, 23.
7 Kushanda pamwe chete takabatana pasi pokutungamirira kwaKristu ku“noparira kukura kwomuviri nokuda kwokuzvivaka murudo.” (VaEf. 4:16b) Uyezve, kunopa mbiri kuna Jehovha, “Mwari anopa rugare.”—VaR. 16:20.